Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 21:1-31

Ezekieri 21:1-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuJerusarema uparidze pamusoro penzvimbo tsvene. Profita pamusoro penyika yeIsraeri, uti kwairi, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kuzokurwisa. Ndichavhomora munondo wangu kubva mumuhara wawo ndigouraya pakati penyu vose vakarurama nevakaipa. Nokuti ndichaparadza vakarurama nevakaipa, munondo wangu uchabuda mumuhara kundorwa navose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro. Ipapo vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha ndavhomora munondo wangu kubva mumuhara wawo; hauchazodzokerimozve.’ “Naizvozvo, gomera, mwanakomana womunhu! Gomera pamberi pavo nomwoyo wakapwanyika uye nokuchema neshungu. Zvino pavanokubvunza vachiti, ‘Unogomereiko?’ iwe uchati kwavari, ‘Nemhaka yamashoko ari kuuya. Mwoyo mumwe nomumwe uchanyauka uye ruoko rumwe norumwe rucharemara, mweya mumwe nomumwe uchaziya uye ibvi rimwe nerimwe richarukutika semvura.’ Zviri kuuya! Zvirokwazvo zvichaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naJehovha: “ ‘Munondo, munondo, wakarodzwa uye wakapukutwa, wakarodzerwa kuuraya, wakapukutirwa kuti upenye semheni! “ ‘Tichazofara here netsvimbo youshe yomwanakomana wangu Judha? Munondo unozvidza zvimiti zvose zvakadai. “ ‘Munondo wakagadzirirwa kuti upukutwe, kuti ubatwe noruoko; wakarodzwa uye wakapukutwa, wakagadzirirwa kuiswa muruoko rwomuurayi. Chema uungudze, mwanakomana womunhu, nokuti unorwa navanhu vangu; unorwa namachinda ose aIsraeri. Vakakandwa kumunondo, pamwe chete navanhu vangu. Naizvozvo uzvirove chipfuva. “ ‘Kuedzwa kuchauya zvirokwazvo. Ko, kana tsvimbo youshe yaJudha, iyo inozvidzwa nomunondo, ikasaenderera mberi chii chinoitika? ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ “Saka zvino, mwanakomana womunhu, profita uye urovanise maoko ako pamwe chete. Rega munondo ubaye kaviri, kunyange katatu. Ndiwo munondo wokuuraya, iwo munondo wokuuraya kukuru, uri kuuya kwavari kubva kumativi ose. Kuti mwoyo inyungudike uye vanowa vawande, munondo ndakauyisa pamasuo avo ose kuti uuraye. Haiwa, wakagadzirirwa kuti upenye semheni, wakabatwa kuti uuraye. Haiwa, iwe munondo, cheka kurudyi, ugochekawo kuruboshwe, kwose kunorerekera munondo wako. Neniwo ndicharova maoko angu pamwe chete, uye hasha dzangu dzichaserera. Ini Jehovha ndazvitaura.” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti: “Mwanakomana womunhu, tara migwagwa miviri yomunondo wamambo weBhabhironi yaachafamba nayo, yose iri miviri ichitangira munyika imwe chete. Uite chikwangwari panoparadzana mugwagwa uchipinda muguta. Utare mugwagwa mumwe chete womunondo unouya kuzorwa neRabha ravaAmoni uye mumwe uchizorwa neJudha neJerusarema rakakomberedzwa. Nokuti mambo weBhabhironi achamira pamharadzano dzemugwagwa, pamharadzano dzemigwagwa miviri, kuti aite zvokuvuka: Achakanda mijenya nemiseve, achabvunza zvifananidzo zvake, achaongorora chiropa. Muruoko rwake rworudyi muchava nomujenya weJerusarema, paachamisa zvokuparadza nazvo masvingo, kuti arayire zvokuuraya, adanidzire zvehondo, amise zvokuparadza nazvo masuo, vavake mirwi yokurwisa nokukomba guta. Zvichange zvakaita sokuvuka kuna vaya vakange vapikira kumuteerera, asi iye achavarangaridza nezvemhosva yavo agovatora kuti avaite nhapwa. “Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Nemhaka yokuti imi vanhu makandiyeuchidza mhosva yenyu nokundimukira pachena, muchiratidza pachena zvivi zvenyu pazvinhu zvose zvamunoita, nokuda kwokuti makaita izvi, muchaitwa nhapwa. “ ‘Haiwa, iwe muchinda waIsraeri akaipa uye anozvidza, ane zuva rasvika, ane nguva yokurangwa kwake yasvika pakupedzisira, zvanzi naIshe Jehovha: Bvisai nguwani youprista, bvisai korona. Hazvichazorambi zviri sezvazvaiva: vanozvidzwa vachasimudzirwa uye vanokudzwa vachaninipiswa. Dongo! Dongo! Ndichariita dongo! Harichazovandudzwazve kusvikira mwene waro auya; ndiye wandichapa.’ “Uye iwe, mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavaAmoni nokutuka kwavo: “ ‘Munondo, munondo, wavhomorwa kuti uuraye, wapukutwa kuti uparadze uye kuti upenye semheni! Kunyange vakaona zviratidzo zvenhema pamusoro pako, vakavuka zvenhema pamusoro pako, zvichaiswa pamitsipa yavakaipa vachazourayiwa, vane zuva ravo rasvika, ivo vane nguva yokurangwa yasvika pokupedzisira. Chidzosera munondo mumuhara wawo. Panzvimbo yawakasikwa uri, munyika yamadzitateguru ako, ndipo pandichakutongera. Ndichadurura hasha dzangu pamusoro pako, uye ndigofemera kutsamwa kwangu kunotyisa pamusoro pako; ndichakuisa kuvanhu vane utsinye, vanhu vanoziva kuparadza.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 21

Ezekieri 21:1-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rweJerusaremu, udonhedze shoko rako kurutivi rwenzvimbo tsvene, uporofite pamusoro penyika yaIsiraeri; uti kunyika yaIsiraeri, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarira, ndine mhaka newe, ndichavhomora munondo wangu mumuhara wawo, ndichaparadza pakati penyu vakarurama navakaipa. Zvino zvandichaparadza pakati penyu vakarurama navakaipa, munondo wangu uchabuda mumuhara wawo kundorwa nevanhu vose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro; vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha ndakavhomora munondo wangu mumuhara wawo; hauchazodzokeripozve. Naizvozvo, gomera, iwe Mwanakomana womunhu, gomera pamberi pavo, chiuno chako chivhunike nokuchema kukuru kuvepo.’ “Zvino kana vachiti kwauri, ‘Unogomera neiko?’ Uti kwavari, ‘Nemhaka yamashoko, nokuti anouya; mwoyo mumwe nomumwe uchanyauka, maoko ose achashayiwa simba, mweya mumwe nomumwe uchati rukutu, mabvi ose achashayiwa simba semvura; tarirai, anouya, achaitika,’ ” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, “Mwanakomana womunhu, porofita, uti, zvanzi naJehovha, iti ‘Munondo, munondo! Warodzwa, wabwinyiswa; warodzwa, kuti uhuraye, wabwinyiswa, kuti uve semheni; zvino isu tingagofara here? Itsvimbo yohushe yomwanakomana wangu, inozvidza miti yose.’ Wakapiwa kuti ubwinyiswe, kuti ubatwe nawo; munondo warodzwa, zvirokwazvo wabwinyiswa, kuti uiswe muruoko rwomuurayi. Chema, uungudze, iwe Mwanakomana womunhu, nokuti iwe uri pamusoro pavanhu vangu, uri pamusoro pamachinda ose aIsiraeri, akaiswa kumunondo pamwechete navanhu vangu; naizvozvo uzvirove pahudyu. “Nokuti kuidzwa kwavapo; zvino todiniko kana iwo munondo, unozvidza, waperawo? Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “Zvino Mwanakomana womunhu, porofita, rovanya maoko ako; munondo ngauwedzerwe kusvikira katatu, iwo munondo wavakakuvadzwa zvikuru; ndiwo munondo womukuru, wakakuvadzwa zvikuru, unovamanikidza. Ndakaisa munondo wakavhomorwa pamisuo yavo yose, kuti mwoyo yavo inyauswe, nokugumburwa kwavo kuwande; aiwa! Wakaitwa semheni, wakatesvererwa kuuraya. Zvirongedze, iwe munondo, enda kurudyi, zvigadzire uende kuruboshwe, kwose kunotarira mativi ako akarodzwa. “Neniwo ndicharovanya maoko angu, ndichanyaradza hasha dzangu; ini Jehovha, ndakazvitaura.” Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, “Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, chizvitarira nzira mbiri, dzingauya nadzo munondo wamambo weBhabhironi idzedzo mbiri dzinofanira kubva kunyika imwe; zvino uveze ruoko, uruvezere pakuvamba kwenzira inoenda kuguta. Utare nzira, ingauya nawo munondo, kusvikira Rabha ravana vaAmoni, naJudha mukati meJerusaremu rakakombwa norusvingo. Nokuti mambo weBhabhironi akanga amire pamharadzano dzenzira, pakuvamba kwenzira mbiri, kuti abvunze nokuuka, akazunungusa miseve, akabvunza terafimi, ndokucherekedza chiropa. Muruoko rwake rworudyi makanga mune zvakaukwa pamusoro peJerusaremu, kuti vaise zvokugumura, vashamise muromo unodanira kuuraya, vadanidzire kwazvo namazwi, vaise zvokugumura pamasuo, vatutire mirwi yokurwa, vavakire nhare dzokurwa. Asi zvichava kwavari sokuuka kwenhema pamberi pavo, ivo vakavapikira mhiko; asi iye acharangarira kusarurama kwavo, kuti vabatwe. “Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Zvamakandiyeudzira zvakaipa zvenyu, kudarika kwenyu zvakwakafukurwa, zvivi zvenyu zvichionekwa pane zvose zvamunoita, zvamakarangarirwa, muchabatwa noruoko.’ “Zvino iwe, iwe wakaipa, wakakuvadzwa zvikuru, muchinda waIsiraeri, wakasvikirwa nezuva rako panguva yezvakaipa zvokupedzisira, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Ngowani yohupristi inofanira kubva, korona inofanira kubva, hazvingarambi zviripo; kwiridzai zviri pasi, muderedze zviri kumusoro.’ “Matongo, matongo, ndichazviita matongo, nezvizvi hazvingarambi zviripo, kusvikira iye mwene wazvo achisvika; ndichamupa iye izvo. “Zvino iwe Mwanakomana womunhu, chiporofita, uti zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavana vaAmoni, pamusoro pokushorwa kwavo; iwe uti, ‘Munondo, munondo wavhomorwa, wabwinyisirwa kuuraya, kuti upedze, uve semheni;’ vachikuonera zvakaratidzwa zvenhema, zvachikuukira nhema, kuti uiswe pamitsipa yavakaipa vakakuvadzwa zvikuru, vasvikirwa nezuva ravo panguva yezvakaipa zvokupedzisira. “Ngaudzoserwe mumuhara wawo. Apo pawakasvikwa iwe, panyika yawakaberekerwa, ndipo pandichakutonga. “Ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pako, ndichafuridzira pamusoro pako nomoto wehasha dzangu, ndichakuisa mumaoko avanhu vanopenga, vanoziva kwazvo kuparadza.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 21

Ezekieri 21:1-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati, “Iwe mwanakomana womunhu wochinangana neJerusaremu uparidze wakanangana nenzvimbo dzacho dzinoera uporofite wakanangana nenyika yeIsiraeri uti kunyika yeIsiraeri, zvanzi naTenzi chinzwa, ndanangana newe zvino. Ndichaburitsa bakatwa rangu muhara ndiuraye mukati mako vakarurama navakaipa. Sezvo ndichauraya mukati menyu vakarurama navakaipa kudaro saka bakatwa rangu richabudira muhara vanhu vose kubvira kumaodzanyemba dzamara kuchamhembe. Vanhu vose vachaziva kuti ini Tenzi ndini ndaburitsa bakatwa rangu muhara. Harichadzoserwazve muhara. Ungudza iwe munhu! Ungudza nomwoyo wakasuruvara nokushungurudzika kukuru vachiona nameso avo. “Kana vakakuti zvauya sei kuungudza kudai, iwe uti ‘Pamusana pamashoko. Paachasvikira munhu wose achadumbirwa nazvo; maoko avose achapera simba, mweya yose ichirukitika; mabvi ose achati rukutu semvura zvayo. Hezvo rosvika uye richatoitika.’ ” Ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari. Shoko raTenzi rakauya kwandiri rikati, “Iwe mwanakomana womunhu porofita uti zvanzi naTenzi, iti: Bakatwa, bakatwa rakarodzwa uye rikakwenenzverwawo richirodzerwa kuuraya nokukwenenzvererwa kupenya semheni! Ndipo patingabva tatofaririra nhai? Tarisai muone tsvimbo youmambo yapenyeserwa mwanakomana wangu kuti azvidze zvimiti zvokunamata. Bakatwa rakanzi rirodzwe kuti ribatwe. Rakarodzwa rikakwenenzverwa kuti riiswe mumaoko momuurayi. “Ridza mhere uchihwihwidza, iwe mwanakomana womunhu pamusana pezvawira vanhu vangu zvichinangana namachinda eIsiraeri ose. Ipapo vanofanira kuuraiwa nebakatswa iwe chibata rushaya, nokuti kuedzwa hakusi kuzorega kuuya chamakazvidzira tsvimbo youmambo chii? Hamusi kuzobudirira.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Saka zvino chiporofita iwe mwanakomana womunhu. Rovanisa maoko bakatwa rigouya pasi kaviri kana katatu kese, ibakatwa ravanofanira kuti vaurayiwe. Ibakatwa rokuuraya vanhu kwakanyanyisa rakatarisana navo kuitira mwoyo yavo idedere, vazhinji vafe mumaguta mavo mose. Ndakapa bakatwa rinopenya. Heekaka! Rakagadzirwa semheni rikaputirwa kuitira kuzourayisa. Nyatsocheka uku nouku kunenge kwangonanga rutivi runocheka. Ini ndicharovanisawo maoko angu ndichipedza hasha dzangu. Ndini Tenzi ndazvireva.” Izwi raTenzi rakauyazve kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu tara nzira mbiri dzokuitira hondo yebakatwa yamambo weBhabhironi ichauya. Dzose dziri mbiri dzichabva kunyika imwecheteyo. Umise chikwangwani uchidzike pakona yomugwagwa wokupinda muguta. Tara nzira yebakatwa inoenda kuguta reRabha rokuvaAmoni neinoenda kwaJudha muguta retsvingo reJerusaremu. Ndinodaro nokuti mambo weBhabhironi anosvikomira pamhararano penzira idzodzo panoparadzana nzira mbiri idzodzo oshopera. Anoita miseve hakata dzokukandira nadzo, obvunzira kutumwari twechiterafimu achinan'anidza pachiropa. Muruoko rwake rworudyi chin'ange chinenge chabata Jerusaremu kuti iisirwe zvombo zvakaita sehondohwe zvokudhugumurisa, nokundoshamarara kuridza mhere dzokuuraya nokudaidzirisa kwazvo nokumisa zvombo zvakaita sehondohwe zviya zvokudhugumurisa zvakatarisana nemisuo mikuru yacho nokuzoriisira chinenge musana wenzou chevhu kurusvingo nokuzovaka nokuchera mugero. Asi kwavari ivo zvichatarisika sokushopera kusina maturo vachitozviti vakapika mhiko chaidzo dzakasimba. Asi achaita kuti mhosva yavo iyeukwe kuitira kuti vagobatwa. “Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari pamusana pokuti makaita kuti chitadzo chenyu chiyeukwe nokuiswa pachena kwaitwa chitadzo chenyu zvokuti muzviito zvenyu zvose zvazvo, zvitadzo zvenyu zvava kuonekwa, zvaita kuti imi muyeukwe; muchaiswa mumaoko mavo. Iwe muipi, akan'ora, muchinda weIsiraeri zuva rokutongwa kwako kwokupedzisira rasvika zvino. Zvanzi naTenzi Mwari bvisa ngundu ukutunure chiremba choumambo. Zvinhu hazvicharamba zvakaita zvazvakaita. Vapasi vachasimudzwa vapamusoro vachaderedzwa. Ndichaita kuti uve dongo, dongo, dongo zvaro zvisati zvamboitika kusvikira ane mvumo yokuritonga auya ndiye wandicharipa. “Zvino iwe mwanakomana womunhu porofita uchiti, ‘Zvanzi naTenzi Mwari nezvevaAmoni uye nezvokunyadziswa kwavo achiti, bakatwa, bakatwa raburitswa muhara kuzorakatisa.’ “Rakakwenenzverwa zvokuva nokupenya kunenge kwemheni ivo vachikuonerai zviratidzo zvenhema kudaro vachishopera zvenhema nezvenyu saizvozvo bakatwa richazoiswa pamutsipa yavakaipa vakan'ora vasvikirwa nenguva yokutongwa kwavo kwokupedzisira. Ridzosere muhara maro. Munzvimbo mawakasikwa imomo munyika mawakaberekerwa ndimo mandichakutongera. Ndichapedzera shungu dzangu pauri ndichava moto moto kukuvirukira nehasha dzangu. Ndichakuisa mumaoko mavanhu voutsinye mharadzi chaidzoidzo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 21

Ezekieri 21:1-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti: Mŋanakomana womunhu, rinzira ciso cako kurutiʋi rweJerusarema, uɗonhedze shoko rako kurutiʋi rwenɀimbo tȿene, uprofite pamsoro penyika yaIsraeri; uti kunyika yaIsraeri: Ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndinemhaka newe, ndicavomora munondo waŋgu mumuhara wawo, ndicaparadza pakati penyu ʋakarurama naʋakaipa. Ɀino ɀandicaparadza pakati penyu ʋakarurama naʋakaipa, munondo waŋgu ucaɓuɗa mumuhara wawo kundorwa nenyama yose kubva kurutiʋi rwezasi kuȿikira kurutiʋi rwokumsoro; nyama yose icaziʋa kuti ini Jehova ndakavomora munondo waŋgu mumuhara wawo; haucazodzokeri’po ɀe. Naiɀoɀo, gomera, iwe mŋanakomana womunhu, gomera pamberi paʋo, ciʋuno cako civunike nokucema kukuru kuʋe’po. Ɀino kana ʋaciti kwauri: Unogomera neiko? uti kwaʋari: Nemhaka yamashoko, nokuti anoʋuya; mŋoyo mumŋe nomumŋe ucanyauka, maʋoko ose acashaiwa simba, mŋeya mumŋe nomumŋe ucati rukutu, mabvi ose acashaiwa simba semvura; tarirai, anoʋuya, acaitika — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: Mŋanakomana womunhu, profita, uti: Ɀanzi naJehova: Iti: Munondo, munondo! warodzwa, wabginyiswa; warodzwa, kuti uʋuraye, wabginyiswa, kuti uʋe semheni; ɀino isu tiŋgagofara here? Itȿimbo yoʋushe yomŋanakomana waŋgu, inoɀidza miti yose. Wakapiwa kuti ubginyiswe, kuti uɓatwe nawo; munondo warodzwa, ɀirokwaɀo wabginyiswa, kuti uiswe muruʋoko rwomuʋurayi. Cema, uwuŋgudze, iwe mŋanakomana womunhu, nokuti iwe uri pamsoro paʋanhu ʋaŋgu, uri pamsoro pamacinda ose aIsraeri, akaiswa kumunondo pamŋe cete naʋanhu ʋaŋgu; naiɀoɀo uɀiroʋe pahudyu. Nokuti kuidzwa kwaʋa’po; ɀino toɗiniko kana iwo munondo, unoɀidza, wapera ʋo? — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. Ɀino iwe mŋanakomana womunhu, profita, roʋanya maʋoko ako; munondo ŋgauwedzerwe kuȿikira katatu, iwo munondo waʋakakuʋadzwa ɀikuru; ndiwo munondo womukuru, wakakuʋadzwa ɀikuru, unoʋamanikidza. Ndakaisa munondo wakavomorwa pamasuʋo aʋo ose, kuti mŋoyo yaʋo inyauswe, nokugumburwa kwaʋo kuwande; haiwa! wakaitwa semheni, wakateȿererwa kuʋuraya. Ɀiroŋgedze, iwe munondo, enda kurudyi, ɀigadzire uende kuruɓoshwe, kwose kunotarira matiʋi ako akarodzwa. Neni ʋo ndicaroʋanya maʋoko aŋgu, ndicanyaradza hasha dzaŋgu; ini Jehova, ndakaɀitaura. Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti: Ɀino iwe, mŋanakomana womunhu, ciɀitarira nzira mbiri, dziŋgaʋuya nadzo munondo wamambo weBabironi; idzedzo mbiri dzinofanira kubva kunyika imŋe; ɀino uʋeze ruʋoko, uruʋezere pakuʋamba kwenzira inoenda kuguta. Utare nzira, iŋgaʋuya nawo munondo, kuȿikira Raba raʋana ʋaAmoni, naJuda mukati meJerusarema rakakombga noruȿiŋgo. Nokuti mambo weBabironi wakaŋga amire pamharadzano dzenzira, pakuʋamba kwenzira mbiri, kuti abvunze nokuʋuka; akazunuŋgusa miseʋe, akabvunza terafimi, ndokucerekedza ciropa. Muruʋoko rwake rworudyi makaŋga muneɀakaʋukwa pamsoro peJerusarema, kuti ʋaise ɀokugumura, ʋashamise muromo unoɗanira kuʋuraya, ʋaɗanidzire kwaɀo namanzwi, ʋaise ɀokugumura pamasuʋo, ʋatutire mirwi yokurwa, ʋaʋakire nhare dzokurwa. Asi ɀicaʋa kwaʋari sokuʋuka kwenhema pamberi paʋo, iʋo ʋakaʋapikira mhiko; asi iye ucaraŋgarira kusarurama kwaʋo, kuti ʋaɓatwe. Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀamakandiyeʋudzira ɀakaipa ɀenyu, kuɗarika kwenyu ɀakwakafukurwa, ɀiʋi ɀenyu ɀiciʋonekwa paneɀose ɀamunoita, ɀamakaraŋgarirwa, mucaɓatwa noruʋoko. Ɀino iwe, iwe wakaipa, wakakuʋadzwa ɀikuru, mucinda waIsraeri, wakaȿikirwa nezuʋa rako paŋguʋa yeɀakaipa ɀokupedzisira, ɀanzi naShe Jehova: Ŋgowani yoʋuprista inofanira kubva, korona inofanira kubva, haɀiŋgarambi ɀiri’po; kwiridzai ɀiri pasi, muɗeredze ɀiri kumsoro. Matoŋgo, matoŋgo, ndicaɀiita matoŋgo, neɀiɀi haɀiŋgarambi ɀiri’po, kuȿikira iye mŋene waɀo aciȿika; ndicamupa iye iɀo. Ɀino iwe mŋanakomana womunhu, ciprofita, uti: Ɀanzi naShe Jehova pamsoro paʋana ʋaAmoni, pamsoro pokushoʋorwa kwaʋo; iwe uti: Munondo, munondo wavomorwa, wabginyisirwa kuʋuraya, kuti upedze, uʋe semheni; ʋacikuʋonera ɀakaratidzwa ɀenhema, ʋacikuʋukira nhema, kuti uiswe pamitsipa yaʋakaipa ʋakakuʋadzwa ɀikuru, ʋaȿikirwa nezuʋa raʋo paŋguʋa yeɀakaipa ɀokupedzisira. Ŋgaudzoserwe mumuhara wawo. Apo pawakasikwa iwe, panyika yawakaɓerekerwa, ndi’po pandicakutoŋga. Ndicaɗurura kutsamŋa kwaŋgu pamsoro pako, ndicafuridzira pamsoro pako nomŋoto wehasha dzaŋgu, ndicakuisa mumaʋoko aʋanhu ʋanopeŋga, ʋanoziʋa kwaɀo kuparadza.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 21

Ezekieri 21:1-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)