Ezekieri 1:10-11
Ezekieri 1:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zviso zvazvo zvairatidzika sezvizvi: chimwe nechimwe pauna hwazvo chaiva nechiso chomunhu, uye kurudyi, chimwe nechimwe chaiva nechiso cheshumba, uye kuruboshwe, chiso chenzombe; chimwe nechimwe chaiva nechiso chegondo. Ndizvo zvakanga zvakaita zviso zvazvo. Mapapiro azvo akanga akatambanudzirwa kumusoro; chimwe nechimwe chakanga china mapapiro maviri rimwe richigunzva bapiro rechimwe chisikwa kumativi ose, uye mapapiro maviri akafukidza muviri wacho.
Ezekieri 1:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana zviri zviso zvazvo pakuonekwa kwazvo, zvaiva nechiso chomunhu; zvose zviri zvina zvaiva nechiso cheshumba kurutivi rworudyi; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chenzombe kurutivi rworuboshwe; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chegondowo. Zviso zvazvo namapapiro azvo zvakanga zvakaparadzana kumusoro; mapapiro maviri echimwe nechimwe akanga akabatana, asi maviri akanga akafukidza muviri wazvo.
Ezekieri 1:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uso hwazvo hwaitarisika sezvizvi: chimwe nechimwe pahuna hwazvo, chaiva nouso hwomunhu. Pahuna hwazvo ihwohu zvaiva nouso hweshumba nechokurudyi kwazvo, zviri zvina kudaro zvaiva nouso hwemombe kuruboshwe uye pahuna hwazvo kudaro zviine uso hwegondo. Ndizvo zvakanga zvakaita uso hwazvo. Mapapiro azvo akanga akatambanudzirwa mudenga, chimwe, nechimwe, chezvisikwa izvozvo chaiva namapapiro maviri zvakagumana mapapiro izvozvo namamwe maviri zvakafukidza muviri wazvo.
Ezekieri 1:10-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana ɀiri ɀiso ɀaɀo pakuʋonekwa kwaɀo, ɀaiʋa neciso comunhu; ɀose ɀiri ɀinna ɀaiʋa neciso ceshumba kurutiʋi rworudyi; ɀose ɀiri ɀinna ɀaiʋa neciso cenzombe kurutiʋi rworuɓoshwe; ɀose ɀiri ɀinna ɀaiʋa neciso cegondo ʋo. Ɀiso ɀaɀo namapapiro aɀo ɀakaŋga ɀakaparadzana kumsoro; mapapiro maʋiri ecimŋe necimŋe akaŋga akaɓatana, asi maʋiri akaŋga akafukidza muʋiri waɀo.
Ezekieri 1:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)