Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 18:20 - Compare All Versions

Ezekieri 18:20 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mweya unotadza ndiwo uchafa. Mwanakomana haangagovani nababa vake pamhosva yavo, uye baba havangagovani mhosva yavo nomwanakomana. Kururama kwowakarurama kuchava pamusoro pake, uye kuipa kwowakaipa kuchava pamusoro powakaipa.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 18 BDSC

Ezekieri 18:20 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Munhu anotadza, ndiye achafa; mwanakomana haangavi nemhosva yezvakaipa zvababa vake, nababa havangavi nemhosva yezvakaipa zvomwanakomana wavo; kururama kwowakarurama kuchava pamusoro pake, nokuipa kwowakaipa kuchava pamusoro pake.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 18 SNA2002

Ezekieri 18:20 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Munhu anoita chitadzo ndiye anofanira kuti afe. Mwana haafaniri kutambudzika nokuda kwohwutadza hwababa vake kana babawo kutambudzika nokuta kweuipi hwemwana wake. Mururami achawana mubayiro woururami, muipi achiwanawo mubayiro wouipi.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 18 SCLBD

Ezekieri 18:20 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Mŋeya unotadza, ndiwo ucafa; mŋanakomana haaŋgaʋi nemhoȿa yeɀakaipa ɀaɓaɓa ʋake, naɓaɓa haʋaŋgaʋi nemhoȿa yeɀakaipa ɀomŋanakomana waʋo; kururama kwowakarurama kucaʋa pamsoro pake, nokuipa kwowakaipa kucaʋa pamsoro pake.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 18 SUB1949

Ezekieri 18:20 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Munhu anoita chitadzo ndiye anofanira kuti afe. Mwana haafaniri kutambudzika nokuda kwohwutadza hwababa vake kana babawo kutambudzika nokuta kweuipi hwemwana wake. Mururami achawana mubayiro woururami, muipi achiwanawo mubayiro wouipi.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 18 SCLB