Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 5:11 - Compare All Versions

Ezekieri 5:11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Naizvozvo noupenyu hwangu zvirokwazvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, nokuti wakasvibisa nzvimbo yangu tsvene nezvakaumbwa zvako zvinonyangadza uye namaitiro ako anosemesa, ini ndimene ndichabvisa nyasha dzangu kwauri handichakutarisi netsitsi kana kukuponesa.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 5 BDSC

Ezekieri 5:11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Saka noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha zvirokwazvo, zvawakasvibisa nzvimbo yangu tsvene nezvose zvako zvinosemesa nezvose zvako zvinonyangadza, saka neni ndichabva kwamuri, ziso rangu haringakupembedzi, handingavi netsitsiwo.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 5 SNA2002

Ezekieri 5:11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

“Naizvozvo, sezvandiripo kudai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari, zvedi, pamusana pokuti wakan'oresa nzvimbo yangu inoera nezvinhu zvenyu zvisingadiwe nezvose zvinosemesa zvenyu; naizvozvowo ini ndichakuparadzai. Handimbokuitirai tsiye nyoro kana kukuitirai tsitsi.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 5 SCLBD

Ezekieri 5:11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Saka noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ɀirokwaɀo, ɀawakaȿiɓisa nɀimbo yaŋgu tȿene neɀose ɀako ɀinosemesa neɀose ɀako ɀinonyaŋgadza, saka neni ndicabva kwauri, ziso raŋgu hariŋgakupembedzi, handiŋgaʋi netsitsi ʋo.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 5 SUB1949

Ezekieri 5:11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

“Naizvozvo, sezvandiripo kudai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari, zvedi, pamusana pokuti wakan'oresa nzvimbo yangu inoera nezvinhu zvenyu zvisingadiwe nezvose zvinosemesa zvenyu; naizvozvowo ini ndichakuparadzai. Handimbokuitirai tsiye nyoro kana kukuitirai tsitsi.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 5 SCLB