Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 33:1-16

Ezekieri 33:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, taura kuvanhu venyika yako uti kwavari: ‘Kana ndikauyisa munondo pamusoro penyika, uye vanhu venyika iyo vakasarudza mumwe wavo vakamuita nharirire yavo, uye iye akaona munondo uchiuya kuzorwa nenyika akaridza hwamanda kuti anyevere vanhu, ipapo ani naani kana akanzwa hwamanda asi akasava nehanya nenyevero uye munondo ukasvika ukamuuraya, ropa rake richava pamusoro wake. Sezvo akanzwa kurira kwehwamanda asi akashaya hanya, ropa rake richava pamusoro wake. Dai akateerera kunyeverwa, angadai akaponesa upenyu hwake. Asi kana nharirire ikaona munondo uchiuya uye ikasaridza hwamanda kuti iyambire vanhu uye munondo ukasvika ukabvisa upenyu hwomumwe wavo, munhu uyo achabviswa hake nokuda kwechivi chake, asi ndichabvunza ropa rake kunharirire.’ “Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri; saka inzwa shoko randinotaura ugovaudza yambiro inobva kwandiri. Kana ndikati kuno akaipa, ‘Iwe munhu wakaipa, uchafa zvirokwazvo,’ uye iwe ukasamutaurira kuti umunyevere panzira dzake, munhu uyo akaipa achafa nokuda kwechivi chake, asi ropa rake ndicharibvunza kwauri. Asi iwe kana ukanyevera munhu wakaipa uyu kuti adzoke kubva panzira dzake, iye akasaita izvozvo, achafa nokuda kwechivi chake, asi iwe unenge waponesa upenyu hwako. “Mwanakomana womunhu, uti kuimba yaIsraeri, ‘Izvi ndizvo zvamunoreva muchiti, “Kutadza kwedu nezvivi zvedu zvinotiremera, uye tapera nokuda kwazvo. Zvino tingararama seiko?” ’ Uti kwavari, ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handitongofariri rufu rwowakaipa, asi kuti vatendeuke kubva panzira dzavo vagorarama. Tendeukai! Tendeukai pazvakaipa zvenyu! Muchafireiko, imi imba yaIsraeri?’ “Naizvozvo, mwanakomana womunhu, uti kuvanhu venyika yako, ‘Kururama kwowakarurama hakugoni kumuponesa kana asingateereri, uye kuipa kwomunhu akaipa hakungamuiti kuti awe kana akatendeuka kubva pakuri. Munhu akarurama, kana akatadza, haangatenderwi kuti ararame nokuda kwokururama kwaaiva nako kare.’ Kana ndikaudza munhu akarurama kuti achafa zvirokwazvo, asi zvino iye ovimba nokururama kwake, ndokuita zvakaipa, hakuna zvinhu zvakarurama zvaakaita kare zvicharangarirwa; achafa nokuda kwezvakaipa zvaakaita. Uye kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Iwe uchafa zvirokwazvo,’ asi zvino iye akatendeuka pachivi chake uye akaita zvakanaka nezvakarurama, kana akadzorera zvaakatora norubatso sechikwereti, akadzosa zvaakaba, akatevera mitemo youpenyu, akasaita zvakaipa, zvirokwazvo achararama; haangafi. Hakuna zvivi zvaakaita zvicharangarirwa pamusoro pake. Akaita zvakanaka uye zvakarurama; achararama zvirokwazvo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 33

Ezekieri 33:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, taura navana vavanhu vako, uti kwavari, ‘Kana ndichiisa munondo panyika, vanhu venyika iyoyo vakazvitsaurira munhu pakati pavo, vakamuita nharirire yavo; zvino kana iye akaona munondo uchisvika panyika, akaridza hwamanda, akanyevera vanhu; ipapo ani naani anonzwa kurira kwehwamanda, akasatenda kunyeverwa, kana munondo ukasvika, ukamubvisa, ropa rake richava pamusoro wake, iye amene. Akanzwa kurira kwehwamanda, akasatenda kunyeverwa, ropa rake richava pamusoro pake; dai akatenda kunyeverwa, angadai akaponesa mweya wake. Asi kana nharirire ikaona munondo ichiuya, akasaridza hwamanda, vanhu vakasanyeverwa, munondo ukasvika, ukabvisa mumwe pakati pavo, wabviswa hake nokuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwenharirire.’ ” “Saizvozvowo iwe Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire paimba yaIsiraeri; naizvozvo chinzwa shoko rinobuda mumuromo mangu, uvanyevere panzvimbo yangu. Kana ini ndikati kune wakaipa, ‘Iwe munhu wakaipa, uchafa zvirokwazvo, iwe ukasataura kuti unyevere munhu wakaipa panzira yake, munhu uyo wakaipa achafa nokuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.’ Asi kana ukanyevera wakaipa pamusoro penzira yake, uchiti atendeuke pairi, akasatendeuka panzira yake, iye achafa nokuda kwezvakaipa zvake, asi iwe warwira hako mweya wako.” Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, uti kuimba yaIsiraeri, “Imi munotaura, muchiti, ‘Zvirokwazvo, kudarika kwedu nezvivi zvedu zviri pamusoro pedu, tinopera nokuda kwazvo; zvino tichararama seiko?’ “Uti kwavari, ‘Noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake; tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti muchafireiko, imi imba yaIsiraeri?’ “Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, uti kuvana vavanhu vako, ‘Kururama kwowakarurama hakungamurwiri nezuva rokudarika kwake; uye kana kuri kuipa kwowakaipa haangaparadzwi nako nezuva raanotendeuka pakuipa kwake; nowakarurama haangararami nako nezuva raanotadza.’ Kana ndichiti kunowakarurama, kuti zvirokwazvo achararama, kana akavimba nokururama kwake, akaita zvakaipa, hakuna basa rimwe rake rakarurama richarangarirwa; asi nokuda kwezvakaipa zvake zvaakaita, achafa nokuda kwazvo. Uyezve, kana ndikati kune wakaipa, ‘Zvirokwazvo uchafa;’ kana akatendeuka pazvivi zvake, akazoita zvakarairwa nezvakarurama; kana akaipa akadzosazve rubato, akadzoserazve zvaakanga apamba, akafamba nemitemo youpenyu, asingaiti zvakaipa, zvirokwazvo achararama, haangafi. “Hakuna chivi chimwe chake chaakaita chicharangarirwa pamusoro pake; akaita zvakarayirwa nezvakarurama, zvirokwazvo achararama.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 33

Ezekieri 33:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu, taurira vanhu vokwako uti kwavari, ‘Ini ndikauisa hondo yebakatwa munyika, ivo vanhu vakatora munhu pakati pavo vakamuita nharirire. Kana iye akaona hondo yebakatwa ichiuya munyika, akaridza hwamanda achiyambira vanhu, munhu anenge anzwa kurira kwehwamanda akarega kuzvichenjererawo zvake, hondo yebakatwa ikamutora, munhu iyeyo rufu rwake nderwokuzviparira. Akanzwa kurira kwehwamanda asi haana kuzvichenjerera; rufu rwake nderwokuzviparira. Dai akazvichenjerera angadai akazviponesa upenyu. Asi kana nharirire ikaona bakatwa richiuya, munhu iyeyo akarega kuridza hwamanda, zvokuti vanhu vanosara vasina kuyambirwa, hondo yebakatwa iya youya yotora mumwe wavo. Munhu iyeyo akatorwa muhuipi hwake; ini mhosva yake ndichaiisa panharirire iyoyo.’ “Saizvozvo iwe mwanakomana womunhu, ndakuita nharirire yemba yokwaIsiraeri. Ukangonzwa shoko pamuromo pangu unofanira kupa vanhu yambiro inobva kwandiri. Kana ndikati kumutadzi iwe muipi uchafa chete, iwe worega kutaurira akaipa kuti apinduke pauipi hwake, muipi iyeyo achafa muuipi hwake asi mhosva yorufu rwake ndichaiisa pauri. Asi ukayambira akaipa kuti apinduke pauipi hwake asi iye worega zvake kupinduka panzira yake, achafira muuipi hwake asi iwe unenge wazviponesa upenyu. “Iwe mwanakomana womunhu taurira imba yokwaIsiraeri kuti, ‘Imi makati kukanganisa kwedu nezvitadzo zvedu zviri patiri, takagara nazvo. Torarama sei?’ Vataurire kuti zvanzi naTenzi Mwari, hezvino ndakadai, handifarire rufu rwomutadzi asi kuti mutadzi apinduke panzira yake ararame. Tendeukai, tendheukai panzira dzenyu dzakaipa, ko munodirei kufa, nhaimi vemba yaIsiraeri. Iwe mwanakomana womunhu, taurira vanhu vokwako kuti, ururami hwomunhu mururami haugoni kumuponesa kana akapara chitadzo. Kutadza kwomutadzi hakusiriko kunomuputsira pasi kana akapinduka kuuipi hwake. Mururami haagoni kurarama noururami hwake kana atadza. Kunyange ndikati kumunhu wakarurama achararama, zvino iye wovimba noururami hwake wondotadza zvake, hapana zvakarurama zvaakaita zvinozomborangarirwa. Achafa muuipi hwaanenge aita. Uyewo kunyange ndikati kumunhu akaipa unofanira kutofa asi iye opinduka kuchivi chake oita zviri pamutemo zvakarurama, ngatitii muipi anodzorera rubatso, achidzorerawo zvaanenge apamba, achitevedzawo mutemo wehunhu asingaiti chitadzo anofanira kuti atorarama, haafaniri kufa. Hapana chitadzo chake chicharangarirwa kana kuchipirwa mhosva. Anenge aita zviri pamutemo uye zvakarurama. Anofanira kurarama.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 33

Ezekieri 33:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri riciti: Mŋanakomana womunhu, taura naʋana ʋaʋanhu ʋako, uti kwaʋari: Kana ndiciʋuyisa munondo panyika, ʋanhu ʋenyika ʋakaɀitsaurira munhu pakati paʋo, ʋakamuita nharirire yaʋo; ɀino kana iye akaʋona munondo uciȿika panyika, akaridza hwamanda, akanyeʋera ʋanhu; ipapo aninani unonzwa kurira kwehwamanda, akasatenda kunyeʋerwa, kana munondo ukaȿika, ukamubvisa, ropa rake ricaʋa pamusoro wake, iye amene. Wakanzwa kurira kwehwamanda, akasatenda kunyeʋerwa, ropa rake ricaʋa pamsoro pake; ɗai akatenda kunyeʋerwa, uŋgaɗai akaponesa mŋeya wake. Asi kana nharirire ikaʋona munondo uciʋuya, akasaridza hwamanda, ʋanhu ʋakasanyeʋerwa, munondo ukaȿika, ukabvisa mumŋe pakati paʋo, wabviswa hake nokuɗa kweɀakaipa ɀake, asi ropa rake ndicaribvunza paruʋoko rwenharirire. Saiɀoɀo ʋo iwe mŋanakomana womunhu, ndakakuita nharirire paimba yaIsraeri; naiɀoɀo cinzwa shoko rinoɓuɗa mumuromo maŋgu, uʋanyeʋere panɀimbo yaŋgu. Kana ini ndikati kunowakaipa: Iwe munhu wakaipa, ucafa ɀirokwaɀo, iwe ukasataura kuti unyeʋere munhu wakaipa panzira yake, munhu uyo wakaipa ucafa nokuɗa kweɀakaipa ɀake, asi ropa rake ndicaribvunza paruʋoko rwako. Asi kana ukanyeʋera wakaipa pamsoro penzira yake, uciti atendeʋuke pairi, akasatendeʋuka panzira yake, iye ucafa nokuɗa kweɀakaipa ɀake, asi iwe warwira hako mŋeya wako. Ɀino iwe, mŋanakomana womunhu, uti kuimba yaIsraeri: Imi munotaura, muciti: Ɀirokwaɀo, kuɗarika kweɗu neɀiʋi ɀeɗu ɀiri pamsoro peɗu, tinopera nokuɗa kwaɀo; ɀino ticararama seiko? Uti kwaʋari: Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeʋuke panzira yake; tendeʋukai, tendeʋukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti mucafireiko, imi imba yaIsraeri? Ɀino iwe, mŋanakomana womunhu, uti kuʋana ʋaʋanhu ʋako: Kururama kwowakarurama hakuŋgamurwiri nezuʋa rokuɗarika kwake; ʋuye kana kuri kuipa kwowakaipa, haaŋgaparadzwi nako nezuʋa raanotendeʋuka pakuipa kwake; nowakarurama haaŋgararami nako nezuʋa raanotadza. Kana ndiciti kunowakarurama, kuti ɀirokwaɀo ucararama, kana akaʋimba nokururama kwake, akaita ɀakaipa, hakuna‐ɓasa rimŋe rake rakarurama ricaraŋgarirwa; asi nokuɗa kweɀakaipa ɀake ɀaakaita, ucafa nokuɗa kwaɀo. Ʋuye ɀe, kana ndikati kunowakaipa: Ɀirokwaɀo ucafa; kana akatendeʋuka paɀiʋi ɀake, akazoita ɀakarairwa neɀakarurama; kana wakaipa akadzosa ɀe ruɓatso, akadzosera ɀe ɀaakaŋga apamba, akafamba nemitemo yoʋupenyu, asiŋgaiti ɀakaipa, ɀirokwaɀo ucararama, haaŋgafi. Hakunaciʋi cimŋe cake caakaita cicaraŋgarirwa pamsoro pake; wakaita ɀakarairwa neɀakarurama, ɀirokwaɀo ucararama.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 33

Ezekieri 33:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)