Ekisodho 7:1-3
Ekisodho 7:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi. “Tarira, ndakuita saMwari kuna Faro, uye mukoma wako Aroni achava muprofita wako. Unofanira kutaura zvinhu zvose zvandinokurayira, uye mukoma wako Aroni anofanira kuudza Faro kuti arege vaIsraeri vabude munyika yake. Asi ndichaomesa mwoyo waFaro uye kunyange ndikawanza zviratidzo nezvishamiso zvangu muIjipiti
Ekisodho 7:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, ndakuita saMwari kuna Farao; Aroni, mukoma wako, achava muporofita wako. Taura zvose zvandinokuraira; Aroni, mukoma wako, achataura naFarao, kuti atendere vana vaIsiraeri, vabude munyika yake. Ini ndichaomesa mwoyo waFarao, ndichawanza zviratidzo zvangu nezvishamiso zvangu panyika yeIjipiti.
Ekisodho 7:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Ini ndakuita saMwari kuna Farao. Mukoma wako Aroni achava somuporofita wako. Iwe uchange uchitaurira mukoma wako Aroni zvose zvandinokuudza, iye achitaurirawo Farao, kuti arege vaIsiraeri vabude muIjipiti. Ini ndichaita kuti Farao aomese mwoyo wake zvokuti kunyange ndikaita zviratidzo nezvishamiso zvakawanda zvikadii zvazvo munyika yeIjipiti
Ekisodho 7:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova akati kunaMosesi: Tarira, ndakuita samŋari kunaFarao; Aroni, mukoma wako, ucaʋa muprofita wako. Taura ɀose ɀandinokuraira; Aroni, mukoma wako, ucataura naFarao, kuti atendere ʋana ʋaIsraeri, ʋaɓuɗe munyika yake. Ini ndicawomesa mŋoyo waFarao, ndicawanza ɀiratidzo ɀaŋgu neɀishamiso ɀaŋgu panyika yeEgipita.
Ekisodho 7:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)