VaGaratia 1:8-9
VaGaratia 1:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akaparidza vhangeri risati riri ratakakuparidzirai, ngaatukwe nokusingaperi! Sezvatakamboreva, tinodarozve zvino tichiti: Kana kuno munhu upi zvake ari kuparidza kwamuri vhangeri kunze kweramakagamuchira, ngaave akatukwa nokusingaperi!
VaGaratia 1:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi kunyange isu, kana mutumwa anobva kudenga, akakuparidzirai imwe Vhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave akatukwa. Sezvatakamboreva, zvino ndinorevazve saizvozvo: Kana kuno munhu anokuparidzirai imwe Vhangeri, inopesana neiyo yamakagamuchira, ngaave akatukwa.
VaGaratia 1:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kunyange dai tirisu kana mutumwa anobva kudenga achikuparidzai Shoko rinopesana neratakakuparidzai ngaave nerushambwa. Sezvatakambotaura kare ndinotaurazve zvino ndichiti kana pano munhu ari kukuparidzai Shoko Rakanaka rinopesana neramakambogamuchira ngaave norushambwa.
VaGaratia 1:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi kunyaŋge isu, kana mutumŋa unobva kuɗeŋga, akakuparidzirai imŋe evaŋgeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ŋgaaʋe wakatukwa. Seɀatakamboreʋa, ɀino ndinoreʋa ɀe saiɀoɀo: Kana kunomunhu unokuparidzirai imŋe evaŋgeri, inopesana neiyo yamakagamucira, ŋgaaʋe wakatukwa.
VaGaratia 1:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)