Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 12:2 - Compare All Versions

Ezekieri 12:2 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Mwanakomana womunhu, iwe ugere pakati pavanhu vanondimukira. Vane meso okuona asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa asi havanzwi, nokuti vanhu vokumukira.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 12 BDSC

Ezekieri 12:2 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Mwanakomana womunhu, ugere pakati pavanhu veimba inondimukira simba, vana meso okuona, asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa, asi havanzwi; nokuti iimba inondimukira simba.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 12 SNA2002

Ezekieri 12:2 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

“Iwe mwanakomana womunhu unogara pakati pemba yavanhu vakapanduka vane meso okuonesa asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa asi havanzwi.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 12 SCLBD

Ezekieri 12:2 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Mŋanakomana womunhu, ugere pakati paʋanhu ʋeimba inondimukira simba, ʋanameso okuʋona, asi haʋaʋoni, ʋanenzeʋe dzokunzwa, asi haʋanzwi; nokuti iimba inondimukira simba.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 12 SUB1949

Ezekieri 12:2 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

“Iwe mwanakomana womunhu unogara pakati pemba yavanhu vakapanduka vane meso okuonesa asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa asi havanzwi.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 12 SCLB