Ezekieri 8:1-6
Ezekieri 8:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mugore rechitanhatu, mumwedzi wechitanhatu pazuva reshanu, pandakanga ndirere mumba mangu uye vakuru veJudha vagere pamberi pangu, ruoko rwaIshe Jehovha rwakauya pamusoro pangu ipapo. Ndakatarisa, ndikaona chimiro chakaita sechomunhu. Kubva ipapo zvichikwira kumusoro, kuratidzika kwake kwainge kuchibwinya sedare rinopisa. Akatambanudza chakanga chakaita soruoko akandibata nebvudzi romusoro wangu. Mweya akandisimudza pakati penyika nedenga uye muzviratidzo zvaMwari akanditora akandiendesa kuJerusarema, kumukova wokusuo rokumusoro roruvazhe rwomukati, pakanga pamire chifananidzo chinomutsa godo. Uye ipapo pamberi pangu pakanga pane kubwinya kwaMwari waIsraeri, sapachiratidzo chandakanga ndaona mubani. Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira kumusoro.” Naizvozvo ndakatarisa, uye pamukova wokumusoro kwesuo rearitari ndakaona chifananidzo ichi chegodo. Uye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, unoona zvavari kuita here, izvo zvinhu zvinonyangadza chose zvinoitwa neimba yaIsraeri pano, zvinhu zvichandiisa kure neimba yangu tsvene? Asika, uchaona zvimwe zvinhu zvinonyangadza kwazvo.”
Ezekieri 8:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino negore rechitanhatu, nomwedzi wechitanhatu, nezuwa reshanu romwedzi, ini ndigere mumba mangu, navakuru vaJudha vagere pamberi pangu, ruoko rwaIshe Jehovha ndokuwira pamusoro pangu. Ipapo ndikatarira ndikaona mufananidzo unenge somoto; kubva pakaita sechiuno chake zvichienda pasi, kwakanga kunomoto, kubva pachiuno chake zvichikwira kumusoro zvinenge kubwinya, sedare rinopenya. Akatambanudza zvakanga zvakaita soruoko, akandibata nezhumu romusoro wangu, Mweya akandisimudza pakati pedenga nenyika, ndokundiisa paJerusaremu ndichiratidzwa zviratidzo naMwari, kumukova wesuo roruvanze rwomukati unotarira kurutivi rwokumusoro, pakanga pane chigaro chechifananidzo chegodo, chinomutsa godo. Zvino tarira, kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kuripo, zvakafanana nezvandakaona mubani. Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, rinzira meso ako kurutivi rwokumusoro.” Ipapo ndakaringira meso angu kurutivi rwokumusoro, ndikaona kurutivi rwokumusoro rwesuo rearitari chifananidzo ichi chegodo chimire panopindwa napo. Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, unoona zvavanoita here? Izvo zvinonyangadza zvikuru zvinoitwa pano neimba yaIsiraeri, kuti ini ndibve ndiende kure nenzvimbo yangu tsvene here? Asi uchaonazve zvimwe zvinonyangadza zvikuru.”
Ezekieri 8:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mugore rechitanhatu mumwedzi wechitanhatu pazuva reshanu romwedzi iwoyo pandakanga ndakagara pasi mumba mangu, vakuru vakuru vokwaJudha vagere pamberi pangu, simba roruoko rwaTenzi Mwari rakaturukira pandiri. Ipapo ndakatarisa ndiye onei chimwe chine chimiro chinenge chomunhu. Kubvira mainge muchiuno make zvichienda pasi wakanga uri moto uye kubvira muchiuno zvichikwira kumusoro kwaitarisika sokupenya kuchingarikira sendarira. Iye akatambanudza chainge ruoko akandibata zhumu romusoro wangu. Izvozvo Mweya wakandisumudza mudenga pakati pedenga nenyika akandiendesa muzviratidzo zvaMwari kuJerusaremu pokupinda napo peSuo Guru renhandare yomukati yakatarisa kuchamhembe pakanga paine paigara chimufananidzo chokunamata cheshanje chaikonzera Mwari shanje. Ndakaona mbiri yokuvapo kwaMwari weIsiraeri iripo sezvandakanga ndamboona muchiratidzo chomubani. Akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu simudza musoro wakatarisa kuchamhembe.” Saizvozvo ndakasimudza musoro ndakatarisa kuchamhembe, onei kuchamhembe kweSuo Guru rokuAtari pamusuo pakanga paine chimufananidzo chiya chokunamata cheshanje. Akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu, uri kuona here zvavari kuita izvi zvinondisemesa kwazvo zviri kuitwa muno nemba yaIsiraeri? Vari kuzviitira here kuti vanditandanisire kure neNzvimbo yangu Inoera? Uchatoona zvinosemesa kwazvo kupinda izvozvi.”
Ezekieri 8:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino negore recitanhatu, nomŋedzi wecitanhatu, nezuʋa reshanu romŋedzi, ini ndigere mumba maŋgu, naʋakuru ʋaJuda ʋagere pamberi paŋgu, ruʋoko rwaShe Jehova ndokuwira pamsoro paŋgu. Ipapo ndikatarira ndikaʋona mufananidzo uneŋge somŋoto; kubva pakaita seciʋuno cake ɀicienda pasi, kwakaŋga kunomŋoto, kubva paciʋuno cake ɀicikwira kumsoro ɀineŋge kubginya, seɗare rinopenya. Akatambanudza ɀakaŋga ɀakaita soruʋoko, akandiɓata neɓumu romusoro waŋgu, Mŋeya akandisimudza pakati peɗeŋga nenyika, ndokundiisa paJerusarema ndiciratidzwa ɀiratidzo naMŋari, kumukoʋa wesuʋo roruʋazhe rwomukati unotarira kurutiʋi rwokumsoro, pakaŋga panecigaro cecifananidzo cegoɗo, cinomutsa goɗo. Ɀino tarira, kubginya kwaMŋari waIsraeri kwakaŋga kuri’po, ɀakafanana neɀandakaʋona muɓani. Ipapo akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, rinzira meso ako kurutiʋi rwokumsoro. Ipapo ndakariŋgira meso aŋgu kurutiʋi rwokumsoro, ndikaʋona kurutiʋi rwokumsoro rwesuʋo reartari cifananidzo ici cegoɗo cimire panopindwa napo. Akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, unoʋona ɀaʋanoita here? Iɀo ɀinonyaŋgadza ɀikuru ɀinoitwa pano neimba yaIsraeri, kuti ini ndibve ndiende kure nenɀimbo yaŋgu tȿene here? Asi ucaʋona ɀe ɀimŋe ɀinonyaŋgadza ɀikuru.
Ezekieri 8:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)