Ezekieri 44:1-2
Ezekieri 44:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo murume uyu akandidzosera kusuo rokunze renzvimbo tsvene rakanga rakatarisa kumabvazuva, uye rakanga rakapfigwa. Jehovha akati kwandiri, “Suo iri rinofanira kugara rakapfigwa. Harifaniri kuzarurwa; hakuna munhu angapinda naro. Rinofanira kugara rakapfigwa nokuti Jehovha, Mwari waIsraeri, akapinda napariri
Ezekieri 44:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akandidzosa nenzira yesuo rokunze renzvimbo tsvene, rakanga rakatarira kurutivi rwamabvazuva; asi rakanga rakapfigwa. Jehovha akati kwandiri, “Suo iri rinofanira kugara rakapfigwa, harifaniri kuzarurwa, uye hakuna munhu anofanira kupinda naro, nokuti Jehovha Mwari waIsiraeri wapinda naro; saka rinofanira kuramba rakapfigwa.
Ezekieri 44:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akazondidzosera kuSuo Guru rokunze kweNzvimbo Inoera rakatarisa kumabvazuva rakanga rakapfigwa. Tenzi akati kwandiri, “Suo Guru iri richaramba rakapfigwa. Harifaniri kumbozarurwa. Hapana anofanira kumbopinda nepo nokuti Tenzi, Mwari weIsiraeri ndipo paapinda napo. Naizvozvo rinofanira kugara rakapfigwa.
Ezekieri 44:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakandidzosa nenzira yesuʋo rokunze renɀimbo tȿene, rakaŋga rakatarira kurutiʋi rwamabvazuʋa; asi rakaŋga rakapfigwa. Jehova akati kwandiri: Suʋo iri rinofanira kugara rakapfigwa, harifaniri kuzarurwa, ʋuye hakunomunhu unofanira kupinda naro, nokuti Jehova Mŋari waIsraeri wapinda naro; saka rinofanira kuramba rakapfigwa.
Ezekieri 44:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)