Ekisodho 9:1-9
Ekisodho 9:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro undoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Mwari wavaHebheru: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata. Kana uchiramba kuti vaende uye ukaramba uchivadzivisa, ruoko rwaJehovha ruchauyisa hosha yakaipa pakati pezvipfuwo zvako zviri muminda napamusoro pamabhiza ako nembongoro dzako nengamera napamusoro pemombe dzako uye napamusoro pamakwai nembudzi. Asi Jehovha achaisa mutsauko pakati pezvipfuwo zveIsraeri nezveIjipiti, kuitira kuti parege kuva nezvipfuwo zvavaIsraeri zvichafa.’ ” Jehovha akatsaura nguva uye akati, “Mangwana Jehovha achaita izvi munyika.” Uye chifumi chamangwana Jehovha akazviita: Zvipfuwo zvose zvavaIjipita zvakafa, asi hapana kana chipfuwo chimwe chete chavaIsraeri chakafa. Faro akatuma vanhu kundoferefeta uye akawana kuti pakanga pasina kunyange chipfuwo chimwe chete chavaIsraeri chakanga chafa. Asi mwoyo wake wakanga uri mukukutu saka haana kutendera vanhu kuenda. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Torai tsama dzamadota kubva pachoto mugoita kuti Mozisi aakushe mumhepo pamberi paFaro. Richava guruva rakatsetseka pamusoro penyika yose yeIjipiti, uye mamota anoputika achamera pavanhu napazvipfuwo munyika yose.”
Ekisodho 9:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Pinda kuna Farao, undomuudza, uti, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.’ Nokuti kana ukaramba kuvatendera, ukaramba uchivadzivisa, tarira, ruoko rwaJehovha ruchava pamusoro pezvipfuwo zvako zviri kusango, napamusoro pamabhiza, napamusoro pembongoro, napamusoro pamangamera, napamusoro pemombe, napamusoro pezvipfuwo zviduku; hosha yakaipa kwazvo ichavapo. Jehovha acharaura zvipfuwo zvavaIsiraeri pazvipfuwo zvavaIjipiti; hapana chimwe chingafa pazvipfuwo zvose zvavaIsiraeri.” Zvino Jehovha akatara nguva akati, “Mangwana Jehovha achaita chinhu ichi munyika ino.” Fume mangwana Jehovha akaita chinhu ichocho, zvipfuwo zvose zveIjipiti zvikafa; asi pazvipfuwo zvavana vaIsiraeri hapana zvakafa, kunyange nechimwe chete. Farao akatuma vanhu, vakawana kuti pazvipfuwo zvavaIsiraeri hapana zvakafa, kunyange chimwe chete. Asi mwoyo waFarao wakava mukukutu, akasatendera vanhu kuenda. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi naAroni, “Torai tsama dzamadota echoto, Mosesi aakushire kudenga pamberi paFarao. Achashanduka guruva rakatsetseka panyika yose yeIjipiti, achiita mamota anoputika semhoni pavanhu napazvipfuwo zvose zveIjipiti.”
Ekisodho 9:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akati kuna Mosesi, “Enda kuna Farao uti kwaari, ‘Zvanzi naTenzi, Mwari wavaHebheru, rega vanhu vangu vaende, vandondinamata.’ Kana ukasavabvumidza, uchirambira zvako navo, ini Tenzi noruoko rwangu ndicharova nedenda rinorwadza kwazvo zvipfuwo zvako zvinoti, mabhiza namadhongi nengamera nemombe nembudzi nehwai. Asi ini Tenzi, handizoita kuzvipfuwo zvavaIsiraeri zvandichaita kuzvipfuwo zvavaIjipiti. Hapana kana chipfuwo chavaIsiraeri chichafa.” Tenzi akatema nguva yacho achiti, “Mangwana ndiro zuva randichaita izvozvo munyika ino.” Mangwana acho Tenzi akafumoita zvaakareva, mombe dzose dzavaIjipiti dzakapera kufa, asi mombe dzavaIsiraeri hapana kana imwechete yakafa. Farao akatuma vanhu kundoona mombe dzavaIsiraeri, wanei pasina kunyange neimwechete yadzo yakafa. Asi Farao akaramba akaomesa mwoyo, asingadi kuti vaIsiraeri vaende. Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Endai munokore dota muchoto, Mosesi arimwaye mudenga Farao achiona. Dota racho richambumuka richipararira nenyika yose yeIjipiti. Vanhu nezvipfuwo vachaita mamota anoputika achiita maronda anotyisa.”
Ekisodho 9:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Pinda kunaFarao, undomuʋudza, uti: Ɀanzi naJehova, Mŋari waʋaHeberu: Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda ʋandinamate. Nokuti kana ukaramba kuʋatendera, ukaramba uciʋadziʋisa, tarira, ruʋoko rwaJehova rucaʋa pamsoro peɀipfuwo ɀako ɀiri kusaŋgo, napamsoro pamabiza, napamsoro pemboŋgoro, napamsoro pamakamera, napamsoro peŋombe, napamsoro peɀipfuwo ɀiɗuku; hosha yakaipa kwaɀo icaʋa’po. Jehova ucaraʋura ɀipfuwo ɀaʋaIsraeri paɀipfuwo ɀaʋaEgipita; hapanecimŋe ciŋgafa paɀipfuwo ɀose ɀaʋaIsraeri. Ɀino Jehova akatara ŋguʋa, akati: Maŋgwana Jehova ucaita cinhu ici munyika ino. Fume maŋgwana Jehova akaita cinhu ico, ɀipfuwo ɀose ɀeEgipita ɀikafa; asi paɀipfuwo ɀaʋana ʋaIsraeri hapana‐ɀakafa, kunyaŋge necimŋe cete. Farao akatuma ʋanhu, ʋakawana kuti paɀipfuwo ɀaʋaIsraeri hapana‐ɀakafa, kunyaŋge necimŋe cete. Asi mŋoyo waFarao wakaʋa mukukutu, akasatendera ʋanhu kuenda. Ɀino Jehova akati kunaMosesi naAroni: Torai tsama dzamaɗota ecoto, Mosesi aakushire kuɗeŋga pamberi paFarao. Acashanduka guruʋa rakatsetseka panyika yose yeEgipita, aciita mamota anoputika semhoni paʋanhu napaɀipfuwo ɀose ɀeEgipita.
Ekisodho 9:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)