Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 15:7 - Compare All Versions

Ezekieri 15:7 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ndicharinzira chiso changu kwavari kuti ndivarwise. Kunyange zvavo vakabuda mumoto, moto uchavaparadza. Uye pandinorinzira chiso changu kwavari kuti ndivarwise muchaziva kuti ndini Jehovha.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 15 BDSC

Ezekieri 15:7 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ndichavarinzira chiso changu ndivaitire zvakaipa; vakabuda pamoto, asi moto uchavapedza; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichivarinzira chiso changu ndivaitire zvakaipa.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 15 SNA2002

Ezekieri 15:7 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ndichaonana navo. Kunyange vakapunyuka moto, moto uchatovapisa chete, kana ndakatarisana navo kudaro, ndipo pamuchandiziva kuti ndini Tenzi.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 15 SCLBD

Ezekieri 15:7 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ndicaʋarinzira ciso caŋgu ndiʋaitire ɀakaipa; ʋakaɓuɗa pamŋoto, asi mŋoto ucaʋapedza; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndiciʋarinzira ciso caŋgu ndiʋaitire ɀakaipa.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 15 SUB1949

Ezekieri 15:7 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Ndichaonana navo. Kunyange vakapunyuka moto, moto uchatovapisa chete, kana ndakatarisana navo kudaro, ndipo pamuchandiziva kuti ndini Tenzi.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 15 SCLB