Ezekieri 24:15-18
Ezekieri 24:15-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, ndava kuzokutorera uyo anofadza meso ako kamwe chete. Asi usachema kana kuungudza kana kubudisa misodzi. Gomera chinyararire; usachema akafa. Gara wakasunga nguwani yako zvakasimba uye neshangu dziri mumakumbo ako; urege kufumbira zasi kwouso hwako kana kudya zvokudya zvavanochema.” Saka mangwanani ndakataura kuvanhu, uye mukadzi wangu akafa madekwana. Fume mangwana, ndakaita zvandakanga ndarayirwa.
Ezekieri 24:15-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino shoko raJehovha rakasvikawo kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, tarira, ndinokutorera pakarepo norufu unodikanwa nameso ako, asi haufaniri kuchema kana kuungudza, nemisodzi yako haifaniri kuyerera. “Gomera, asi ngazvirege kunzwika, usachema wakafa; sungira zvishongo mumusoro wako, upfeke shangu dzako patsoka dzako; usapfumbira muromo wako, kana kudya zvokudya zvavanhu.” Ipapo ndakataura navanhu mangwanani, madekwana mukadzi wangu akafa, ndikaita mangwanani sezvandakarayirwa.
Ezekieri 24:15-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izwi raTenzi rakauyawo kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu, chinzwaka, ini ndava kukutorera iye paswerameso wako chaiye kamwe kamwe nedenda. Asi iwewe haufaniri kuungudza kana kuhwihwidza kunyange kusvimha misodzi. Tura befu zvisinganzwiki usacheme vakafa. Monerera nguwani yako upfeke shangu dzako mumakumbo. Usafukidze miromo kana kudya chokudya chaparufu.” Saizvozvo ndakataurira vanhu kumangwanani, kumanheru mudzimai wangu achibva afa. Mangwana acho mangwanani ndakaita sezvandakanga ndaudzwa.
Ezekieri 24:15-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino shoko raJehova rakaȿika ʋo kwandiri riciti: Mŋanakomana womunhu, tarira, ndinokutorera pakarepo norufu unoɗikanwa nameso ako, asi haufaniri kucema kana kuwuŋgudza, nemisodzi yako haifaniri kuyerera. Gomera, asi ŋgaɀirege kunzwika, usacema wakafa; suŋgira ɀishoŋgo mumusoro wako, upfeke shaŋgu dzako patsoka dzako; usafumbira muromo wako, kana kudya ɀokudya ɀaʋanhu. Ipapo ndakataura naʋanhu maŋgwanani, maɗekwana mukadzi waŋgu akafa, ndikaita maŋgwanani seɀandakarairwa.
Ezekieri 24:15-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)