Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 20:5-31

Ezekieri 20:5-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva randakasarudza Israeri, ndakapika ndakasimudzira ruoko kuzvizvarwa zveimba yaJakobho ndikazviratidza kwavari muIjipiti. Ndakasimudza ruoko rwangu, ndikati kwavari, “Ndini Jehovha Mwari wenyu.” Pazuva iro ndakapika kwavari kuti ndichavabudisa kubva munyika yeIjipiti ndigovapinza munyika yandakavatsvakira, nyika inoyerera mukaka nouchi, nyika yakanakisisa panyika dzose. Uye ndakati kwavari, “Mumwe nomumwe wenyu ngaarase zviumbwa zvenyu zvinonyangadza zvamakaringira kwazviri, uye murege kuzvisvibisa nezvifananidzo zveIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.” “ ‘Asi vakandimukira vakasada kunditeerera; havana kuda kurasa zvifananidzo zvavairingira kwazviri nameso avo, kana kusiya zvifananidzo zveIjipiti. Saka ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pavo muIjipiti. Asi nokuda kwezita rangu, ndakaita zvaichengetedza zita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi idzo dzamaigara pakati padzo uye avo vandakanga ndazviratidza pamberi pavo kuvaIsraeri nokuvabudisa kubva muIjipiti. Naizvozvo ndakavabudisa kubva muIjipiti ndikaenda navo kugwenga. Ndakavapa mitemo yangu ndikavazivisa mirayiro yangu, nokuti munhu achaiteerera achararama nayo. Uyezve ndakavapa maSabata angu sechiratidzo pakati pedu, kuti vagoziva kuti ini Jehovha ndini ndakavaita vatsvene. “ ‘Asi vanhu veIsraeri vakandimukira mugwenga. Havana kutevera mitemo yangu asi vakaramba mirayiro yangu, kunyange zvazvo munhu anoiteerera achizorarama nayo, uye vakazvidza chose maSabata angu. Saka ndakati kwavari ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo ndigovaparadza mugwenga. Asi nokuda kwezita rangu ndakaita zvaichengetedza zita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi idzo dzandakavabudisa kubva madziri pamberi padzo. Uyezve ndakavapikira mugwenga noruoko rwakasimudzwa ndichiti handizovaisi munyika yandakavapa, nyika inoyerera mukaka nouchi, nyika yakanakisisa panyika dzose, nokuti vakaramba mirayiro yangu uye havana kutevera mitemo yangu, vakasvibisa maSabata angu. Nokuti mwoyo yavo yakanga yakazvipira kuzvifananidzo zvavo. Kunyange zvakadaro hazvo, ndakavatarisa ndikavanzwira tsitsi ndikasavaparadza kana kuvapedza chose mugwenga. Ndakati kuvana vavo mugwenga, “Regai kutevera mitemo yamadzibaba enyu kana kuchengeta mirayiro yavo kana kuzvisvibisa nezvifananidzo zvavo. Ndini Jehovha Mwari wenyu; teverai mitemo yangu uye muchenjerere kuchengeta mirayiro yangu. Chengetai maSabata angu ave matsvene, kuti ave chiratidzo pakati pedu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.” “ ‘Asi vana vakandimukira: havana kutevera mitemo yangu, vakanga vasina kuchenjerera kuchengeta mirayiro yangu, kunyange zvazvo munhu anoiteerera achizorarama nayo, uye vakasvibisa maSabata angu. Saka ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo uye ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pavo mugwenga. Asi ndakadzora ruoko rwangu, uye nokuda kwezita rangu ndakaita zvairichengetedza kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi dzandakavabudisa pamberi padzo. Uyezve, ndakasimudza ruoko, ndikapika mugwenga kuti ndichavaparadzira pakati pendudzi uye ndigovadzingira kune dzimwe nyika, nokuti vakanga vasina kuteerera mirayiro yangu asi vakanga varamba mitemo yangu uye vakasvibisa maSabata angu, uye meso avo akachiva zvifananidzo zvamadzibaba avo. Ndakavapawo mitemo yakanga isina kunaka uye nemirayiro yavakanga vasingagoni kurarama nayo, ndakaita kuti vasvibiswe nezvipo zvavo, zvibayiro zvamatangwe ose, kuti ndivazadze nokutya kukuru kuti vagoziva kuti ndini Jehovha.’ “Naizvozvo, mwanakomana womunhu, taura kuvanhu veIsraeri uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muna izvozviwo madzibaba enyu akandimhura nokundisiya: Pandakavauyisa munyika yandakanga ndapika kuti ndichavapa uye vakaona chikomo chipi zvacho chakakwirira kana muti upi zvawo una mashizha, vakabayira zvibayiro zvavo ipapo, vakapa zvipiriso zvakanditsamwisa, vachipa zvinonhuhwira zvavo uye vakadurura zvipiriso zvavo zvinonwiwa ipapo. Ipapo ndakati kwavari: Ko, nzvimbo iyi yakakwirira yamunoenda kwairi ndeyei?’ ” (Zita rayo inonzi Bhama kusvikira zuva ranhasi.) “Naizvozvo uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muchazvisvibisa sezvakaita madzibaba enyu here nokuchiva zvifananidzo zvavo zvinonyangadza? Pamunopa zvipo zvenyu, zvibayiro zvavanakomana venyu mumoto, munoramba muchizvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira nhasi. Ini ndingatenda kubvunzwa nemi here imi imba yaIsraeri? Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handizombokutenderei kuti mundibvunze.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 20

Ezekieri 20:5-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, nezuva randakatsanangura Isiraeri, ndikasimudzira vana veimba yaJakobho ruoko rwangu, nokuzvizivisa kwavari munyika yeIjipiti, musi wandakavasimudzira ruoko rwangu,’ ndichiti, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu;’ nezuva iroro ndakavasimudzira ruoko rwangu, kuti ndichavabudisa munyika yeIjipiti ndivaise kunyika yandakavatsvakira, kunoyerera mukaka nouchi, iyo yaiva hukomba hwenyika dzose. Ndikati kwavari, ‘Rasai, mumwe nomumwe, zvinonyangadza zvameso ake, murege kuzvisvibisa nezvifananidzo zveIjipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu.’ Asi vakandimukira simba, vakaramba kunditeerera; havana kurasa, mumwe nomumwe wavo, zvinonyangadza meso avo, havana kusiya zvifananidzo zveIjipiti. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kuti ndipedze kutsamwa kwangu pamusoro pavo pakati penyika yeIjipiti. Asi ndakazviita nokuda kwezita rangu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi avanhu, mavakanga vagere, vandakazvizivisa kwavari pamberi pavo, ndichivabudisa munyika yeIjipiti. “Naizvozvo ndakavabudisa munyika yeIjipiti, ndikavaisa kurenje. “Ndikavapa mitemo yangu, nokuvaratidza zvandakarayira, zvinoti kana munhu achizviita ararame nazvo. Ndakavapawo maSabata angu, chive chiratidzo pakati pangu navo, kuti vazive kuti ndini Jehovha, ndinovaita vatsvene. Asi imba yaIsiraeri yakandimukira simba murenje; havana kufamba nemitemo yangu, vakaramba zvandakarayira, zvinoti kana munhu achizvichengeta, achararama nazvo; vakamhura zvikuru maSabata angu. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo murenje, kuti ndivapedze. Asi ndakazviita nokuda kwezita rangu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi andakavabudisa pamberi pawo. Ndakavasimudzirawo ruoko rwangu murenje, kuti handingavaisi kunyika yandakanga ndavapa, kunoerera mukaka nouchi, iyo yaiva hukomba hwenyika dzose; nokuti vakaramba zvandavakarayira, vakasafamba nemitemo yangu, vakamhura maSabata angu; nokuti mwoyo yavo yakatevera zvifananidzo zvavo. “Kunyange zvakadaro ziso rangu rakavapembedza, ndikasavaparadza, kana kuvapedza chose murenje. Ndikati kuvana vavo murenje, ‘Regai kufamba nemitemo yamadzibaba enyu, kana kuchengeta zvavakarayira, kana kuzvisvibisa nezvifananidzo zvenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu; fambai nemitemo yangu, muchengete zvandakarayira, muzviite; maSabata angu ngaave matsvene kwamuri; zvigova chiratidzo pakati pangu nemi, kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’ “Asi vana vakandimukira simba, havana kufamba nemitemo yangu, kana kuchengeta zvandakarayira kuti vazviite, zvinoti kana munhu akazviita, achararama nazvo; vakamhura maSabata angu. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kuti ndipedze kutsamwa kwangu pamusoro pavo murenje. Kunyange zvakadaro ndakadzosa ruoko rwangu, ndikaita nokuda kwezita rangu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi, andakavabudisa pamberi pawo. “Ndakavasimudzirawo ruoko rwangu murenje, kuti ndichavaparadzira pakati pamarudzi nokuvadzingira kunyika dzose; nokuti havana kuita zvandakavarayira, asi vakaramba mitemo yangu, nokumhura maSabata angu, meso avo akatarira zvifananidzo zvamadzibaba avo. Ndakavapawo mitemo yakanga isina kunaka, nezvakarayirwa zvavakanga vasingagoni kurarama nazvo; ndikavasvibisa nezvipo zvavo, zvavakapinza mumoto zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kuti ndivaparadze, vagoziva kuti ndini Jehovha. “Naizvozvo Mwanakomana womunhu, taura neimba yaIsiraeri, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, Madzibaba enyu akandimhurawo pachinhu ichi, kuti vakandidarikira.’ Nokuti ndakati ndavaisa kunyika, yandakavasimudzira ruoko kuti ndichavapa iyo, vakatsvaka zvikomo zvose zvirefu nemiti yose mikobvu, vakabayirapo zvibayiro zvavo, vakauyapo nezvipo zvavo zvainditsamwisa; ndipowo pavakaita hwema hwavo hunonhuwira, vakadururirapo zvipiriso zvavo zvinodururwa. “Ipapo ndikati kwavari, ‘Ko nzvimbo yakakwirira kwamunoenda, inoti kudiniko?’ Naizvozvo zita rayo rinonzi ‘Bhama’ kusvikira zuva ranhasi. Naizvozvo chiti kuimba yaIsiraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, ko munozvisvibisa sezvakaita madzibaba enyu here? Munopata muchitevera zvinonyangadza zvavo here? Kana muchiuya nezvipo zvenyu, kana muchipinza vanakomana venyu mumoto, munozvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira zuva ranhasi here? Zvino ndingabvunzwa nemi here, imi imba yaIsiraeri? Noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handidi kubvunzwa nemi

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 20

Ezekieri 20:5-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvanzi naTenzi Mwari, pazuva randakasarudza Isiraeri, ndakatsidza nemhiko kumbeu yemba yaJakobho ndichizvizivisa kwavari munyika yeIjipiti. Ndakatsidza nemhiko kwavari ndichiti ndini Tenzi, Mwari wenyu. Pazuva iroro ndakatsidza kwavari nemhiko kuti ndichavaburitsa munyika yeIjipiti ndichivaendesa kunyika yandakavatsvakira, nyika youchi nomukaka, nyika yakakurumbira kwazvo kupinda nyika dzose zvadzo. Izvozvo ndakavati kandai pasi zvinhu zvounyangadzi hwakan'ora zvamunofarira kuona nameso enyu ani naani zvake wenyu murege kuzvin'oresa nezvifananidzo zvokunamata zveIjipiti, ini ndini Tenzi, Mwari wenyu. Asi vakandipandukira vakarega kunditeerera. Mumwe nomumwe wavo haana kukanda pasi zvinhu zvinosemesa zvavaifarira kuona nameso avo kana kusiyana nezvifananidzo zvokunamata zveIjipiti. Ipapo ndakafunga zvokuvavirukira nehasha, ndipedzere hasha dzangu pavari mukati menyika yeIjipiti. Asi ndakaitira kuti zita rangu rirege kun'oreswa mumaziso avanhu vechirudzi mavakanga vagere nokuti ndakanga ndazvionesa kwavari ndichivazivisa kuti ndichazoburitsa vaIsiraeri munyika yeIjipiti. Ipapo ndakavaburitsa munyika yeIjipiti ndikavaunza murenje. Ndakavapa mirao yangu ndikavarayiridza mitemo yangu yokuti munhu anenge aichengeta ararame nayo. Ndakavapawo mazuva angu eSabata sechiratidzo pakati pangu navo kuti vazive kuti ini Tenzi, ndini ndinovaita kuti vave vatsvene. Asi imba yaIsiraeri yakandipandukira murenje. Havana kutevedza mirao yangu asi vakaramba mitemo yangu yokuti munhu anenge aichengeta anorarama nayo. Masabata angu vakan'oresa zvikuru. Ndipo pandakafunga zvokuti ndipedzere hasha dzangu pavari murenjemo kuti ndibva ndanyatsovatsakatisa. Asi ndakaitira kuti zita rangu rirege kun'oreswa mumaziso avanhu vechirudzi vakanga vaona nameso avo ndichivaburitsa. Uyewo ndakapika kwavari murenje nemhiko kuti handisi kuvasvitsa kunyika yandakanga ndavapa, nyika yakanaka nyika yomukaka nouchi nyika yakakurumbira kwazvo kupinda nyika dzose nokuti vakaramba zvirongwa zvangu vakarega kutevedza zvirevo zvangu vakan'oresa masabata angu nokuti vakanga vatorwa mwoyo nezvifananidzo zvavo zvokunamata. “Zvakadaro zvazvo ndakavaitira tsiye nyoro ndikarega kuvaparadza kana kubva ndanyatsovatsakatisa murenjemo. Ndakatiwo kuvana vavo murenje, musatevedze mirao yamadzibaba enyu kana kuteerera mitemo yavo kunyange kuzvin'oresa nezvifananidzo zvavo zvokunamata. Ini Tenzi, ndini Mwari wenyu, tevedzai mirao yangu muchenjerere kuteerera mitemo yangu muerese masabata angu kuitira kuti uve somucherechedzo pakati pangu nemi mugoziva kuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu. “Asi vana vavo vakandipandukira vakarega kutevedza mirao yangu uye havana kuitira mitemo yangu hanya yokuichengeta yokuti munhu anenge aichengeta anorarama nayo. Vakan'oresa masabata angu. Ndipo pandakafunga kuti ndivavirukire nehasha ndipedzere hasha dzangu pavari murenje imomo. Asi ndakadzora ruoko rwangu, ndichiitira kuti zita rangu rirege kun'oreswa mumaziso avanhu vechirudzi. Uyezve ndakavapikira murenje kuti ndichavaparadzira mukati memarudzi ndichivaendesa kudzinyika nokuti havana kuchengeta mitemo yangu asi kuti vakaramba mirao yangu vakan'oresa masabata angu izvozvo meso avo akanga angova pazvifananidzo zvokunamata zvamadzibaba avo. Uyewo ndakavapa mirao yakanga isina kunaka nemitemo yaiita kuti vatadze kuwana upenyu. Ndakavan'oresawo nezvipo zvavo izvozvo ndichiita kuti vapire nomoto somupiro matangwe avo ose echikomana kuitira kuti vadumbirwe nazvo. Ndakazviita kuti vazive kuti ini ndini Tenzi. “Naizvozvo iwe mwanakomana womunhu taurira imba yaIsiraeri uchivaudza kuti, zvanzi naTenzi Mwari hechinoi chimwezve chakaitwa namadzibaba enyu chokundishonha nokusatendeka kwandiri. Ndinodaro nokuti pandakavaunza munyika yandakatsidza kuzovapa vaiti vakangoona chikomo chirefu kana muti wakasvibira, ipapo vaibva vatopira zvibayiro zvavo vachipa mipiro yavo inotsamwisa vachipwitititsirapo zvavo zvinonhuwirira uye vachiteurira ipapo mipiro yavo yokuteura. (Ndakavati ndiko kui kunzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira kwamunoenda? Sakawo zita rapo rakanzi ‘Pakatunhumara.’ Kusvikira pari nhasi.) Nezvo chiti kumba yaIsiraeri, zvanzi naTenzi Mwari munodirei kuzvin'oresa sezvakaita madzibaba enyu muchiteterekera mutome kutevera unyangadzi hwavo hwakan'ora? Pamunopira zvipo zvenyu nokubayira vanakomana venyu sechibayiro pamoto muchizvin'oresa nezvifananidzo zvenyu zvose zvokunamata kusvikira pari nhasi. Pakadai ndipo here pamungazoda kundinzwa kuti ini ndinoti kudii, nhai imba yaIsiraeri? Hezvino ndakadai ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari, handidi zvangu kuti imi muzobvunza kuti munzwe kuti ini ndinoti kudii!

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 20

Ezekieri 20:5-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Nezuʋa randakasanaŋgura Israeri, ndikasimudzira ʋana ʋeimba yaJakobo ruʋoko rwaŋgu, nokuɀiziʋisa kwaʋari munyika yeEgipita, musi wandakaʋasimudzira ruʋoko rwaŋgu, ndiciti: Ndini Jehova Mŋari wenyu; nezuʋa iro ndakaʋasimudzira ruʋoko rwaŋgu, kuti ndicaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita ndiʋaise kunyika yandakaʋatȿakira, kunoyerera mukaka noʋuci, iyo yaiʋa ʋukomba bgenyika dzose. Ndikati kwaʋari: Rashai, mumŋe nomumŋe, ɀinonyaŋgadza ɀameso ake, murege kuɀiȿiɓisa neɀifananidzo ɀeEgipita; ndini Jehova Mŋari wenyu. Asi ʋakandimukira simba, ʋakaramba kunditerera; haʋana‐kurasha, mumŋe nomumŋe waʋo, ɀinonyaŋgadza ɀameso aʋo, haʋana‐kusiya ɀifananidzo ɀeEgipita. Ipapo ndakati ndicaɗurura hasha dzaŋgu pamsoro paʋo, kuti ndipedze kutsamŋa kwaŋgu pamsoro paʋo pakati penyika yeEgipita. Asi ndakaɀiita nokuɗa kwezita raŋgu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi aʋanhu, maʋakaŋga ʋagere, ʋandakaɀiziʋisa kwaʋari pamberi paʋo, ndiciʋaɓuɗisa munyika yeEgipita. Naiɀoɀo ndakaʋaɓuɗisa munyika yeEgipita, ndikaʋaisa kurenje. Ndikaʋapa mitemo yaŋgu, nokuʋaratidza ɀandakaraira, ɀinoti kana munhu aciɀiita ararame naɀo. Ndakaʋapa ʋo masaɓata aŋgu, ciʋe ciratidzo pakati paŋgu naʋo, kuti ʋaziʋe kuti ndini Jehova, unoʋaita ʋatȿene. Asi imba yaIsraeri yakandimukira simba murenje; haʋana‐kufamba nemitemo yaŋgu, ʋakaramba ɀandakaraira, ɀinoti kana munhu aciɀiceŋgeta, ucararama naɀo; ʋakamhura ɀikuru masaɓata aŋgu. Ipapo ndakati ndicaɗurura hasha dzaŋgu pamsoro paʋo murenje, kuti ndiʋapedze. Asi ndakaɀiita nokuɗa kwezita raŋgu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi andakaʋaɓuɗisa pamberi pawo. Ndakaʋasimudzira ʋo ruʋoko rwaŋgu parenje, kuti handiŋgaʋaisi kunyika yandakaŋga ndaʋapa, kunoyerera mukaka noʋuci, iyo yaiʋa ʋukomba bgenyika dzose; nokuti ʋakaramba ɀandakaraira, ʋakasafamba nemitemo yaŋgu, ʋakamhura masaɓata aŋgu; nokuti mŋoyo yaʋo yakateʋera ɀifananidzo ɀaʋo. Kunyaŋge ɀakaɗaro ziso raŋgu rakaʋapembedza, ndikasaʋaparadza, kana kuʋapedza cose parenje. Ndikati kuʋana ʋaʋo murenje: Regai kufamba nemitemo yamadziɓaɓa enyu, kana kuceŋgeta ɀaʋakaraira, kana kuɀiȿiɓisa neɀifananidzo ɀenyu. Ndini Jehova Mŋari wenyu; fambai nemitemo yaŋgu, muceŋgete ɀandakaraira, muɀiite; masaɓata aŋgu ŋgaaʋe matȿene kwamuri; ɀigoʋa ciratidzo pakati paŋgu nemi, kuti muziʋe kuti ndini Jehova Mŋari wenyu. Asi ʋana ʋakandimukira simba, haʋana‐kufamba nemitemo yaŋgu, kana kuceŋgeta ɀandakaraira kuti ʋaɀiite, ɀinoti kana munhu akaɀiita, ucararama naɀo; ʋakamhura masaɓata aŋgu. Ipapo ndakati ndicaɗurura hasha dzaŋgu pamsoro paʋo, kuti ndipedze kutsamŋa kwaŋgu pamsoro paʋo parenje. Kunyaŋge ɀakaɗaro ndakadzosa ruʋoko rwaŋgu, ndikaita nokuɗa kwezita raŋgu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi, andakaʋaɓuɗisa pamberi pawo. Ndakaʋasimudzira ʋo ruʋoko rwaŋgu parenje, kuti ndicaʋaparadzira pakati pamarudzi nokuʋadziŋgira kunyika dzose; nokuti haʋana‐kuita ɀandakaraira, asi ʋakaramba mitemo yaŋgu, nokumhura masaɓata aŋgu, meso aʋo akatarira ɀifananidzo ɀamadziɓaɓa aʋo. Ndakaʋapa ʋo mitemo yakaŋga isino‐kunaka, neɀakarairwa ɀaʋakaŋga ʋasiŋgagoni kurarama naɀo; ndikaʋaȿiɓisa neɀipo ɀaʋo, ɀaʋakapinza mumŋoto ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro, kuti ndiʋaparadze, ʋagoziʋa kuti ndini Jehova. Naiɀoɀo mŋanakomana womunhu, taura neimba yaIsraeri, uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Madziɓaɓa enyu akandimhura ʋo pacinhu ici, kuti ʋakandiɗarikira. Nokuti ndakati ndaʋaisa kunyika, yandakaʋasimudzira ruʋoko kuti ndicaʋapa iyo, ʋakatȿaka ɀikomo ɀose ɀirefu nemiti yose mikobvu, ʋakaɓayira’po ɀiɓayiro ɀaʋo, ʋakaʋuya’po neɀipo ɀaʋo ɀainditsamŋisa; ndi’po ʋo paʋakaita bgema bgaʋo ʋunonhuwira, ʋakaɗururira’po ɀipiriso ɀaʋo ɀinoɗururwa. Ipapo ndikati kwaʋari: Ko nɀimbo yakakwirira kwamunoenda, inoti kuɗiniko? Naiɀoɀo zita rayo rinonzi Bama kuȿikira zuʋa ranhasi. Naiɀoɀo citi kuimba yaIsraeri: Ɀanzi naShe Jehova: Ko munoɀiȿiɓisa seɀakaita madziɓaɓa enyu here? Munopata muciteʋera ɀinonyaŋgadza ɀaʋo here? Kana muciʋuya neɀipo ɀenyu, kana mucipinza ʋanakomana ʋenyu mumŋoto, munoɀiȿiɓisa neɀifananidzo ɀenyu kuȿikira zuʋa ranhasi here? Ɀino ndiŋgabvunzwa nemi here, imi imba yaIsraeri? Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova, handiɗi kubvunzwa nemi

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 20

Ezekieri 20:5-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)