Ezekieri 37:1-2
Ezekieri 37:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu, uye akandibudisa noMweya waJehovha akandiisa pakati pomupata; wakanga uzere namapfupa. Akanditungamirira kuno nokoko pakati pawo, uye ndakaona mapfupa mazhinji zhinji pamusoro pomupata; mapfupa akanga akaoma kwazvo.
Ezekieri 37:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu, akandibudisa noMweya waJehovha, akandondiisa pakati pomupata; iwo wakanga uzere namapfupa; akandipfuudza napakati pawo kumativi ose; tarirai, aivapo akawanda kwazvo pakachena pamupata; uye tarirai, akanga akaoma kwazvo.
Ezekieri 37:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ruoko rwaTenzi rwakava pandiri. Akandiburitsa nesimba raMweya waTenzi akandondiisa mubani, rakanga rizere namapfupa. Akandifambisa mukati mawo kutenderera, wonei akanga ari hungwandagwanda kuwanda mubani imomo uye akanga akati papata kwazvo kuoma.
Ezekieri 37:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ruʋoko rwaJehova rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu, akandiɓuɗisa noMŋeya waJehova, akandondiisa pakati pomupata; iwo wakaŋga uzere namafupa; akandipfuʋudza napakati pawo kumatiʋi ose; tarirai, aiʋa’po akawanda kwaɀo pakacena pamupata; ʋuye, tarirai, akaŋga akawoma kwaɀo.
Ezekieri 37:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)