Ezira 6:1-12
Ezira 6:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Mambo Dhariasi akatema chirevo, uye vakatsvakisisa mumabhuku enhoroondo dzakare aiva mudura repfuma muBhabhironi. Rugwaro rwakapetwa rwakawanikwa mumuzinda weEkibhatana mudunhu reMedhia, uye izvi ndizvo zvakanga zvakanyorwa parwuri: Chiziviso: Mugore rokutanga raMambo Sirasi, mambo akapa chirevo pamusoro pezvetemberi yaMwari muJerusarema achiti: Temberi ngaivakwezve ive nzvimbo yokubayira zvibayiro, uye nheyo dzayo ngadziteyiwe. Inofanira kuva namakubhiti makumi matanhatu paurefu namakubhiti makumi matanhatu paupamhi, ive nemitsara mitatu yamabwe makuru uye nomutsara mumwe chete wamatanda. Mari yokuvaka ngaitorwe kubva papfuma yamambo. Uyezve midziyo yegoridhe neyesirivha yeimba yaMwari yakatorwa naNebhukadhinezari kubva mutemberi muJerusarema akauya nayo kuBhabhironi, inofanira kudzoserwa panzvimbo yayo mutemberi muJerusarema; inofanira kuiswa muimba yaMwari. Zvino naizvozvo, Tatenai, mubati wenyika iri mhiri kwaYufuratesi, Sheshitari-Bhozenai, iwe namachinda avo omudunhu iro, musapindira pazvinhu izvi. Musakanganisa basa retemberi iyi yaMwari. Regai mubati wavaJudha navakuru vavaJudha vavake imba iyi yaMwari panzvimbo yayo. Pamusoro pezvo, ndinorayira zvino zvamunofanira kuitira vakuru ava vavaJudha, pakuvakwa kweimba iyi yaMwari: Mari yose inodiwa kuripira varume ava ichabva papfuma yamambo ichibva pamitero inoripwa kubva mhiri kwaYufuratesi, kuitira kuti basa rirege kumira. Zvose zvinodiwa, dzingava hando duku, makondobwe, namakwayana makono, zvokuita nazvo zvipiriso zvinopiswa kuna Mwari wokudenga, uye gorosi, munyu, waini namafuta, zvinenge zvakumbirwa navaprista muJerusarema, zvinofanira kupiwa kwavari zuva rimwe nerimwe musingadariki, kuti vagone kupa zvibayiro zvinofadza kuna Mwari wokudenga uye kuti vagone kunyengetererawo upenyu hwamambo nohwavanakomana vake. Pamusoro pezvo, ndinotemawo chirevo, kuti ani naani anoshandura shoko iri, bango rinofanira kubviswa paimba yake, uye anofanira kuturikwa agorovererwa pariri. Uye nokuda kwemhaka iyi, imba yake inofanira kuitwa murwi wamarara. Mwari, akagarisa Zita rake ipapo, ngaaparadze mambo upi noupi kana vanhu vangatambanudza maoko avo kuti vashandure chirevo ichi kana kuparadza temberi iyi muJerusarema. Ini Dhariasi ndini ndatema chirevo ichi. Ngachizadziswe nenzira yakanyanyisa kunaka.
Ezira 6:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo mambo Dhariusi akaraira, vakanzvera paimba yamabhuku, pavaichengeta pfuma paBhabhironi. Vakawana paAkimeta, paimba yamambo, yakanga iri parutivi rwenyika yeMedhia, rugwaro rwakapetwa makanga makanyorwa kudai kuti varangarire, “Pagore rokutanga ramambo Koreshi, mambo Koreshi akaraira, achiti, ‘Kana iri imba yaMwari paJerusaremu, imba ngaivakwe, pave pavangabayira zvibayiro, nenheyo dzayo dziteyiwe nesimba; kukwirira kwayo kusvike makubhiti ana makumi matanhatu, nokufara kwayo makubhiti ana makumi matanhatu; ngaive nemisara mitatu yamabwe makuru, nomusara mumwe wamatanda matsva; mari yokuvaka nayo ngaitorwe paimba yamambo. Nemidziyo yendarama nesirivha yeimba yaMwari, yakadeya kutorwa naNebhukadhinezari patemberi paJerusaremu, ikaiswa naye Bhabhironi, ngaidzoswe, iiswezve patemberi iri Jerusaremu, chimwe nechimwe panzvimbo yacho, mugozviisa muimba yaMwari.’ “Naizvozvo zvino imi Tatenai mubati wenyika mhiri kworwizi, naShetaribhozenai, namakurukota avaAfarisaki, imi muri mhiri kworwizi, chibvai ipapo; varegei pabasa reimba yaMwari; mubati wavaJudha navakuru vavaJudha ngavavake imba iyi yaMwari panzvimbo yayo. Uye ndinoraira zvamunofanira kuitira vakuru ava vavaJudha, kuti imba iyi yaMwari ivakwe, mari yokuvaka nayo ngaitorwe papfuma yamambo, pamutero unoripwa mhiri kworwizi, ikurumidze kupiwa varume avo, kuti varege kudziviswa. Uye zvose zvavanoshaiwa, kana nzombe duku, kana makondohwe, kana makwayana, zvokuita nazvo zvipiriso zvinopisirwa Mwari wokudenga, kana zviyo, kana munyu, kana waini, kana mafuta, sezvinotaura vapristi vari Jerusaremu, ngavapiwe izvozvo zuva rimwe nerimwe, musingadariki; kuti vagone kuvigira Mwari wokudenga zvibayiro zvinonhuwira zvakanaka, vanyengeterewo upenyu hwamambo, nohwavanakomana vake. “Ndatemawo chirevo, kuti ani naani anoshandura shoko iri, bango ribviswe paimba yake, iye aturikwe aroverwe pariri; uye imba yake iitwe durunhuru pamusoro pechinhu ichi; Mwari, akagarisa zita rake ipapo, ngaaparadze madzimambo ose avanhu vachatambanudza maoko avo kushandura chinhu ichi, nokuparadza imba iyi yaMwari iri paJerusaremu. Ini Dhariusi ndatema chirevo ichi; ngazviitwe nokukurumidza.”
Ezira 6:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mambo Dhariusi akabva azopawo chirevo, kukatsvakwa muBhabhironi mumba mokuchengetera zvinyorwa macho makanga machengeterwa zvinyorwa izvozvo. Zvakazowanika muEkibhatana guta guru renyika yeMedhia bhuku rokumunonora pakanga pakanyorwa kunzi, “Chiyeuchidzo! Mugore rechiposhi rokutonga kwamambo Sairosi akatema chirevo chakanangana nezvemba yaMwari iri kuJerusaremu. Imba iyoyo ngaivakwe zvakare, nzvimbo yokupirira zvibayiro kuna Mwari kunounzwawo mipiro yokupisa. Kureba kuenda mudenga makumi maviri amamita anamamita manomwe, kufara kwayo kuchiita mamita makumi maviri anamamita manomwe. Inofanira kuva nemitsara inoravana ichiti mitsara mitatu yamabwe makuru yoteverwa nomutsara mumwechete wamapango. Mari inodiwa ikoko inofanira kubva munochengeterwa upfumi hwamambo. Pamusoro paizvozvo midziyo yendarama neyesirivha yomumba maMwari iya yakambotorwa naNebhukadhineza muTemberi iri kuJerusaremu ikaendeswa kuBhabhironi inofanira kudzoserwa iendeswe kwakare kutemberi iri Jerusaremu mumwe nomumwe panzvimbo pawaiva muirongedze mumba yaMwari imomo.” “Zvino imi vana Tatenai, zisadunhu renyika iri Mhiri kweRwizi rwaYufuratesi naShetaribhozenai navamwe venyu masadunhu echikwata chenyu muri kunyika iri Mhiri kweRwizi rwaYufuratesi, siyanai nazvo. Zvebasa remba yaMwari izvo siyanai nazvo. Regai sadunhu wavaJudha navakuru vakuru vavaJudha vavake zvakare imba yaMwari payaiva. Chimwe ndechokuti ndatotema chirevo chezvinofanira kuitirwa vakuru vakuru vavaJudha maererano nokuvakwazve kwemba yaMwari chokuti mari yacho inodiwapo inofanira kubhadharwa varume ivava yose zvayo yakadaro pasina zvokunonoka ichibva kumari yokwamambo pamutero wenyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi. Chose zvacho chinenge chichizodiwa sezvakaita handira dzichiri duku nehondohwe kana hwai dzemipiro yokupisira Mwari Wedenga kunyange koroni nomunyu newaini kana mafuta eorivhi, zvichadiwa zvacho navapristi kuJerusaremu; izvozvi izvi vanofanira kuti vapiwe zuva nezuva pasina zvokukundikana, kuitira kuti vapire zvibayiro zvinofadza Mwari Wedenga, vagonamatirawo upenyu hwamambo nohwevana vake. Ndatotemazve chimwe chirevo chokuti: Kuwana anongosandura chirevo ichochi, pamba pake ngapavhomorwe bango apaikirwe pariri, imba yake iitwe murwi wamarara. Iye Mwari akaita kuti zita rake riiswe ipapo ngaaparadze mambo kana vanhu vanenge vane chavangaite kusandura izvi kana kuparadza imba yaMwari iri muJerusaremu. Izvozvi ngazvinyatsoitwa nomazvo chaimo. Chirevo ichochi chatemwa neni. Ndini Dhariusi.”
Ezira 6:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo mambo Dariusi wakaraira, ʋakanɀera paimba yamabuku, paʋaiceŋgeta fuma paBabironi. Ʋakawana paAkmeta, paimba yamambo yakaŋga iri parutiʋi rwenyika yeMedia, rugwaro rwakapetwa makaŋga makanyorwa kuɗai kuti ʋaraŋgarire: Pagore rokutaŋga ramambo Koreshi, mambo Koreshi wakaraira, aciti: Kana iri imba yaMŋari paJerusarema, imba ŋgaiʋakwe, paʋe paʋaŋgaɓayira ɀiɓayiro, nenheyo dzayo dziteyiwe nesimba; kukwirira kwayo kuȿike makubiti anamakumi matanhatu, nokufara kwayo makubiti anamakumi matanhatu; ŋgaiʋe nemisara mitatu yamabge makuru, nomusara mumŋe wamatanda matȿa; mari yokuʋaka nayo ŋgaitorwe paimba yamambo. Nemidziyo yendarama nesirveri yeimba yaMŋari, yakaɗeya kutorwa naNebukadnezari patembere paJerusarema, ikaiswa naye Babironi, ŋgaidzoswe, iiswe ɀe patembere iri Jerusarema, cimŋe necimŋe panɀimbo yaco, mugoɀiisa muimba yaMŋari. Naiɀoɀo ɀino imi Tatenai muɓati wenyika mhiri kworwizi, naShetari‐bozenai, neshamŋari dzenyu dzaʋaAfarsaki, imi muri mhiri kworwizi, cibvai ipapo; ʋaregei paɓasa reimba yaMŋari; muɓati waʋaJuda naʋakuru ʋaʋaJuda ŋgaʋaʋake imba iyi yaMŋari panɀimbo yayo. Ʋuye ndinoraira ɀamunofanira kuitira ʋakuru aʋa ʋaʋaJuda, kuti imba iyi yaMŋari iʋakwe: Mari yokuʋaka nayo ŋgaitorwe pafuma yamambo, pamutero unoripxa mhiri kworwizi, ikurumidze kupiwa ʋarume aʋo, kuti ʋarege kudziʋiswa. Ʋuye ɀose ɀaʋanoshaiwa, kana nzombe ɗuku, kana makondobge, kana makwaiana, ɀokuita naɀo ɀipiriso ɀinopisirwa Mŋari wokuɗeŋga, kana ɀiyo, kana munyu, kana waini, kana mafuta, seɀinotaura ʋaprista ʋari Jerusarema, ŋgaʋapiwe iɀoɀo zuʋa rimŋe nerimŋe, musiŋgaɗariki; kuti ʋagone kuʋigira Mŋari wokuɗeŋga ɀiɓayiro ɀinonhuwira ɀakanaka, ʋanyeŋgeterere ʋo ʋupenyu bgamambo, nobgaʋanakomana ʋake. Ndatema ʋo cireʋo, kuti aninani unoshandura shoko iri, ɓaŋgo ribviswe paimba yake, iye aturikwe aroʋerwe pariri; ʋuye imba yake iitwe ɗurunhuru pamsoro pecinhu ici; Mŋari, wakagarisa zita rake ipapo, ŋgaaparadze madzimambo ose naʋanhu ʋacatambanudza maʋoko aʋo kushandura cinhu ici, nokuparadza imba iyi yaMŋari iri paJerusarema. Ini Dariusi ndatema cireʋo ici; ŋgaɀiitwe nokukurumidza.
Ezira 6:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)