Ekisodho 7:9-10
Ekisodho 7:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Faro paanoti kwamuri, ‘Itai chiratidzo,’ ipapo uti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako uikande pasi pamberi paFaro,’ uye ichava nyoka.” Saka Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakandoita sezvavakarayirwa naJehovha. Aroni akakanda tsvimbo yake pasi pamberi paFaro namachinda ake, uye ikava nyoka.
Ekisodho 7:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Kana Farao achitaura nemi, akati, ‘Tiratidzei chinoshamisa,’ uti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako, uikandire pasi pamberi paFarao, ishanduke nyoka.’ ” Mosesi naAroni vakapinda kuna Farao, vakaita sezvavakarairwa naJehovha, Aroni akakandira tsvimbo pasi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, ikashanduka nyoka.
Ekisodho 7:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Kana Farao akati, ‘Itai chishamiso chinoratidza kuti matumwa naMwari,’ iwe iti Aroni akande tsvimbo yake pasi, isanduke igova nyoka, ipapo pana Farao achizviona.” Naizvozvo Mosesi naAroni vakaenda kuna Farao vakaita zvavakanga varayirwa naTenzi. Aroni akakanda tsvimbo yake pasi, tsvimbo ikasanduka ikava nyoka, Farao namachinda ake vachizviona.
Ekisodho 7:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana Farao acitaura nemi, akati: Tiratidzei cinoshamisa, uti kunaAroni: Tora tȿimbo yako, uikandire pasi pamberi paFarao, ishanduke nyoka. Mosesi naAroni ʋakapinda kunaFarao, ʋakaita seɀaʋakarairwa naJehova, Aroni akakandira tȿimbo yake pasi pamberi paFarao napamberi paʋaranda ʋake, ikashanduka nyoka.
Ekisodho 7:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)