Ezira 2:1-2
Ezira 2:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino ava ndivo vanhu vomudunhu vakadzoka kubva kuutapwa hwavakanga vatapwa, avo vakanga vatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakanga vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi (vakadzokera kuJerusarema nokuJudha, mumwe nomumwe kuguta rake, vakanga vari pamwe chete naZerubhabheri, Jeshua, Nehemia, Seraya, Reeraya, Modhekai, Bhirishani, Misipari, Bhigivhai, Rehumi naBhaana): Uwandu hwavarume pakati pavaIsraeri
Ezira 2:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ava ndivo vana vorutivi rwenyika yaJudha vakadzoka pakutapwa, pakati pavakanga vakatapwa, vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakaiswa Bhabhironi, vakazodzokera Jerusaremu nokwaJudha, mumwe nomumwe kuguta rake; ivo vakauya naZerubhabheri, naJeshua, naNehemiya, naSeraya, naReeraya, naMoridheka, naBhirishani, naMisipari, naBhigivhai, naRehumi, naBhaana.
Ezira 2:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino ava ndivo vanhu vedunhu iroro vakabva kuutapwa pane vakanga vatamiswa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi. Vakadzokera kuJerusaremu kwaJudha mumwe nomumwe kuguta rokwake. Vakauya navo ndiZerubhabhero naJeshua naNehemiya naSeraya naReeraya naModhekai naBhirishani naMisipari naBhigivhai naReumu naBhaana. Pavanhu veIsiraeri, uwandi hwavarume vacho hwaiva hwakamira hwakadai izvi
Ezira 2:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino aʋa ndiʋo ʋana ʋorutiʋi rwenyika yaJuda ʋakadzoka pakutapxa, pakati paʋakaŋga ʋakatapxa, ʋakatapxa naNebukadnezari mambo weBabironi ʋakaiswa Babironi, ʋakazodzokera Jerusarema nokwaJuda, mumŋe nomumŋe kuguta rake; iʋo ʋakaʋuya naZerubaberi, naJeshua, naNehemia, naSeraya, naReeraya, naMordekai, naBirshani, naMispari, naBigvai, naRehumi, naBaana.
Ezira 2:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)