Ezekieri 1:4-9
Ezekieri 1:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakatarira, ndikaona dutu remhepo richibva nechokumusoro, gore guru rine mheni yaipenya uye rakakomberedzwa nechiedza chaibwinya. Pakati pomoto paitarisika sedare rinopfuta, uye mumoto makanga mune zvakanga zvakaita sezvisikwa zvipenyu zvina. Pakuonekwa kwazvo, chimiro chazvo chakanga chiri chomunhu, asi chimwe nechimwe chazvo chakanga chine zviso zvina namapapiro mana. Makumbo azvo akanga akarurama; tsoka dzazvo dzakanga dzakaita sedzemhuru uye dzichipenya sendarira yakabwinyiswa. Zvakanga zvina maoko omunhu pasi pamapapiro azvo pamativi azvo mana. Zvose zviri zvina zvaiva nezviso namapapiro, uye mapapiro azvo aigunzvana. Chimwe nechimwe chazvo chaienda mberi chakarurama; zvakanga zvisingacheuki pakufamba kwazvo.
Ezekieri 1:4-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndikatarira, ndikaona dutu remhepo richibva kurutivi rwokumusoro, riri gore guru rinomoto wairamba uchipenya, rakakomberedzwa nokubwinya, nomukati maro, imo mukati momoto, mune chinhu chaipenya sedare. Zvino mukati mazvo mukabuda zvakanga zvakaita sezvipenyu zvina. Zvakanga zvakadai: Zvakanga zvakafanana nomunhu; chimwe nechimwe chaiva nezviso zvina, nechimwe nechimwe chazvo chaiva namapapiro mana. Makumbo azvo akanga akarurama, pasi petsoka dzadzo pakanga pakaita sapasi petsoka dzemhuru; dzaipenya sendarira yakabwinyiswa. Zvakanga zvina maoko omunhu pasi pamapapiro azvo kumativi azvo mana; zvose zviri zvina zvakanga zvakadai pazviso zvazvo namapapiro azvo: Mapapiro azvo akanga akabatana; hazvina kutsauka pakufamba kwazvo, asi chimwe nechimwe chairuramira mberi pakufamba kwacho.
Ezekieri 1:4-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakatarisa, onei hero dutu remhepo richibva kuchamhembe uye negore guru nomoto wainjenjema nechiedza chaipenya kwazvo kuritenderedza. Moto wairamba uchingovavaya, izvozvo mukati memoto makaita sendarira. Zvino mukati macho makabuda zvimwe zvinhu zvina zvakaita sezvisikwa zvipenyu. Chimiro chazvo chakanga chakadai seizvi, zvakanga zvakaita savanhu. Asi chimwe nechimwe chazvo chaiva nezviso zvina uye chimwe nechimwe chazvo chaiva namapapiro mana. Makumbo azvo aiva akati twasu uye tsoka dzamakumbo azvo dzakanga dzakaita samazondo emhuru dzichipenya sendarira yakakwenenzverwa. Pasi pamapapiro azvo, kumativi mana azvo, zvaiva namaoko omunhu. Pahuna hwazvo, uso hwazvo namapapiro azvo zvakanga zvakamira zvakadai sezvizvi: mapapiro azvo akanga akagumana chimwe nechimwe chazvo chaingofamba chakananga pachakananga chichienda chisingatsauki.
Ezekieri 1:4-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndikatarira, ndikaʋona ɗutu remhepo ricibva kurutiʋi rwokumsoro, riri gore guru rinomŋoto wairamba ucipenya, rakakomberedzwa nokubginya, nomukati maro, imo mukati momŋoto, munecinhu caipenya seɗare. Ɀino mukati maɀo mukaɓuɗa ɀakaŋga ɀakaita seɀipenyu ɀinna. Ɀakaŋga ɀakaɗai: Ɀakaŋga ɀakafanana nomunhu; cimŋe necimŋe caiʋa neɀiso ɀinna, necimŋe necimŋe caɀo caiʋa namapapiro manna. Makumbo aɀo akaŋga akarurama, pasi petsoka dzaɀo pakaŋga pakaita sapasi petsoka dzemhuru; dzaipenya sendarira yakabginyiswa. Ɀakaŋga ɀinamaʋoko omunhu pasi pamapapiro aɀo kumatiʋi aɀo manna; ɀose ɀiri ɀinna ɀakaŋga ɀakaɗai paɀiso ɀaɀo namapapiro aɀo: Mapapiro aɀo akaŋga akaɓatana; haɀina‐kutsauka pakufamba kwaɀo, asi cimŋe necimŋe cairuramira mberi pakufamba kwaco.
Ezekieri 1:4-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)