Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 14:3-4 - Compare All Versions

Ezekieri 14:3-4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Mwanakomana womunhu, ava vanhu vakaisa zvifananidzo mumwoyo yavo vakaisa zvigumbuso zvakaipa pamberi pavo. Ndingavatendera kuti vatombondibvunza here? Naizvozvo taura navo ugovaudza kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kana muIsraeri upi zvake akaisa zvifananidzo mumwoyo make uye akaisa chigumbuso chakaipa pamberi pake ndokuenda kumuprofita, ini Jehovha ndichamupindura pachangu zvinoenderana nokunamata kwake zvifananidzo zvake zvikuru.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 14 BDSC

Ezekieri 14:3-4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Mwanakomana womunhu, vanhu ava vakapinza zvifananidzo zvavo mumwoyo yavo, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvavo pamberi pavo; zvino ndingatongotenda kubvunzwa navo here? “Naizvozvo taura navo, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, munhu mumwe nomumwe weimba yaIsiraeri anopinza zvifananidzo zvake mumwoyo make, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvake pamberi pake, akauya kumuporofita, ini Jehovha ndichamupindura zvakafanira izvozvo, zvakafanira kuwanda kwezvifananidzo zvake

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 14 SNA2002

Ezekieri 14:3-4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Mŋanakomana womunhu, ʋanhu aʋa ʋakapinza ɀifananidzo ɀaʋo mumŋoyo yaʋo, nokuisa cigumbuso ceɀakaipa ɀaʋo pamberi paʋo; ɀino ndiŋgatoŋgotenda kubvunzwa naʋo here? Naiɀoɀo taura naʋo, uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Munhu mumŋe nomumŋe weimba yaIsraeri unopinza ɀifananidzo ɀake mumŋoyo make, nokuisa cigumbuso ceɀakaipa ɀake pamberi pake, akaʋuya kumuprofita, ini Jehova ndicamupindura ɀakafanira iɀoɀo, ɀakafanira kuwanda kweɀifananidzo ɀake

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 14 SUB1949

Ezekieri 14:3-4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

“Iwe mwanakomana womunhu varume ava vakatorwa mwoyo nezvifananidzo zvavo zvokunamata vakazviisira chibingamupinyi chouipi hwavo mberi kwavo. Ndipo pandingazorega here vachidai kuuya kuneni kuzonzwa kuti ndinoti kudii? Naizvozvo chivataurira uchivaudza kuti zvanzi naTenzi Mwari, ani zvake wemba yaIsiraeri anotorwa mwoyo nezvifananidzo zvokunamata zvake achizviisira chibingamupinyi chouipi hwake mberi kwake pedzezvo ouya kumuporofita, ini Tenzi ndini ndichamupa mhinduro iyeni zvichienderanawo nokuwanda kwezvifananidzo zvake zvokunamata.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 14 SCLB

Ezekieri 14:3-4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

“Iwe mwanakomana womunhu varume ava vakatorwa mwoyo nezvifananidzo zvavo zvokunamata vakazviisira chibingamupinyi chouipi hwavo mberi kwavo. Ndipo pandingazorega here vachidai kuuya kuneni kuzonzwa kuti ndinoti kudii? Naizvozvo chivataurira uchivaudza kuti zvanzi naTenzi Mwari, ani zvake wemba yaIsiraeri anotorwa mwoyo nezvifananidzo zvokunamata zvake achizviisira chibingamupinyi chouipi hwake mberi kwake pedzezvo ouya kumuporofita, ini Tenzi ndini ndichamupa mhinduro iyeni zvichienderanawo nokuwanda kwezvifananidzo zvake zvokunamata.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 14 SCLBD