Ezira 9:15
Ezira 9:15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Imi Jehovha, Mwari waIsraeri, makarurama! Tasara nhasi isu sevakasara. Zvino tiri pano pamberi penyu nemhosva yedu, kunyange pasina kana mumwe chete wedu angamira pamberi penyu nokuda kwechivi ichi.”
Ezira 9:15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha, Mwari waIsiraeri, imi makarurama; nokuti tasiyirwa vamwe vakapukunyuka, sezvazvakaita nhasi; tarirai tiri pamberi penyu nemhosva dzedu, nokuti hakuna angamira pamberi penyu noda kwechinhu ichi.”
Ezira 9:15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Imi Tenzi, Mwari weIsiraeri, imi makarurama nokuti takatosiyirwawo chitsama chevanhu vakasara chakatopunyuka sezvazviri nhasi. Hezvika takadai kuva pamuri kunyange pasina angagone kumira pamuri tiine mhosva pamusana paizvozvi.”
Ezira 9:15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova, Mŋari waIsraeri, imi makarurama; nokuti tasiyirwa ʋamŋe ʋakapukunyuka, seɀaɀakaita nhasi; tarirai tiri pamberi penyu nemhoȿa dzeɗu, nokuti hakuna‐uŋgamira pamberi penyu nokuɗa kwecinhu ici.
Ezira 9:15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)