Ezekieri 48:1-35
Ezekieri 48:1-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Aya ndiwo marudzi akanyorwa, namazita awo: “kurutivi rwokumuganhu wokumusoro, Dhani achava nomugove mumwe chete; uchange uchitevedza mugwagwa weHetironi kusvika kuRebho Hamati; Hazari Enani nomuganhu wokumusoro kweDhamasiko, pedyo neHamati, zvichava chikamu chomuganhu wavo unobva kurutivi rwokumabvazuva kusvikira kurutivi rwokumavirira. Asheri achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaDhani kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. Nafutari achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaAsheri kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. Manase achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaNafutari kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. Efuremu achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaManase kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. Rubheni achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaEfuremu kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. Judha achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaRubheni kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. “Kubva pamuganhu wenyika yaJudha zvichibvira kumabvazuva kusvikira kumavirira, uchava mugove wamuchapa sechipo chakatsaurwa. Uchava namakubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu paupamhi uye kureba kwawo kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira kuchaenzana nomugove worudzi rumwe, nzvimbo tsvene ichava pakati payo. “Mugove wakatsaurwa wamunofanira kupa kuna Jehovha unofanira kureba makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu, nezviuru gumi paupamhi. Uyu ndiwo uchava mugove mutsvene wavaprista. Uchareba makubhiti makumi maviri namashanu ezviuru nechokurutivi rwokumusoro, nezviuru gumi zvamakubhiti paupamhi kurutivi rwokumavirira, makubhiti zviuru gumi paupamhi kurutivi rwokumabvazuva nezviuru makumi maviri nezvishanu zvamakubhiti pakureba kurutivi rwezasi. Pakati payo pachava nenzvimbo tsvene yaJehovha. Iyi ichava yavaprista vakaitwa vatsvene, ivo vaZadhoki, vakanga vakatendeka pakundishumira uye vasina kutsauka sezvakaitwa navaRevhi panguva yakatsauka vaIsraeri. Ichava chipo chakatsaurwa kwavari kubva pamugove wakatsaurwa wenyika, iwo mugove mutsvene-tsvene, unoganhura nyika yavaRevhi. “VaRevhi vachava nomugove wamakubhiti akareba makumi maviri namashanu ezviuru nezviuru gumi paupamhi, zvichienderana nenyika yavaprista. Kureba kwayo kunofanira kuita makubhiti zviuru gumi. Havafaniri kuitengesa kana kutsinhanisa chimwe chikamu chayo. Iyi inyika yakanakisisa uye haifaniri kuiswa mumaoko avamwe vanhu, nokuti itsvene kuna Jehovha. “Nzvimbo dzakasara, dzina makubhiti zviuru zvishanu paupamhi namakubhiti zviuru makumi maviri namashanu pakureba, dzichashandiswa neguta, sepokugara namafuro. Guta richava pakati pazvo uye richava nezviyero izvi: kurutivi rwokumusoro makubhiti zviuru zvina namazana mashanu, kurutivi rwezasi makubhiti zviuru zvina namazana mashanu, kurutivi rwokumabvazuva, makubhiti zviuru zvina namazana mashanu, uye kurutivi rwokumavirira, makubhiti zviuru zvina namazana mashanu. Nzvimbo yamafuro yeguta ichange ina makubhiti mazana maviri namakumi mashanu kurutivi rwokumusoro, mazana maviri namakumi mashanu kurutivi rwezasi, mazana maviri namakumi mashanu kurutivi rwokumabvazuva, namazana maviri namakumi mashanu kurutivi rwokumavirira. Nzvimbo inosara, inoganhurana nenzvimbo yomugove mutsvene ichitevedza kureba kwayo, ichava namakubhiti zviuru gumi kurutivi rwokumabvazuva, namakubhiti zviuru gumi kurutivi rwokumavirira. Zvibereko zvayo zvichapiwa kuti zvive zvokudya zvavashandi vomuguta. Vashandi vanobva muguta vanoirima vachabva kumarudzi ose eIsraeri. Mugove wacho wose uchava wakaenzana kumativi ose, makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu kurutivi rumwe norumwe rwamativi ose ari mana. Sechipo chakasarudzika, muchatsaurira parutivi mugove mutsvene, pamwe chete nenzvimbo yeguta. “Zvinosara kumativi maviri enzvimbo echikamu chitsvene, uye enzvimbo yeguta, zvichava zvomuchinda. Zvichaenda nechokumabvazuva zvichibva pazviuru makumi maviri nezvishanu zvamakubhiti zvomugove mutsvene kundosvika kumuganhu wokurutivi rwokumabvazuva, uye nokurutivi rwokumavirira kubva pamakubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu kusvikira kumuganhu wokumavirira. Nzvimbo idzi dziri mbiri dzakaenzana nemigove yamarudzi pakureba dzichava dzomuchinda, uye mugove mutsvene nenzvimbo tsvene yetemberi zvichava pakati pazvo. Saka nzvimbo yavaRevhi nenzvimbo yeguta zvichange zviri pakati penzvimbo yomuchinda. Nzvimbo yomuchinda ichange iri pakati pomuganhu weJudha nomuganhu waBhenjamini. “Kana ari mamwe marudzi asara: “Bhenjamini achava nomugove mumwe chete: Uchabva kurutivi rwokumabvazuva uchindosvika kurutivi rwokumavirira. Simeoni achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaBhenjamini kubva kumabvazuva kusvika kumavirira. Isakari achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaSimeoni kubva kumabvazuva kusvika kumavirira. Zebhuruni achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaIsakari kubva kumabvazuva kusvika kumavirira. Gadhi achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaZebhuruni kubva kumabvazuva kusvika kumavirira. Muganhu worutivi rwezasi waGadhi uchananga kurutivi rwezasi uchibva kuTamari kusvikira kumvura zhinji yeMeribha Kadheshi, ipapo wozotevedza Rukova rweIjipiti kusvikira kuGungwa Guru. “Iyi ndiyo nyika yaunofanira kugovera senhaka kumarudzi aIsraeri, uye iyi ndiyo ichava migove yavo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “Aya achava masuo okubuda nawo eguta: “Kutangira kurutivi rwokumusoro, kureba kwacho kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu, masuo eguta achatumidzwa mazita amarudzi aIsraeri. Masuo matatu ari kurutivi rwokumusoro achava suo raRubheni, suo raJudha nesuo raRevhi. Kurutivi rwokumabvazuva, kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu pakureba, masuo matatu achamira sezvizvi: suo raJosefa, suo raBhenjamini nesuo raDhani. Kurutivi rwezasi, kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu pakureba, masuo matatu achamira sezvizvi: suo raSimeoni, suo raIsakari nesuo raZebhuruni. Kurutivi rwokumavirira, kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu pakureba, masuo matatu achamira sezvizvi: suo raGadhi, suo raAsheri nesuo raNafutari. “Kutenderera nzvimbo yacho kuchaita nhambwe zviuru gumi nezvisere.
Ezekieri 48:1-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino awa ndiwo mazita amarudzi: Kurutivi rwokumusoro, zvichienda nenzira yeHetironi kusvikira pavanopinda vachienda Hamati neHazarienani pamuganho weDhamasiko, zvichienda kurutivi rwokumusoro napaHamati mativi avo anofanira kuenda kumabvazuva nokumavirazuva, ndiwo mugove mumwe waDhani. Pamuganho waDhani, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waAsheri. Pamuganho waAsheri, kubva kurutivi rwamavirazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waNafutari. Pamuganho waNafutari, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waManase. Pamuganho waManase, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waEfuremu. Pamuganho waEfuremu, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waRubheni. Pamuganho waRubheni, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waJudha. Pamuganho waJudha, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, chichava chipo chamunofanira kuvigira Jehovha, tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pahupamhi, nokureba kwakaenzana nomumwe wemigove, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva; nzvimbo tsvene inofanira kuva pakati payo. Chipo chamunofanira kuvigira Jehovha chinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, uye tsanga dzine zviuru zvine gumi pahupamhi. Chipo icho chitsvene chinofanira kupiwa ava, ivo vapristi; kurutivi rwokumusoro tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nokurutivi rwamavirazuva tsanga dzine zviuru zvine gumi pahupamhi, nokurutivi rwamabvazuva dzine zviuru zvine gumi pahupamhi, nokurutivi rwezasi dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba; nzvimbo tsvene yaJehovha inofanira kuva pakati payo. Chichava chavapristi vakaitwa vatsvene pakati pavanakomana vaZadhoki, vakachengeta zvandakavaraira, vasina kutsauka nenguva yokutsauka kwavana vaIsiraeri, sezvakatsauka vaRevhi. Chichava chipo kwavari chakatorwa pachipo chenyika, chinhu chitsvene, pamuganho wavaRevhi. VaRevhi vanofanira kupiwa mugove wakaenzana nomuganho wavapristi, ndokuti tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviuru zvine gumi pahupamhi; kureba kwose kuchaita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, nezviuru zvine gumi pahupamhi. Havafaniri kutongoitengesa, kana kuitsinhanha neimwe nyika, uye zvibereko zvokutanga zvenyika hazvifaniri kupfuudzwa, nokuti zvitsvene kuna Jehovha. Tsanga dzine zviuru zvishanu dzakasara pahupamhi hwenyika, pamberi pedzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, hazvizi zvitsvene, ndezveguta, nopokugara noruwa; guta rinofanira kuva pakati pazvo. Kukura kwayo kunofanira kuva kudai: Rutivi rwokumusoro, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, norutivi rwezasi zviuru zvina namazana mashanu, nokurutivi rwamabvazuva zviuru zvina namazana mashanu, norutivi rwamavirazuva zviuru zvina namazana mashanu. Guta rinofanira kuva norupawo: Kurutivi rwokumusoro tsanga dzina mazana maviri namakumi mashanu, nokurutivi rwezasi mazana maviri namakumi mashanu, nokurutivi rwamabvazuva mazana maviri namakumi mashanu, nokurutivi rwamavirazuva mazana maviri namakumi mashanu. Zvakasara pakureba kwayo, izvo zvakaenzana nechipo chitsvene, zvinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvine gumi kurutivi rwamabvazuva, nezviuru zvine gumi kurutivi rwamavirazuva; zvichaenzana nechipo chitsvene; michero yayo inofanira kuva zvokudya zvavanobata muguta. Vanobata muguta, ivo vanobva kumarudzi ose aIsiraeri, vanofanira kuirima. Chipo chose chinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviuru zvina makumi maviri nezvishanu paupamhi; munofanira kuvigira Jehovha chipo icho chitsvene, chinamativi mana akaenzana, pamwechete nenzvimbo yeguta. Zvakasara zvinofanira kuva zvomuchinda, nechemberi necheseri kwechipo chitsvene nenzvimbo yeguta; pamberi petsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu zvechipo, kumuganho wokurutivi rwamabvazuva, nokurutivi rwamavirazuva pamberi pezviuru zvina makumi maviri nezvishanu kumuganho wokurutivi rwamavirazuva, zvakaenzana nemigove, ndizvo zvinofanira kuva zvomuchinda; chipo chitsvene nenzvimbo tsvene yeimba zvinofanira kuva pakati pazvo. Uyewo, kubva panyika yavaRevhi, nokubva panzvimbo yeguta, izvo zviri pakati penyika yomuchinda, pakati pomuganho waJudha nomuganho waBhenjamini, zvinofanira kuva zvomuchinda. Kana ari marudzi mamwe akasara: Kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waBhenjamini. Pamuganho waBhenjamini, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waSimeoni. Pamuganho waSimeoni, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waIsakari. Pamuganho waIsakari, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waZebhuruni. Pamuganho waZebhuruni, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waGadhi. Pamuganho waGadhi, kurutivi rwezasi, zvichienda zasi, muganho unofanira kubva paTamari kusvikira kumvura zhinji yeMeribhatikadheshi, kurukova rweIjipiti, kusvikira kugungwa guru. “Ndiyo nyika yamunofanira kuganhura nemijenya pakati pamarudzi aIsiraeri ive nhaka yavo, uye iyi ndiyo migove yavo vose,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Iyi ndiyo migumo yeguta: Kurutivi rwokumusoro tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu pakuyerwa kwazvo; masuo eguta anofanira kutumidzwa mazita amarudzi aIsiraeri; masuo matatu kurutivi rwokumusoro, anoti: Suo raRubheni, rimwe, suo raJudha, rimwe, uye suo raRevhi, rimwe. Kurutivi rwamabvazuva, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, namasuo matatu, anoti: Suo raJosefa, rimwe, suo raBhenjamini, rimwe, uye suo raDhani, rimwe. Kurutivi rwezasi, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu pakuyerwa kwazvo, namasuo matatu, anoti: Suo raSimeoni, rimwe, suo raIsakari, rimwe, uye suo raZebhuruni, rimwe. Kurutivi rwamavirazuva, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, namasuo apo matatu, anoti: Suo raGadhi, rimwe, suo raAsheri, rimwe, uye suo raNafutari, rimwe. Zvose zvinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvine gumi nezvisere pamativi ose mana; zita reguta kubva pazuva iro rinofanira kunzi, “Jehovha aripano.”
Ezekieri 48:1-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Aya ndiwo madzinza acho tichibvira kumuganho wokuchamhembe, kubva kugungwa tichienda nokuHetironi woenda nokwokunge tavakupinda muHamati kundosvika Hazarenoni (guta riri kumuganhu wokuchamhembe yeDhamasikusi kwakatarisana neHamati) ichibvira kumabvazuva ichienda kumadokero, dzinza rokwaDhani, mugove mumwechete. Dzinza rokwaAsheri, mugove mumwechete, unobvira kumuganhu wokumabvazuva kusvikira kumuganhu wokumavirira wakabatana nenyika yokwaDhani. Dzinza rokwaNafutari, mugove mumwechete, unobvira kumabvazuva kudakara kumadokero wakabatana nenyika yokwaAsheri. Dzinzawo rokwaManase, mugove mumwechete, unobvira kumabvazuva kudzamara kumavirira wakabatana nenyika yokwaNafutari. Dzinza rokwaEfuremu, mugove mumwechetewo, unobvira kumabvazuva kudzamara kumadokero wakabatana nenyika yokwaManase. Dzinza rokwaRubheni mugove mumwechete unobvira kumabvazuva kudzamara kumavirira wakabatana nenyika yokwaEfuremu. Dzinza rokwaJudha mugovewo mumwechete unobvira kumabvazuva kudzikara kumadokero wakabatana nenyika yokwaRubheni. Nyika yokwaJudha inofanira kunge yakabatana nedunhu riya ramuchatsaura rigochengetedzwa rinobvira kumabvazuva kusvikira kumavirira riya rina upamhi hunoita gumi ramakiromita rine makiromita maviri ane hafu. Rinenge rakareba sokureba kwakangoitawo mumwe womugove yamadzinza kubvira kumabvazuva kusvikira kumadokero iine Nzvimbo Inoera mukati mayo. Dunhu ramuchatsaurira Tenzi rinofanira kuita makiromita gumi namaviri ane hafu kureba, kufara kwacho kuchiita gumi ramakiromita. Iyoyi ndoichava migove yedunhu rinoera: vapristi vanofanira kuva nomugove wakareba kuita makiromita gumi namaviri ane, chikamu chepakati nepakati chekiromita kudivi rokuchamhembe upamhi hwacho kudivi rokumadokero huchiita makiromita mashanu uye kudivi rokumabvazuva kuchiitawo makiromita mashanu, kurebawo kwedivi rokumaodzanyemba kuchiita gumi ramakiromita rina makiromita maviri ane chikamu chepakati nepakati chekiromita, Nzvimbo Inoera yaTenzi iri pakati payo. Ipapa panofanira kuva pavapristi vakateketererwa kuna Mwari, vanakomana vokwaZadhoki vakaramba vari pabasa rangu, vasina kuenda mutome, vanhu veIsiraeri pavakaenda mutome sezvakaitwa navaRevhi. Pachava pavo, chiri chikamu chavakapiwa chinobva panzvimbo inoera kwazvo yakabatana nenyika yavaRevhi. VaRevhi vachava nemugove wavo wenyika yakavambirana neyavapristi inoita makiromita gumi namaviri ane hafu kureba iine upamhi hunoita makiromita mashanu. Kureba kwayo kwose kuchaita makiromita gumi namaviri ane hafu iine upamhi hunoita makiromita mashanu. Havafaniri kuitengesa kana kutsinhanisa kana kachidimbu zvako kayo. Havafaniri kurasa mugove iwoyu wedunhu irori rakakosha nokuti idhunhu rinoereserwa Tenzi. Panenge pasara pacho pakafara kuita makiromita mashanu uye pakareba kuita makiromita gumi namaviri ane hafu, panofanira kuva pokushandiswawo zvapo neguta iroro kuita pokugara uye kuva mafuro aro. Zvino aya ndomakuriro aichange yakaita, kudivi rokuchamhembe kunoita makiromita maviri ana mamita mazana maviri namakumi mashanu. Kudivi rokumaodzanyemba kuchaitawo makiromita maviri ana mamita mazana maviri namakumi mashanu. Kudiviwo rokumabvamazuva kuchange kuchiita makiromita maviri ana mamita mazana maviri ana makumi mashanu, kudivi rokumavirira kuchiita makiromita maviri ane mamitawo mazana maviri ane makumiwo mashanu. Guta iroro richava namafuro akadai izvi, kuchamhembe kuchaita zana ramamita rina mamita makumi maviri namashanu uye kumaodzanyemba kuchiitawo zana ramamita rina mamitawo makumi maviri namashanu uyewo kumabvazuva kuriwo zana ramamita rina makumi maviri amamita ana mamita mashanuwo kwozoti kumadokero kuchiitawo zana ramamita rine mamitawo makumi maviri ane mashanu. Panenge pasara uchitevedza kwakareba kwacho kwedunhu pachange pachiita makiromita mashanu kumabvazuva uye makiromita mashanu kumavirira. Inenge ichitevedza dunhu rinoera, michero yayo ichava kudya kwavashandi vomuguta iroro. Vashandi vomuguta vanobva kumadzinza ose eIsiraeri vacharimamo. Dunhu iroro rose ramuchasarudza rinofanira kunge rakaenzana mativi ose divi richiita makiromita gumi namaviri ane hafu zvichisanganisira dunhu rinoera pamwechete nenzvimbo yeguta iroro. Ndima yose inosara kumativi maviri edunhu rinoera nenzvimbo yeguta iroro inofanira kuva yashe ichitangira paya panoita makiromita gumi namaviri nehafu padunhu rinoera riya ichindosvika kumuganhu wokumabvazuva, kwouya kumadokero ichitangirawo paya panoitawo makiromita gumi namaviri ane hafu ichindosvika kumuganhu wokumadokero yakatevedza migove yenyika dzamadzinza iwayo, ichava nyika yashe. Kubvisa dunhu riya rinoera neNzvimbo Inoera yeTemberi iri mukati maro kubvisawo nyika yavaRevhi nenzvimbo yeguta racho zviri pakati penyika yomugove washe, zvimwe zvose izvi, zviri pakati pemiganhu yekwaJudha naBhenjamini ndezvashe. Sezvakangoita mamwe madzinza ose, kubva kumabvazuva kusvika kumadokero, dzinza rokwaBhenjamini rinowana mugove mumwechete. Dzinza rokwaSimioni rinowana mugove waro mumwechete unobvira kumabvazuva kusvika kumadokero wakabatana nenyika yokwaBhenjamini. Dzinza rokwaIsakari rinowana mugove mumwechete unobvira kumabvazuva kusvika kumadokero wakabatana nenyika yokwaSimioni. Dzinza rokwaZebhuroni rinowana mugove mumwechete unobvira kumabvazuva kusvika kumavirira wakabatana nenyika yokwaIsakari. Dzinza rokwaGadhi rinowanawo mugove mumwechete unobvira kumabvazuva kusvika kumavirira wakabatana nenyika yokwaZebhuroni. Muganhu wenyika yokwaGadhi nedivi rokuNegevhu, kumaodzanyemba, muganhu wokumaodzanyemba uchatangira kuTamari wonanga kumvura yokuMeribhakadheshi wobva waenda nokuKakova keIjipiti kundosvika kuGungwa Guru. “Ndiyo nyika yacho iyi yamuchagovera senhaka kumadzinza eIsiraeri. Iyoyi ndiyo migove yakasiyana-siyana yavo.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Nzvimbo dzokubuda nadzo muguta ndidzo idzi: dzinoti: Kuchamhembe kwacho kunoita makiromita maviri ana mamita mazana maviri ane makumi mashanu kwaerwa kunova nemisuo mikuru mitatu inoti, Suo Guru rokwaRubheni neSuo Guru rokwaJudha neSuo Guru rokwaRevhi, misuo mikuru iyoyo ichatumidzwa mazita amadzinza eIsiraeri. Kwouya kumabvazuva kuchange kuchiita makiromita maviri ana mamita mazana maviri namakumi mashanu, ngakuve nemisuo mikuru mitatu inoti Suo Guru rokwaJosefi neSuo Guru rokwaBhenjamini neSuo Guru rokwaDhani. Kwouyawo kumaodzanyemba, kwacho kunenge kuchisvika makiromita maviri ana mazana maviri emamita ane mamita makumi mashanu kuve nemisuo mikuru mitatu inoti, Suo Guru rokwaSimioni neSuo Guru rokwaIsakari neSuo Guru rokwaZebhuruni. Kozouya kumadokero, kunoitawo makiromita maviri ana mazana maviri amamita ana mamita makumi mashanu, kuchaita misuo mikuru mitatuwo inoti, Suo Guru rokwaGadhi neSuo Guru rokwaAsheri neSuo Guru rokwaNafutari. Kureba kweguta iroro rose kuritenderera, kuchange kuchiita makiromita mapfumbamwe. Izvozvo zita reguta rinenge rava kuzonzi, “Tenziaripo.”
Ezekieri 48:1-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino awa ndiwo mazita amarudzi: Kurutiʋi rwokumsoro, ɀicienda nenzira yeHetroni kuȿikira paʋanopinda ʋacienda Hamati neHazari‐enani pamuganho weDamasko, ɀicienda kurutiʋi rwokumsoro napaHamati (matiʋi aʋo anofanira kuenda kumabvazuʋa nokumaʋirazuʋa), ndiwo mugoʋe mumŋe waDani. Pamuganho waDani, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waAsheri. Pamuganho waAsheri, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waNaftari. Pamuganho waNaftari, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waManase. Pamuganho waManase, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waEfraimi. Pamuganho waEfraimi, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waRubeni. Pamuganho waRubeni, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamavirazuva, ndiwo mugoʋe mumŋe waJuda. Pamuganho waJuda, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, cicaʋa cipo camunofanira kuʋigira Jehova, tsaŋga dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu paʋupamhi, nokureɓa kwakaenzana nomumŋe wemigoʋe, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa; nɀimbo tȿene inofanira kuʋa pakati payo. Cipo camunofanira kuʋigira Jehova cinofanira kuita tsaŋga dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu pakureɓa, ʋuye tsaŋga dzineɀuru ɀinegumi paʋupamhi. Cipo ico citȿene cinofanira kupiwa aʋa, iʋo ʋaprista; kurutiʋi rwokumsoro tsaŋga dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu pakureɓa, nokurutiʋi rwamaʋirazuʋa tsaŋga dzineɀuru ɀinegumi paʋupamhi, nokurutiʋi rwamabvazuʋa dzineɀuru ɀinegumi paʋupamhi, nokurutiʋi rwezasi dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu pakureɓa; nɀimbo tȿene yaJehova inofanira kuʋa pakati payo. Cicaʋa caʋaprista ʋakaitwa ʋatȿene pakati paʋanakomana ʋaZadoki, ʋakaceŋgeta ɀandakaʋaraira, ʋasino‐kutsauka neŋguʋa yokutsauka kwaʋana ʋaIsraeri, seɀakatsauka ʋaRevi. Cicaʋa cipo kwaʋari cakatorwa pacipo cenyika, cinhu citȿene, pamuganho waʋaRevi. ƲaRevi ʋanofanira kupiwa mugoʋe wakaenzana nomuganho waʋaprista, ndokuti tsaŋga dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu pakureɓa, neɀuru ɀinegumi paʋupamhi; kureɓa kwose kucaita tsaŋga dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu, neɀuru ɀinegumi paʋupamhi. Haʋafaniri kutoŋgoiteŋgesa, kana kuitsinhanha neimŋe nyika, ʋuye ɀiɓereko ɀokutaŋga ɀenyika haɀifaniri kupfuʋudzwa, nokuti ɀitȿene kunaJehova. Tsaŋga dzineɀuru ɀishanu dzakasara paʋupamhi bgenyika, pamberi pedzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu, haɀizi ɀitȿene, ndeɀeguta, nopokugara noruwa; guta rinofanira kuʋa pakati paɀo. Kukura kwayo kunofanira kuʋa kuɗai: Rutiʋi rwokumsoro, tsaŋga dzineɀuru ɀinna namazana mashanu, norutiʋi rwezasi ɀuru ɀinna namazana mashanu, nokurutiʋi rwamabvazuʋa ɀuru ɀinna namazana mashanu, norutiʋi rwamaʋirazuʋa ɀuru ɀinna namazana mashanu. Guta rinofanira kuʋa noruwa ʋo: Kurutiʋi rwokumsoro tsaŋga dzinamazana maʋiri namakumi mashanu, nokurutiʋi rwezasi mazana maʋiri namakumi mashanu, nokurutiʋi rwamabvazuʋa mazana maʋiri namakumi mashanu, nokurutiʋi rwamaʋirazuʋa mazana maʋiri namakumi mashanu. Ɀakasara pakureɓa kwayo, iɀo ɀakaenzana necipo citȿene, ɀinofanira kuita tsaŋga dzineɀuru ɀinegumi kurutiʋi rwamabvazuʋa, neɀuru ɀinegumi kurutiʋi rwamaʋirazuʋa; ɀicaenzana necipo citȿene; ɀiɓereko ɀayo ɀinofanira kuʋa ɀokudya ɀaʋanoɓata muguta. Ʋanoɓata muguta, iʋo ʋanobva kumarudzi ose aIsraeri, ʋanofanira kuirima. Cipo cose cinofanira kuita tsaŋga dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu pakureɓa, neɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu paʋupamhi; munofanira kuʋigira Jehova cipo ico citȿene, cinamatiʋi manna akaenzana, pamŋe cete nenɀimbo yeguta. Ɀakasara ɀinofanira kuʋa ɀomucinda, necoʋuno neceseri kwecipo citȿene nenɀimbo yeguta; pamberi petsaŋga dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu ɀecipo, kumuganho wokurutiʋi rwamabvazuʋa, nokurutiʋi rwamaʋirazuʋa pamberi peɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu kumuganho wokurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ɀakaenzana nemigoʋe, ndiɀo ɀinofanira kuʋa ɀomucinda; cipo citȿene nenɀimbo tȿene yeimba ɀinofanira kuʋa pakati paɀo. Ʋuye ʋo, kubva panyika yaʋaRevi, nokubva panɀimbo yeguta, iɀo ɀiri pakati penyika yomucinda, pakati pomuganho waJuda nomuganho waBenjamini, ɀinofanira kuʋa ɀomucinda. Kana ari marudzi mamŋe akasara: Kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waBenjamini. Pamuganho waBenjamini, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waSimeoni. Pamuganho waSimeoni, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waIsakari. Pamuganho waIsakari, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waZeburuni. Pamuganho waZeburuni, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waGadi. Pamuganho waGadi, kurutiʋi rwezasi, ɀicienda zasi, muganho unofanira kubva paTamari kuȿikira kumvura zhinji yeMeribati‐kadeshi, kurukoʋa rweEgipita, kuȿikira kuguŋgwa guru. Ndiyo nyika yamunofanira kuganhura nemijenya pakati pamarudzi aIsraeri iʋe nhaka yaʋo, ʋuye iyi ndiyo migoʋe yaʋo ʋose — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. Iyi ndiyo migumo yeguta: Kurutiʋi rwokumsoro tsaŋga dzineɀuru ɀinna namazana mashanu pakuyerwa kwaɀo; masuʋo eguta anofanira kutumidzwa mazita amarudzi aIsraeri; masuʋo matatu kurutiʋi rwokumsoro, anoti: Suʋo raRubeni, rimŋe, suʋo raJuda, rimŋe, ʋuye suʋo raRevi, rimŋe. Kurutiʋi rwamabvazuʋa, tsaŋga dzineɀuru ɀinna namazana mashanu, namasuʋo matatu, anoti: Suʋo raJosefa, rimŋe, suʋo raBenjamini, rimŋe, ʋuye suʋo raDani, rimŋe. Kurutiʋi rwezasi, tsaŋga dzineɀuru ɀinna namazana mashanu pakuyerwa kwaɀo, namasuʋo matatu, anoti: Suʋo raSimeoni, rimŋe, suʋo raIsakari, rimŋe, ʋuye suʋo raZeburuni, rimŋe. Kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, tsaŋga dzineɀuru ɀinna namazana mashanu, namasuʋo a’po matatu, anoti: Suʋo raGadi, rimŋe, suʋo raAsheri, rimŋe, ʋuye suʋo raNaftari, rimŋe. Ɀose ɀinofanira kuita tsaŋga dzineɀuru ɀinegumi neɀisere pamatiʋi ose manna; zita reguta kubva pazuʋa iro rinofanira kunzi, Jehova uri’po.
Ezekieri 48:1-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)