Ekisodho 40:34-35
Ekisodho 40:34-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo gore rakafukidza Tende Rokusangana, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri. Mozisi haana kugona kupinda muTende Rokusangana nokuti gore rakanga ragara pariri, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri.
Ekisodho 40:34-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo gore rakafukidza tende rokusangana, kubwinya kwaJehovha kukazadza tabhenakeri. Mosesi akasagona kupinda mutende rokusangana, nokuti gore rakaramba rigere pamusoro paro uye kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza tabhenakeri.
Ekisodho 40:34-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo gore rakakwidibira tendhe rokusanganira, kupenya kwokuvapo kwaTenzi kukazadza tendhe rinoera. Mosesi haana kukwanisa kupinda mutendhe rokusanganira pamusana pegore rakanga rakati kwidiba pariri uyewo nokupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakanga kwakazadza tendhe rinoera.
Ekisodho 40:34-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo gore rakafukidza tente rokusoŋgana, kubginya kwaJehova kukazadza tabernakeri. Mosesi akasagona kupinda mutente rokusoŋgana, nokuti gore rakaramba rigere pamsoro paro ʋuye kubginya kwaJehova kwakaŋga kwazadza tabernakeri.
Ekisodho 40:34-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)