Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 12:1-28

Ezekieri 12:1-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, iwe ugere pakati pavanhu vanondimukira. Vane meso okuona asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa asi havanzwi, nokuti vanhu vokumukira. “Naizvozvo, mwanakomana womunhu, rongedza midziyo yako utame uye utame masikati, vakakutarira, ubude ubve panzvimbo yauri uende kune imwe nzvimbo. Zvimwe vachanzwisisa, kunyange vari imba inondimukira. Masikati chaiwo, vakatarira, iwe budisa nhumbi dzako dzakarongedzerwa kutama. Ipapo panguva yamadekwana, ivo vakatarira, buda iwe sezvinoita vaya vanoenda muutapwa. Uboore masvingo vakatarira ugotora nhumbi dzako ubude napo. Udziise papfudzi rako ivo vakangotarisa ugobuda nadzo kwasviba. Ufukidze chiso chako kuti urege kuona nyika, nokuti ndakuita chiratidzo kuimba yaIsraeri.” Saka ndakaita sezvandakarayirwa. Panguva yamasikati ndakabudisa zvinhu zvangu zvarongedzerwa kutama. Zvino panguva yamadekwana ndakaboora masvingo namaoko angu. Ndakabudisa nhumbi dzangu kwasviba, ndakazvitakura pamapfudzi angu ivo vakangotarisa. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri panguva yamangwanani richiti, “Mwanakomana womunhu, imba iyo yokundimukira yaIsraeri haina kukubvunza here kuti, ‘Uri kuiteiko?’ “Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Chirevo ichi chinoreva muchinda weJerusarema neimba yose yaIsraeri iripo.’ Uti kwavari, ‘Ini ndiri chiratidzo kwamuri.’ “Sezvandakaita, ndizvo zvavachaitirwawo. Vachaenda kuutapwa senhapwa. “Muchinda ari pakati pavo achaisa zvinhu zvake papfudzi kwasviba agoenda, uye achaboorerwa buri rokubuda naro parusvingo. Achafukidza chiso chake kuitira kuti arege kuona nyika. Ndichamutambanudzira mumbure wangu, uye achabatwa mumusungo wangu; ndichamuendesa kuBhabhironi, nyika yavaKaradhea, asi haasi kuzoiona, uye ikoko ndiko kwaachafira. Ndichaparadzira kumhepo vose vakamupoteredza, vashandiri vake namauto ake, uye ndichavateverera nomunondo wakavhomorwa. “Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichavaparadzira pakati pendudzi ndigovaparadzira kunyika dzose. Asi ndichasiya vashoma vavo pamunondo, napanzara nedenda, kuitira kuti pakati pendudzi kwavachaenda zvimwe vangarangarira zvinyangadzo zvavo zvavakaita zvose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, udedere paunenge uchidya zvokudya zvako, uye udedere uye utye paunonwa mvura yako. Uti kuvanhu venyika, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavanogara muJerusarema uye nomunyika yaIsraeri: Vachadya zvokudya zvavo nokufunganya uye vachanwa mvura yavo vaora mwoyo, nokuti nyika yavo ichatorerwa zviri mairi nokuda kwechisimba chaavo vose vanogaramo. Maguta anogarwa navanhu achava matongo uye nyika ichaparadzwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, chirevo ichi chamunacho munyika yaIsraeri ndecheiko chinoti, ‘Mazuva ari kungopera uye zviratidzo zvose zvinongova pasina?’ Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichaita kuti chirevo ichi chigume, uye havachazochitauri muIsraeri.’ Uti kwavari, ‘Mazuva aswedera okuti zviratidzo zvose zvizadziswe. Nokuti hakuchazovazve nezviratidzo zvenhema kana kuvuka kunobata kumeso pakati pavanhu veIsraeri. Asi ini Jehovha ndichataura zvandichataura, uye zvichazadzisika zvisinganonoki. Nokuti pamazuva enyu, imi imba yokumukira, ndichazadzisa zvose zvandinotaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ” Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, imba yaIsraeri iri kuti, ‘Chiratidzo chaanoona ndechamakore mazhinji kubva iye zvino, uye anoprofita zvenguva inouya zviri kure.’ “Naizvozvo uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Hakuna shoko rangu richanonokazve; zvose zvandinoreva zvichazadzisika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 12

Ezekieri 12:1-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, “Mwanakomana womunhu, ugere pakati pavanhu veimba inondimukira simba, vana meso okuona, asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa, asi havanzwi; nokuti iimba inondimukira simba. “Naizvozvo iwe Mwanakomana womunhu, zvirongedzere nhumbi dzokutama nadzo, utame masikati, vachizviona; unofanira kutama uchibva panzvimbo yako uchienda kune imwe nzvimbo, vachizviona; zvimwe vangazofunga, kunyange iri imba inondimukira simba. “Unofanira kubudisa nhumbi dzako masikati vachizviona, dziite senhumbi dzokutama nadzo; zvino madekwana iwe umene unofanira kubuda vachizviona, sezvinoita vanhu kana votama. Zvino uboore rusvingo vachizviona, ubudise nhumbi dzako napo. Unofanira kudzitakura pafudzi rako vachizviona, ndokudzibudisa kwasviba; unofanira kufukidza chiso chako, kuti urege kuona zvenyika; nokuti ndakakuita chiratidzo kuimba yaIsiraeri.” Ini ndikaita sezvandakarayirwa; ndakabudisa nhumbi dzangu masikati, dzakaita senhumbi dzokutama nadzo, madekwana ndikabhovhora rusvingo noruoko rwangu; ndakadzibudisa kwasviba, ndikadzitakura pafudzi rangu vachizviona. Zvino mangwanani shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, “Mwanakomana womunhu, imba yaIsiraeri, iyo imba inondimukira, havana kuti kwauri, ‘Unoiteiko?’ Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, chirevo ichi chinoreva muchinda weJerusaremu neimba yose yaIsiraeri iri pakati pavo.’ Uti, ‘Ndini chiratidzo chenyu; sezvandakaita ini, ndizvo zvavachaitirwa ivo; vachatama vachitapwa.’ Muchinda ari pakati pavo achatakura nhumbi dzake pafudzi rake kwasviba, ndokubuda; vachabhovhora rusvingo kuti vadzibudise napo; achafukidza meso ake, nokuti haangaoni nyika nameso ake. Ndichakandawo mumbure wangu pamusoro pake, achabatwa mumusungo wangu; ndichamuisa Bhabhironi kunyika yavaKaradhea; asi haangaioni, kunyange zvakadaro achafirako. Ndichaparadzira kumhepo dzose vose vakamupoteredza vangamubatsira, namapoka ake ose ndichavavhomorera munondo ndichivateverera. “Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichivadzingira pakati pamarudzi, nokuvaparadzira kunyika dzose. Asi ndichapukunyusa vashoma vavo pamunondo nenzara nehosha yakaipa; kuti vandoparidza pakati pamarudzi kwavanosvika zvinonyangadza zvavo zvose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.” Shoko raJehovha rakasvikawo kwandiri, richiti, “Mwanakomana womunhu, idya zvokudya zvako nokubvunda nokunwa mvura yako nokudedera nokutya; uti kuvanhu venyika iyi, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavagere Jerusaremu nenyika yaIsiraeri, vachadya zvokudya zvavo vachitya nokunwa mvura yavo vachikanganiswa, kuti nyika yaro iitwe dongo, yatorerwa zvose zvayo, nemhaka yokuita nesimba yavose vanogaramo.’ Maguta anogarwa navanhu achaparadzwa, nenyika ichaitwa dongo; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, “Mwanakomana womunhu, tsumo ndeyeiko yamunayo munyika yaIsiraeri, inoti, ‘Mazuva anoramba achiwedzerwa, asi zvakaoneswa zvose hazviitiki?’ Naizvozvo vaudze, uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, ndichagumisa tsumo iyi, havangazobati nayo iri tsumo pakati paIsiraeri;’ asi uti kwavari, ‘Mazuva ava pedyo nokuitika kwezvose zvakaoneswa.’ Nokuti pakati peimba yaIsiraeri hapangazovi kuoneswa kwenhema kana kuporofita kunobata kumeso. “Nokuti ndini Jehovha; ndichataura, neshoko randichataura richaitika, haringazononoswi; nokuti pamazuva enyu, iwe imba inondimukira simba, ndichataura shoko nokuriitawo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, “Mwanakomana womunhu, tarira, veimba yaIsiraeri vanoti, ‘Zvaakaoneswa ndezvamazuva ari kure anozouya, anoporofita zvenguva dziri kure.’ Naizvozvo uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, hakuna shoko rimwe ramashoko angu richazononoka, asi shoko randichataura richaitika,’ ” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 12

Ezekieri 12:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu unogara pakati pemba yavanhu vakapanduka vane meso okuonesa asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa asi havanzwi. Nokuti ivo imba yakapanduka. Naizvozvo iwe mwanakomana womunhu zvigadzirire mutoro wenhapwa uende kuutapwa masikati machena vachiona. Unofanira kuenda senhapwa uchibva panzvimbo pako uchienda kune imwe nzvimbo ivo vachiona. Pamwe vanganzwisise kunyange vari imba yakapanduka. Unofanira kuburitsa midziyo yako semidziyo yenhapwa masikati machena ivo vachiona. Iwe unofanira kuzoenda kumanheru ivo vachiona sezvinoitwa navanhu vanenge vachienda kuutapwa. Unofanira kuzotiginura murusvingo ubude naipapo vakatarisa. Uchaisa mutoro wako pamafudzi vachiona wobuda wakatakura murima ufukidze uso hwako kuitira kuti urege kuona nyika nokuti ndakakuita chiratidzo kumba yaIsiraeri.” Saizvozvowo ndakaita sezvandakanga ndanzi ndiite ndikabuda nemidziyo yangu masikati machena semidziyo yenhapwa. Kuzoti mava mumanheru ndakatiginura namaoko angu ndikaboora rusvingo ndikabuda kunze murima ndakatakura nhumbi dzangu pamafudzi ivo vachiona. Mangwanani acho shoko raTenzi rakauya kwandiri rikati, “Nhai mwanakomana womunhu, handiti here iyo imba yaIsiraeri imba yevapanduki yakakubvunzaka kuti, chii chauri kuita? Wochivaudza kuti, zvanzi naTenzi Mwari, ichochi ichi chiratidzo chinonangana nejinda reJerusaremu nemba yose yaIsiraeri iri mukati mavo. Iti ndiri chiratidzo kwamuri. Sezvandangoita izvi ndozvavachaitwa ivo. Vachaenda senhapwa kuutapwa. Nairowo jinda riri pakati pavo richatakura midziyo yaro pamapfudzi murima roenda rigotiginura murusvingo rigobuda naipapo. Achafukidza uso kuitira kuti asve arega kuona nyika ino nameso ake. Ndichamukomba nomumbure wangu agobatwa neriva rangu ndigomuendesa kuBhabhironi kunyika yevaKaradhea, asi haasi kuzoiona, achafira ikoko. Uye ndichamwararisa kumativi mana emhepo vose zvavo vanogara vakamukomberedza namakurukota ake nezvikwata zvake zvehondo zvose. Ndichavati vateveranwe navo nebakatwa. “Vachaziva zvavo kuti ini ndini Tenzi pandinenge ndavamwararisa mukati memarudzi vachiti uyu kwake uyu kwake nomudzinyika. Asi ndichaita kuti katsama kavo kapunyuke kubakatwa nokushangwa yenzara nokudenda kuri kuitira kuti vareurure zvinhu zvavo zvose zvinosemesa mukati memarudzi kwavachaenda, vazivewo kuti ini ndini Tenzi.” Uyezve izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati, “Iwe mwanakomana womunhu idya chingwa chako uchidedera unwewo mvura uchigwagwadza nokutya. Utaure nezvevanhu venyika iyoyi kuti zvanzi naTenzi Mwari zvakanangana navagari veJerusaremu vari munyika yeIsiraeri vachadya chingwa chavo mukutya, mvura yavo vachainwa vakadumbirwa nokuti nyika yavo icharozvwa zvose zvainazvo ichiparirwa noutsinye hwavanhu vose vagere mairi. Ipapo maguta agere vanhu achasara angova maguta asisina chinhu, nyikawo ichasara yangova nyika isina chinhu. Ndipo pamuchaziva kuti ini ndini Tenzi.” Zvino shoko raTenzi rakauya kwandiri rikati, “Nhai iwe mwanakomana womunhu, itsumoi yamava kutaura nezvenyika yeIsiraeri yokuti, ‘Mazuva ari kuwanda aya, chiratidzo chose chose zvacho hapana chatinobura machiri?’ Saka naizvozvo chivaudza kuti zvanzi naTenzi Mwari tsumo iyoyi iyi ndichaimisa vagorega kuzomboishandisazve setsumo mukati meIsiraeri. Asi uvaudze kuti mazuva acho otosvika zvinorehwa nezviratidzo izvozvo zvose zvotoitika. Ndinodaro nokuti hapazova nechioneso chenhema kana zvokushopera zvinongobata vanhu kumeso mukati memba yaIsiraeri. Asi ini Tenzi ndichataura zvandinotaura zvichiitika, hazvichanonoka. Ndichataura chinhu chichiitika munguva yenyu iyoyo, imi imba yavapanduki.” Ndichati ndikataura chinhu chinobva chaiitika, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Shoko raTenzi rakauyazve kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu chinzwa, vemba yaIsiraeri vari kuti zviratidzo zvaanoona zvichatora mazuva chaizvo, zvamaporofita ndezvemazuva achiri kure kure. Naizvozvo chivataurira kuti, zvanzi naTenzi Mwari hapana chandichataura chichambononoka. Chandinenge ndataura chichabva chaitika,” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 12

Ezekieri 12:1-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti: Mŋanakomana womunhu, ugere pakati paʋanhu ʋeimba inondimukira simba, ʋanameso okuʋona, asi haʋaʋoni, ʋanenzeʋe dzokunzwa, asi haʋanzwi; nokuti iimba inondimukira simba. Naiɀoɀo iwe mŋanakomana womunhu, ɀiroŋgedzere nhumbi dzokutama nadzo, utame masikati, ʋaciɀiʋona; unofanira kutama ucibva panɀimbo yako ucienda kuneimŋe nɀimbo, ʋaciɀiʋona; ɀimŋe ʋaŋgazofuŋga, kunyaŋge iri imba inondimukira simba. Unofanira kuɓuɗisa nhumbi dzako masikati ʋaciɀiʋona, dziite senhumbi dzokutama nadzo; ɀino maɗekwana iwe umene unofanira kuɓuɗa ʋaciɀiʋona, seɀinoita ʋanhu kana ʋotama. Ɀino uɓoʋore ruȿiŋgo ʋaciɀiʋona, uɓuɗise nhumbi dzako napo. Unofanira kudzitakura pafudzi rako ʋaciɀiʋona, ndokudziɓuɗisa kwaȿiɓa; unofanira kufukidza ciso cako, kuti urege kuʋona ɀenyika; nokuti ndakakuita ciratidzo kuimba yaIsraeri. Ini ndikaita seɀandakarairwa; ndakaɓuɗisa nhumbi dzaŋgu masikati, dzakaita senhumbi dzokutama nadzo, maɗekwana ndikaɓoʋora ruȿiŋgo noruʋoko rwaŋgu; ndakadziɓuɗisa kwaȿiɓa, ndikadzitakura pafudzi raŋgu ʋaciɀiʋona. Ɀino maŋgwanani shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: Mŋanakomana womunhu, imba yaIsraeri, iyo imba inondimukira, haʋana‐kuti kwauri: Unoiteiko? Uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Cireʋo ici cinoreʋa mucinda weJerusarema neimba yose yaIsraeri iri pakati paʋo. Uti: Ndini ciratidzo cenyu; seɀandakaita ini, ndiɀo ɀaʋacaitirwa iʋo; ʋacatama ʋacitapxa. Mucinda uri pakati paʋo ucatakura nhumbi dzake pafudzi rake kwaȿiɓa, ndokuɓuɗa; ʋacaɓoʋora ruȿiŋgo kuti ʋadziɓuɗise napo; ucafukidza meso ake, nokuti haaŋgaʋoni nyika nameso ake. Ndicakanda ʋo mumbure waŋgu pamsoro pake, ucaɓatwa mumusuŋgo waŋgu; ndicamuisa Babironi kunyika yaʋaKardea; asi haaŋgaiʋoni, kunyaŋge ɀakaɗaro ucafira’ko. Ndicaparadzira kumhepo dzose ʋose ʋakamupoteredza ʋaŋgamuɓatsira, namapoka ake ose ndicaavomorera munondo ndiciʋateʋerera. Ipapo ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndiciʋadziŋgira pakati pamarudzi, nokuʋaparadzira kunyika dzose. Asi ndicapukunyusa ʋashoma ʋaʋo pamunondo nenzara nehosha yakaipa; kuti ʋandoparidza pakati pamarudzi kwaʋanoȿika ɀinonyaŋgadza ɀaʋo ɀose; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova. Shoko raJehova rakaȿika ʋo kwandiri, riciti: Mŋanakomana womunhu, idya ɀokudya ɀako nokubvunda nokunwa mvura yako nokuɗeɗera nokutya; uti kuʋanhu ʋenyika iyi: Ɀanzi naShe Jehova pamsoro paʋagere Jerusarema nenyika yaIsraeri: Ʋacadya ɀokudya ɀaʋo ʋacitya nokunwa mvura yaʋo ʋacikaŋganiswa, kuti nyika yaro iitwe ɗoŋgo, yatorerwa ɀose ɀayo, nemhaka yokuita nesimba yaʋose ʋanogara’mo. Maguta anogarwa naʋanhu acaparadzwa, nenyika icaitwa ɗoŋgo; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova. Shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: Mŋanakomana womunhu, shumo ndeyeiko yamunayo munyika yaIsraeri, inoti: Mazuʋa anoramba aciwedzerwa, asi ɀakaʋoneswa ɀose haɀiitiki? Naiɀoɀo ʋaʋudze, uti: Ɀanzi naShe Jehova: Ndicagumisa shumo iyi, haʋaŋgazoɓati nayo iri shumo pakati paIsraeri; asi uti kwaʋari: Mazuʋa aʋa pedyo nokuitika kweɀose ɀakaʋoneswa. Nokuti pakati peimba yaIsraeri hapaŋgazoʋi kuʋoneswa kwenhema kana kuʋuka kunoɓata kumeso. Nokuti ndini Jehova; ndicataura, neshoko randicataura ricaitika, hariŋgazononoswi; nokuti pamazuʋa enyu, iwe imba inondimukira simba, ndicataura shoko nokuriita ʋo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. Shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti: Mŋanakomana womunhu, tarira, ʋeimba yaIsraeri ʋanoti: Ɀaakaʋoneswa ndeɀamazuʋa ari kure anozoʋuya, unoprofita ɀeŋguʋa dziri kure. Naiɀoɀo uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Hakuneshoko rimŋe ramashoko aŋgu ricazononoswa, asi shoko randicataura ricaitika — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 12

Ezekieri 12:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)