Ezekieri 37:7-8
Ezekieri 37:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka ndakaprofita sezvandakarayirwa. Zvino ndakati ndichiprofita, kwakava nomumvumo, nokurira kwaiti kweche kweche, uye mapfupa akaswededzana, bvupa nebvupa. Ndakatarira, ndikaona marunda nenyama zvavapo uye zvakafukidzwa neganda, asi makanga musina mweya mukati mazvo.
Ezekieri 37:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo ndakaporofita sezvandakarayirwa; zvino ndakati ndichiporofita, mubvumo ukavapo, uye, tarira, kudengenyeka kwenyika kwakavapowo; mapfupa akaswederana, pfupa rimwe kune rimwe pfupa raro. Ndikatarira, wane marunda avapo pamusoro pawo, nyama ikauya, ganda rikaafukidza pamusoro payo; asi makanga musina mweya mukati mawo.
Ezekieri 37:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo ndakaporofita sokuudzwa kwandakanga ndaitwa. Pandaiporofita kudaro pakaita ruzha, pakave nokukwacharika. Mapfupa achienda kundobatana pamwechete, pfupa richienda pane rimwe pfupa raro. Ndakati tarisei onei ave namarunda uye ava nenyama, aputirwa neganda. Asi akanga asina mweya.
Ezekieri 37:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo ndakaprofita seɀandakarairwa; ɀino ndakati ndiciprofita, mubvumo ukaʋa’po, ʋuye, tarira, kuɗeŋgenyeka kwenyika kwakaʋa’po ʋo; mafupa akasweɗerana, fupa rimŋe kunerimŋe fupa raro. Ndikatarira, wane marunda aʋa’po pamsoro pawo, nyama ikaʋuya, ganda rikaafukidza pamsoro payo; asi makaŋga musinomŋeya mukati mawo.
Ezekieri 37:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)