Ezekieri 43:16-19
Ezekieri 43:16-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Choto chearitari chine mativi akaenzana, makubhiti gumi namaviri paurefu uye makubhiti gumi namaviri paupamhi. Mupanda wokumusoro naiwowo una mativi akaenzana, wakareba makubhiti gumi namana uye makubhiti gumi namana paupamhi, nomuromo une hafu yekubhiti nechigadziko chekubhiti rimwe chete pakutenderera kwaro. Zvitsiko zvearitari zvakatarisa kumabvazuva.” Ipapo iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha: Iyi ndiyo ichava mitemo yokubayira zvibayiro zvinopiswa nokusasa ropa pamusoro pearitari painenge yavakwa: Unofanira kupa hando duku sechipiriso chechivi kuvaprista, vanova ndivo vaRevhi, vemhuri yaZadhoki, vanoswedera kuti vashumire pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ezekieri 43:16-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Choto chearitari chinofanira kuita mamita ane gumi namaviri pakureba, naane gumi namaviri paupamhi, mativi aro mana akaenzana. Musara unofanira kuita mamita ane gumi namana pakureba, uye ane gumi namana paupamhi kumativi aro mana; chitenderedzo chinopoteredza chinofanira kuita hafu yemita; chigadziko chayo chinofanira kuita mita rimwe kumativi ose; zvikwiriso zvayo zvinofanira kutarira kurutivi rwamabvazuva. Zvino akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Iyi ndiyo mitemo yearitari nezuva ravanoriita, kuzopisirapo zvibayiro zvinopiswa, nokusasirapo ropa. Unofanira kupa vapristi vaRevhi vorudzi rwaZadhoki, vanoswedera kwandiri kuzondishumira, nzombe duku chive chipiriso chezvivi,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ezekieri 43:16-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Choto cheatari iyoyo chakanga chino mativi mana akaenzana, urefu hwacho hwaiita mamita matanhatu upamhi hwacho huri mamita matanhatuwo. Chimbimbi chawo chakanga china mativi mana akaenzana, urefu hwacho huri mamita manomwe, upamhi hwachowo huri mamita manomwe chiine bhandi rakachitenderera rinoita masendimita makumi maviri namashanu. Pasiwo pacho pakaita hafu yemita kupatenderera. Matanho apaatari akanga akatarisa kumabvazuva. Akazonditi, “Iwe mwanakomana womunhu zvanzi naTenzi Mwari mirao yapaatari ndeyiyi iyi: Pazuva rainovakirwa kupirira pairi mupiro yokupisa uye nokusasa ropa pairi unofanira kupa vapristi vechiRevhi vemhuri yokwaZadhoki ivo vanoswedera kwandiri kuzondishandira, handira yomupiro wokupirira zvitadzo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Ezekieri 43:16-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Coto ceartari cinofanira kuita makubiti anegumi namaʋiri pakureɓa, naanegumi namaʋiri paʋupamhi, matiʋi aro manna akaenzana. Musara unofanira kuita makubiti anegumi namanna pakureɓa, ʋuye anegumi namanna paʋupamhi kumatiʋi aro manna; citenderedzo cinopoteredza cinofanira kuita hafu yekubiti; cigadziko cayo cinofanira kuita kubiti rimŋe kumatiʋi ose; ɀikwiriso ɀayo ɀinofanira kutarira kurutiʋi rwamabvazuʋa. Ɀino akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, ɀanzi naShe Jehova: Iyi ndiyo mitemo yeartari nezuʋa raʋanoriita, kuzopisira’po ɀiɓayiro ɀinopiswa, nokusasira’po ropa. Unofanira kupa ʋaprista ʋaRevi ʋorudzi rwaZadoki, ʋanosweɗera kwandiri kuzondishumira, nzombe ɗuku ciʋe cipiriso ceɀiʋi — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Ezekieri 43:16-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)