Ezekieri 31:4-9
Ezekieri 31:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mvura zhinji yakaupa zvokudya, zvitubu zvakadzika zvakaita kuti urebe; hova dzacho dzakayerera dzichipoteredza hunde, uye dzakatumira mironga yadzo kumiti yose yesango. Saka wakareba kwazvo kupfuura miti yose yesango, mativi awo akawanda uye matavi awo akareba, achitandavara nokuda kwemvura zhinji. Shiri dzose dzedenga dzakavakira matendere adzo pamatavi awo, mhuka dzose dzesango dzakaberekera pasi pamatavi awo; ndudzi dzose huru dzakagara pamumvuri wawo. Wakanga uchiyevedza parunako, namatavi awo akatandavara, nokuti midzi yawo yaidzika pasi kune mvura zhinji. Misidhari yomubindu raMwari yakanga isingagoni kuukunda, uye miti yomupaini yakanga isingaenzani namatavi awo, uye miti yemipurani hayaienzaniswa namatavi awo, hakuna muti mubindu raMwari waienzana nawo pakunaka. Ndakauita muti unoyevedza una matavi akawanda, muti waiyemurwa nemiti yose yomuEdheni mubindu raMwari.
Ezekieri 31:4-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mvura zhinji yakaumeresa, mvura yapasi-pasi yakaukurisa; nzizi dzayo dzaierera pose pakasimwa, yaisvitsa migero yayo kumiti yose yesango. Naizvozvo muti uyu wakakura kupfuura miti yose yesango, matavi awo akawanda, uye matavi awo akareba nemvura zhinji, nenguva yokumera kwawo. Shiri dzose dzokudenga dzakavaka matendere adzo mumatavi awo, nemhuka dzose dzesango dzakabereka vana vadzo pasi pamatavi, awo; marudzi makuru ose avanhu akagara mumumvuri wawo. “Saizvozvo wakanga wakanaka pakukura kwawo, napakureba kwamatavi awo; nokuti midzi yawo yakanga iri mumvura zhinji. Misidhari mumunda waMwari yakanga isingagoni kuudzitira; miti yemisiperesi haina kufanana nohutavi hwawo, nemipurani yakanga isina kufanana namatavi awo; kwakanga kusina muti mumunda waMwari wakanga wakafanana nawo pakunaka kwawo. Ndakauita zvakanaka nokuwanda kwamatavi awo, naizvozvo miti yose yeEdheni, yaiva mumunda waMwari, yaiugodora.
Ezekieri 31:4-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mvura zhinji yakauwanisa zvokudya, mvura yapasi pevhu yakaukudza, tukova twaierera kutenderera pawakanga umire pose pachiita makoronga kumiti yose yesango. Naizvozvo iwo wakachiti dzu-u kureba pamusoro pemiti yose yesango. Mapazi awo akava makuru, matavi awo akareba pamusana pemvura zhinji. Shiri dzose dzedenga dzakaita matendere adzo mumapazi awo, mhuka dzose dzakaberekera vana vadzo pasi pamapazi awo, marudzi ose avanhu makuru akaita musha wawo mumumvuri wawo. Kukura kwawakanga wakaita kwaiyevedza, nomureberowo wakanga wakaita mapazi awo nokuti midzi yawo yaienda kumvura yakawanda. Pamisidhari yaiva mumunda waMwari hapana waiupfuura kureba, kunyange musaipurasi zvawo waimboenzana nawo mapazi awo. Pamapazi, muti iwoyo mupureni hahwaimbopasvika. Hapana muti mumunda waMwari waienzana nawo parunako. Ndakaita kuti uve unoyevedza nezanzwe rokuwanda kwamapazi awo miti yose yomuEdheni, yaiva mumunda waMwari yakauitira shanje.
Ezekieri 31:4-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mvura zhinji yakaumeresa, mvura yapasi‐pasi yakaukurisa; nzizi dzayo dzaiyerera pose pakasimŋa, yaiȿitsa migero yayo kumiti yose yokusaŋgo. Naiɀoɀo wakakura kupfuʋura miti yose yokusaŋgo, mataʋi awo akawanda, ʋutaʋi bgawo ʋukareɓa nemvura zhinji, neŋguʋa yokumera kwawo. Shiri dzose dzokuɗeŋga dzakaʋaka matendere adzo mumataʋi awo, nemhuka dzose dzokusaŋgo dzakaɓereka ʋana ʋadzo pasi pamataʋi awo; marudzi makuru ose aʋanhu akagara mumumvuri wawo. Saiɀoɀo wakaŋga wakanaka paʋukuru bgawo, napakureɓa kwamataʋi awo; nokuti mudzi wawo wakaŋga uri mumvura zhinji. Misidari mumunda waMŋari yakaŋga isiŋgagoni kuudzitira; miti yemisipresi haina‐kufanana noʋutaʋi bgawo, nemiprani yakaŋga isina‐kufanana namataʋi awo; kwakaŋga kusinomuti mumunda waMŋari wakaŋga wakafanana nawo pakunaka kwawo. Ndakauita ɀakanaka nokuwanda kwamataʋi awo, naiɀoɀo miti yose yeEdeni, yaiʋa mumunda waMŋari, yaiugoɗora.
Ezekieri 31:4-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)