VaGaratia 1:10-11 - Compare All Versions
VaGaratia 1:10-11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, ndiri kuedza kuzviratidza kuvanhu here kana kuti kuna Mwari? Kana kuti ndiri kuedza kufadza vanhu here? Dai ndakanga ndichiri kuedza kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu. Ndinoda kuti muzive, hama, kuti vhangeri randakaparidza harisi chimwe chinhu chakangomuka mumunhu.
VaGaratia 1:10-11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti zvino ndinoita ushamwari navanhu here, kana naMwari? Kana ndinotsvaka kufadza vanhu here? Kana ndaifadza vanhu nazvino, handizaiva muranda waKristu. Nokuti ndinokuzivisai, hama dzangu, kuti Vhangeri yakaparidzwa neni, haina kuita seyavanhu.
VaGaratia 1:10-11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Nokuti ɀino ndinoita ʋushamŋari naʋanhu here, kana naMŋari? Kana ndinotȿaka kufadza ʋanhu here? Kana ndaifadza ʋanhu naɀino, handizaiʋa muranda waKristu. Nokuti ndinokuziʋisai, hama dzaŋgu, kuti Evaŋgeri yakaparidzwa neni, haina‐kuita seyaʋanhu.
VaGaratia 1:10-11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi munofunga kuti iye zvino ndiri kutsvaka kufadza vanhu here kana kuti ndiripo pakufadza Mwari? Kana kuti munoti ndiri kuvavarira kufadza vanhu? Kana ndichiripo kufadza vanhu handifaniri kuva muranda waKristu. Nokuti ndingade kuti muzive hama dzangu kuti Shoko Rakanaka rakaparidzwa neni harisi Shoko ravanhu
VaGaratia 1:10-11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)