Ezekieri 9:3-4 - Compare All Versions
Ezekieri 9:3-4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakakwira kuchibva pamusoro pamakerubhi, pakwakanga kuri, ndokuswedera kuchikumbaridzo chetemberi. Ipapo Jehovha akadana murume akanga akapfeka mucheka uya akanga ane zvinyoreso parutivi rwake akati kwaari, “Pfuura nomuguta rose reJerusarema uye uise munembo pahuma dzavaya vanotsutsumwa navanochema pamusoro pezvinhu zvinonyangadza zvinoitwa mariri.”
Ezekieri 9:3-4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kwakwira kuchibva pakerubhi, pakwakanga kuri, kukasvika kuchikumbaridzo cheimba; akadana murume akanga akafuka mucheka werineni, akanga anorunyanga rweingi rwomunyori pachiuno chake. Jehovha akati kwaari, “Pfuura napakati peguta, napakati peJerusaremu, uise chiratidzo pahuma dzavanhu vanogomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza zvose zvinoita mukati maro.”
Ezekieri 9:3-4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Ipapo kupenya kwokuvapo kwaTenzi weIsiraeri kwakanga kwabva pamakerubhu pakwaigara kwaenda kumusuo wemba yacho. Iye akadaidzira kumurume akanga akapfeka rineni uya aiva nekaguchu keingi padivi pake. Ipapo Tenzi akati kwaari, “Enda nomuguta, nomuJerusaremu uise rupao pahuma dzavanhu vanodemba vachidunura pamusana pezvinhu zvose zvinosemesa zviri, kuitwa mariri.”
Ezekieri 9:3-4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino kubginya kwaMŋari waIsraeri kwakaŋga kwakwira kucibva pakerubi, pakwakaŋga kuri, kukaȿika kucikumbaridzo ceimba; akaɗana murume wakaŋga akafuka muceka, wakaŋga anorunyaŋga rweiŋgi rwomunyori paciʋuno cake. Jehova akati kwaari: Pfuʋura napakati peguta, napakati peJerusarema, uise ciratidzo pahuma dzaʋanhu ʋanogomera nokucema pamsoro peɀinonyaŋgadza ɀose ɀinoitwa mukati maro.
Ezekieri 9:3-4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)