Ezekieri 47:1-23
Ezekieri 47:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Murume uyu akandidzosa pamukova wetemberi, ndikaona mvura yaibuda napasi pechikumbaridzo chetemberi kwakatarisa kumabvazuva, nokuti temberi yakanga yakatarira kumabvazuva. Mvura yakanga ichiyerera napasi nechezasi kwetemberi, nyasi kwearitari. Ipapo akandibudisa nokusuo rokumusoro akanditungamirira pakupoterera nechokunze kwesuo rokunze rakatarisana nokumabvazuva, uye mvura yaiyerera ichibva kurutivi rwezasi. Murume uyu akati achifamba akananga kurutivi rwokumabvazuva ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake, akayera makubhiti chiuru chimwe chete ndokubva ipapo andiyambutsa nomumvura yakanga yakadzika kusvika muzviziso zvamakumbo. Akayerazve chimwe chiuru chamakubhiti akandifambisa nomumvura yaisvika mumabvi. Akayerazve chimwe chiuru chimwe chete akandiyambutsa nomumvura yaisvika muchiuno. Akayerazve chimwe chiuru chimwe chete, asi iye zvino rwakanga rwava rwizi rwandakanga ndisingagoni kuyambuka, nokuti mvura yakanga yawanda uye yakanga yadzika zvokuti munhu angashambira mairi, rwizi rwakanga rusina munhu angaruyambuka. Akandibvunza akati, “Mwanakomana womunhu, unoona izvi here?” Ipapo akadzokera neni kumahombekombe orwizi. Ndakati ndasvikako ndakaona miti mizhinji kurutivi rumwe norumwe rworwizi. Iye akati kwandiri, “Mvura iyi inoyerera yakananga kunyika yokumabvazuva ichiburukira kuArabha kwainodira mugungwa. Painongodira mugungwa, mvura yomo inobva yanaka. Zvose zvipenyu zvinokambaira zvichagara kwose nokunoyerera rwizi. Pachava nehove zhinji zhinji, nokuti mvura iyi inoyereramo ichiita kuti mvura yomunyu inatswe; saka kwose kunoyerera rwizi zvinhu zvose zvinorarama. Varedzi vehove vachamira vakatevedza mahombekombe; kubvira kuEni Gedhi kusvikira kuEni Egiraimu kuchava nenzvimbo dzokuteya mumbure. Pachava nemhando zhinji dzehove, kufanana nehove dzeGungwa Guru. Asi matoro namachakwi haangavi nemvura yakanaka; zvichasarira munyu. Miti yemichero yemarudzi ose ichamera kumativi ose emahombekombe orwizi. Mashizha ayo haangasvavi, uye haingashayi michero. Ichabereka zvibereko mwedzi woga woga, nokuti mvura inobva panzvimbo tsvene inoyerera madziri. Michero yayo ichava zvokudya zvavanhu uye mashizha ayo achaporesa vanhu.” Zvanzi naIshe Jehovha: “Iyi ndiyo miganhu yaunofanira kuganhura nyika kuti ive nhaka pakati pamarudzi gumi namaviri aIsraeri, nemigove miviri yaJosefa. Unofanira kuiganhura zvakaenzana pakati pavo. Nokuti ndakapika noruoko rwakasimudzwa kuti ndichaipa kumadzitateguru enyu, nyika iyi ichava nhaka yenyu. “Iyi ndiyo inofanira kuva miganhu yenyika: “Kurutivi rwokumusoro uchabvira kuGungwa Guru nenzira yeHetironi uchipfuura nepaRebho Hamati kusvikira kuZedhadhi, Bherota neSibhiraimu (iri pamuganhu weDhamasiko neHamati), kusvika kuHazeri Hatikoni riri pamuganhu weHaurani. Muganhu uchaenda uchibva kugungwa uchindosvika kuHazari Enani, uchitevedza muganhu nokumusoro kweDhamasiko, nomuganhu weHamati kumusoro. Ndiwo uchava muganhu wokumusoro. Kurutivi rwokumabvazuva muganhu uchava pakati peHaurani neDhamasiko, uchitevedza Jorodhani pakati peGireadhi nenyika yeIsraeri, kusvikira kugungwa rokumabvazuva uye uchindosvika kuTamari. Ndiwo uchava muganhu wokumabvazuva. Kurutivi rwezasi, uchabvira paTamari uchindosvika kumvura yeMeribha Kadheshi, ipapo wogotevedza Rukova rweIjipiti kusvikira kuGungwa Guru. Uyu ndiwo uchava muganhu wezasi. Kurutivi rwokumavirira, Gungwa Guru richava muganhu kusvikira pakatarisana neRebho Hamati. Uyu ndiwo uchava muganhu wokumavirira. “Munofanira kugovana nyika iyi pakati penyu zvakaenzanirana namarudzi aIsraeri. Munofanira kugovana senhaka yenyu uye mugogoverawo vatorwa vagere pakati penyu vane vana. Munofanira kuvarangarira savaIsraeri vakaberekwa munyika ino; vanofanira kugoverwa nhaka pamwe chete nemi pakati pamarudzi aIsraeri. Murudzi rupi norupi mugere mutorwa, munofanira kumupa nhaka yake imomo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ezekieri 47:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akandidzosera kumukova weimba, ndikaona mvura zhinji ichibuda pasi pechikumbaridzo cheimba kurutivi rwamabvazuva, nokuti imba yakanga yakatarira kurutivi rwamabvazuva nechemberi kwayo; mvura yakayerera ichibva nechapasi, kurutivi rworudyi rweimba, kurutivi rwezasi rwearitari. Zvino akandibudisa nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro, akapota neni nenzira yokunze kusvikira kusuo rokunze, nenzira yesuo rakanga rakatarira kurutivi rwezasi; zvino tarira, mvura zhinji yakanga ichibuda kurutivi rworudyi. Zvino murume uyo wakati achibudira kurutivi rwamabvazuva anorwonzi muruoko rwake, akayera mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuzviziso zvamakumbo. Zvino akayerazve mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kumabvi. Akayerazve mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuchiuno. Shure kwaizvozvo akayera mamita ane chiuru chimwe; zvino rwakanga rwava rwizi, rwandakakoniwa kuyambuka; nokuti mvura yakanga yakwirira, yava mvura mungashambira munhu, ruri rwizi rusingabviri kuyambukwa. Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, waona chinhu ichi here?” Zvino akaenda neni, akandidzosera kumhenderekedzo yorwizi. Ndakati ndadzoka, ndikaona pamhenderekedzo yorwizi miti mizhinji kwazvo uno nemhiri. Zvino akati kwandiri, “Mvura iyi zhinji inobuda ichienda kunyika iri kumabvazuva, ichayerera kusvikira kuArabha, ndokuenda kurutivi rwegungwa; zvino ichandodira mugungwa, kuti mvura iporeswe. Zvino zvipenyu zvose zvinopfakanyika pose panosvika nzizi idzi mbiri, zvichararama; hove zhinji kwazvo dzichavapo, nokuti mvura iyi yakasvikako, mvura yose ichaporeswa, uye zvose zvichararama pose panosvika rwizi. “Vateyi vehova vachamirapo, kubva Engedhi kusvikira Enegiraimi vachateyapo utava; hove dzichavapo dzakafanana nehove dzegungwa guru namarudzi adzo, dziri zhinji kwazvo. Asi panamatope napanamachakwi hapangaporeswi; acharegererwa munyu. Parwizi, pamhenderekedzo dzarwo, uno nemhiri, pachamera miti yamarudzi ose inodyiwa, isingaomi mashizha ayo, uye isingashaiwi zvibereko zvayo; ichabereka zvibereko zvitsva mwedzi mumwe nomumwe, nokuti mvura yarwo inobuda panzvimbo tsvene; michero yayo ichava zvokudya, namazhizha ayo achaporesa.” Zvanzi naIshe Jehovha, “Iyi ndiyo miganho, yamunofanira kuganhura nyika nayo ive nhaka yamarudzi ane gumi namaviri aIsiraeri: Josefa anofanira kupiwa migove miviri. Munofanira kugara nhaka, mumwe achienzaniswa nomumwe; nokuti ndakapika kuti ndichaipa madzibaba enyu; nyika iyi ichava nhaka yenyu. Iyi ndiyo miganho yenyika: Kurutivi rwokumusoro, kubva kugungwa guru, nenzira yeHetironi, kusvikira pavanopinda vachienda Zedhadhi; neHamati, neBherota, neShibhiraimi, riri pakati pomuganho weDhamasiko nomuganho weHamati; neHazerihatikoni, riri pamuganho weHaurani. “Muganho unobva kugungwa ndiHazarienoni pamuganho weDhamasiko; kurutivi rwokumusoro, zvichienda kumusoro, muganho ndiHamati. Ndirwo rutivi rwokumusoro. Kurutivi rwamabvazuva pakati peHaurani neDhamasiko neGireadhi nenyika yaIsiraeri, muganho unofanira kuva Jorodhani; munofanira kuyera kubva kumuganho wokumusoro kusvikira kugungwa rokumabvazuva. Ndirwo rutivi rwamabvazuva. Rutivi rwezasi zvichienda zasi, muganho uchabva paTamari kusvikira kumvura yeMeribhatikadheshi, kusvikira kurukova rweIjipiti, kusvikira kugungwa guru. Ndirwo rutivi rwezasi, zvichienda zasi. “Kurutivi rwamavirazuva muganho unofanira kuva gungwa guru, kubva kurutivi rwezasi kusvikira pakatarisana navanopinda kana vachienda Hamati. Ndirwo rutivi rwamavirazuva. “Saizvozvo munofanira kuzviganhurira nyika iyi, zvichienzana namarudzi aIsiraeri. Munofanira kuiganhura nemijenya, ive nhaka yenyu neyavatorwa vagere pakati penyu, vanozobereka vana pakati penyu; ivo vanofanira kuva kwamuri savakaberekwa pakati paIsiraeri; vanofanira kugara nhaka pamwechete nemi pakati pamarudzi aIsiraeri. Pakati porudzi pagere mutorwa ndipo pamunofanira kumupa nhaka yake,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ezekieri 47:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akazodzokera neni kumusuo weTemberi, onei mvura ichibuda pazasi pomusuo weTemberi yakananga kumabvazuva (nokuti Temberi yakanga yakatarisa kumabvazuva.) Zvino mvura iyoyo yaiyerera pasi ichibva nechapazasi pamucheto pakadziva kumaodzanyemba kwomusuo weTemberi, nechokumaodzanyemba kweatari. Akazondiburitsa kunze nokuSuo Guru rokuchamhembe akatenderera neni kunze ikoko kuSuo Guru rokunze rakatarisa kumabvazuva. Mvura yaibuda kudivi rokumaodzanyemba. Akananga kumabvazuva aine tambo yokueresa mumaoko akabva aera panoita mazana mashanu amamita ndokubva afamba neni nomumvura imomo iyo yakanga ichinyudza zvokusvika muchiziso chegumbo. Akaerazve mamwe mazana mashanu emamita akafamba neni nomumvura imomo, iyo yakanga ichinyudza zvokusvika mumabvi. Akaerawo mamwe mamita mazana mashanu akabva ofamba neni nomumvura macho, yakanga zvino yosvika muchiuno. Akazoerazve mamwe mazana mashanu amamita, rwakanga rwatova rukova rwandakanga ndisisakwanise kuyambuka nokuti mvura yakanga yakwira. Yakanga yawanda zvokuti munhu aitogona kushambira mairi rwava rukova rusisayambukiki. Akazonditi, “Nhaiwe mwanakomana womunhu, waona here izvi?” Akabva adzokera neni achitevedza mahombekombe orukova irworwo. Pandaidzoka kudaro, ndakaona kumativi erwizi rwacho miti yakawanda kwazvo uku nokuku. Akati kwandiri, “Mvura iyoyi inoyerera yakananga kuruwa rwamabvazuva ichidzika nokuArabha. Kana yapinda mugungwa inoita kuti mvura yacho inake. Kwose kunoyerera rwizi irworwo, zvipenyu zvose zvinoshambira zvichararama. Imomo muchava nehove dzakawanda nokuti mvura iyoyi inoenda imomo kundoita kuti mvura yegungwa inake. Ipapo zvinhu zvose zvichararama kwose kunosvika rwizi urwu. Varauri vehove vachamira pedyo negungwa iroro; kubvira kukasipiti kuEnigedhi kusvikira kukasipiti keEnigiraimu pachange pari nzvimbo yokutambanudzira mimbure, hove dzayo dziri dzemhando dzakasiyana kwazvo sehove dzokugungwa guru. Asi zvidzengerere zvarwo zvemvura namajakwi haazova mvura yakanaka zvichasiyiwa kuri kuitira munyu. Mumahombekombe kumativi erwizi rwacho ose ari maviri kuchamera miti yamarudzi ose yemichero. Mashizha ayo haazosvava kana michero yayo kukuva. Asi kutoti ichabereka michero mitsva mwedzi nomwedzi nokuti mvura yayo inoyerera ichibva muNzvimbo Inoera. Michero yayo ichava chokudya, mashizha ayo ari mushonga wokurapisa.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Iyi ndiyo miganhu yamuchakamuranisa nayo nyika yenhaka pakati pamadzinza gumi namaviri eIsiraeri. RokwaJosefi richawana migove miviri. Munofanira kuikamuranisa zvakaenzana. Ndakatsidzira kuzoipa kumadzibaba enyu, zvino nyika iyoyi ichava mumaoko menyu senhaka yenyu. “Uyu ndomuganhu wenyika iyoyi kuchamhembe: “Kutangira kugungwa guru zvichienda nokuHetironi kusvikira pokunge tava kupinda kuHamati nokuZedhadhi nokuBheratati nokuSibhuraimu (iri pamuganhu pakati peDhamasikusi neHamati) kusvikira kuHazerihatikoni iri pamuganhu wokuHaurani. Saka muganhu uchabva kugungwa kudzamara kusvika kuHazerenoni iri kuchamhembe kwemuganhu wokuDhamasikusi nokumuganhu wokuHamati kuchamhembe. Ikoku ndokuchave kudivi rokuchamhembe kwomuganhu. “Kudivi rokumabvazuva, muganhu wacho uchadimura napakati peHaurani neDhamasikusi uchitevedza rwizi rwaJorodhani pakati peGireadhi nenyika yeIsiraeri kusvikira kuGungwa roKumabvazuva kusvikira kuTamari. Ndouchava muganhu wokumabvazuva iwoyu. “Kudivi rokumaodzanyemba, uchabvira kuTamari kudzamara kumvura yokuMeribhakadheshi wotevedza kaKova keIjipiti kusvikira kuGungwa Guru. Iwoyu ndomuganhu wacho wokumaodzanyemba. “Kudivi rokumadokero, Gungwa Guru ndiro richava muganhu wacho kusvikira pamwe pakatarisana nokunge tava kusvika kuHamati. Ndiro richava divi rokumadokero. “Ndokukamurirana kwamuchaita nyika iyoyi pakati penyu zvichienderanawo namadzinza eIsiraeri. Munofanira kuigova senhaka yenyu iyemi navatorwa vagere mamuri vakatoberekawo vana pakati penyu. Kwamuri imi vachange vakangoita savana vevhu vomuIsiraeri. Vanofanira kugoverwa pamwechete nemi mugove wenhaka pakati pemadzinza eIsiraeri. Mudzinza ripi zvaro munenge mugere mutorwa iyeyo ndimo maanopiwa nhaka yake.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Ezekieri 47:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakandidzosera kumukoʋa weimba, ndikaʋona mvura zhinji iciɓuɗa pasi pecikumbaridzo ceimba kurutiʋi rwamabvazuʋa, nokuti imba yakaŋga yakatarira kurutiʋi rwamabvazuʋa necemberi kwayo; mvura yakayerera icibva necapasi, kurutiʋi rworudyi rweimba, kurutiʋi rwezasi rweartari. Ɀino akandiɓuɗisa nenzira yesuʋo rokurutiʋi rwokumsoro, akapota neni nenzira yokunze kuȿikira kusuʋo rokunze, nenzira yesuʋo rakaŋga rakatarira kurutiʋi rwezasi; ɀino tarira, mvura zhinji yakaŋga iciɓuɗa kurutiʋi rworudyi. Ɀino murume uyo wakati aciɓuɗira kurutiʋi rwamabvazuʋa anorwonzi muruʋoko rwake, akayera makubiti anecuru cimŋe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikaȿikira kuɀiziso ɀamakumbo. Ɀino akayera ɀe makubiti anecuru cimŋe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikaȿikira kumabvi. Akayera ɀe makubiti anecuru cimŋe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikaȿikira kuciʋuno. Shure kwaiɀoɀo akayera makubiti anecuru cimŋe; ɀino rwakaŋga rwaʋa rwizi, rwandakakoniwa kuyambuka; nokuti mvura yakaŋga yakwirira, yaʋa mvura muŋgashambira munhu, ruri rwizi rusiŋgabviri kuyambukwa. Akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, waʋona cinhu ici here? Ɀino akaenda neni, akandidzosera kumhenderekedzo yorwizi. Ndakati ndadzoka, ndikaʋona pamhenderekedzo yorwizi miti mizhinji kwaɀo ʋuno nemhiri. Ɀino akati kwandiri: Mvura iyi zhinji inoɓuɗa icienda kunyika iri kumabvazuʋa, icayerera kuȿikira kuAraba, ndokuenda kurutiʋi rweguŋgwa; ɀino icandoɗira muguŋgwa, kuti mvura iporeswe. Ɀino ɀipenyu ɀose ɀinopfakanyika pose panoȿika nzizi idzi mbiri, ɀicararama; hoʋe zhinji kwaɀo dzicaʋa’po, nokuti mvura iyi yakaȿika’ko, mvura yose icaporeswa, ʋuye ɀose ɀicararama pose panoȿika rwizi. Ʋateyi ʋehoʋe ʋacamira’po, kubva Engedi kuȿikira Enegraimi ʋacateya’po ʋutaʋa; hoʋe dzicaʋa’po dzakafanana nehoʋe dzeguŋgwa guru namarudzi adzo, dziri zhinji kwaɀo. Asi panamatope napanamacakwi hapaŋgaporeswi; acaregererwa munyu. Parwizi, pamhenderekedzo dzarwo, ʋuno nemhiri, pacamera miti yamarudzi ose inodyiwa, isiŋgawomi mashizha ayo, ʋuye isiŋgashaiwi ɀiɓereko ɀayo; icaɓereka ɀiɓereko ɀitȿa mŋedzi mumŋe nomumŋe, nokuti mvura yarwo inoɓuɗa panɀimbo tȿene; ɀiɓereko ɀayo ɀicaʋa ɀokudya, namazhizha ayo acaporesa. Ɀanzi naShe Jehova: Iyi ndiyo miganho, yamunofanira kuganhura nyika nayo iʋe nhaka yamarudzi anegumi namaʋiri aIsraeri: Josefa unofanira kupiwa migoʋe miʋiri. Munofanira kuigara nhaka, mumŋe acienzaniswa nomumŋe; nokuti ndakapika kuti ndicaipa madziɓaɓa enyu; nyika iyi icaʋa nhaka yenyu. Iyi ndiyo miganho yenyika: Kurutiʋi rwokumsoro, kubva kuguŋgwa guru, nenzira yeHetroni, kuȿikira paʋanopinda ʋacienda Zedadi; neHamati, neBerota, neSibraimi, riri pakati pomuganho weDamasko nomuganho weHamati; neHazeri‐hatikoni, riri pamuganho weHaurani. Muganho unobva kuguŋgwa ndiHazari‐enoni pamuganho weDamasko; kurutiʋi rwokumsoro, ɀicienda kumsoro, muganho ndiHamati. Ndirwo rutiʋi rwokumsoro. Kurutiʋi rwamabvazuʋa pakati peHaurani neDamasko neGireadi nenyika yaIsraeri, muganho unofanira kuʋa Joridani; munofanira kuyera kubva kumuganho wokumsoro kuȿikira kuguŋgwa rokumabvazuʋa. Ndirwo rutiʋi rwamabvazuʋa. Rutiʋi rwezasi ɀicienda zasi, muganho ucabva paTamari kuȿikira kumvura yeMeriboti‐kadeshi, kuȿikira kurukoʋa rweEgipita, kuȿikira kuguŋgwa guru. Ndirwo rutiʋi rwezasi, ɀicienda zasi. Kurutiʋi rwamaʋirazuʋa muganho unofanira kuʋa guŋgwa guru, kubva kurutiʋi rwezasi kuȿikira pakatarisana paʋanopinda kana ʋacienda Hamati. Ndirwo rutiʋi rwamaʋirazuʋa. Saiɀoɀo munofanira kuɀiganhurira nyika iyi, ɀicienzana namarudzi aIsraeri. Munofanira kuiganhura nemijenya, iʋe nhaka yenyu neyaʋatorwa ʋagere pakati penyu, ʋanozoɓereka ʋana pakati penyu; iʋo ʋanofanira kuʋa kwamuri saʋakaɓerekerwa pakati paIsraeri; ʋanofanira kugara nhaka pamŋe cete nemi pakati pamarudzi aIsraeri. Pakati porudzi pagere mutorwa ndi’po pamunofanira kumupa nhaka yake — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Ezekieri 47:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)