Ekisodho 32:1-8
Ekisodho 32:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
VaIsiraeri pavakaona kuti Mosesi agarisa muGomo reSinai anonoka kudzoka, vakaunganira Aroni vachiti, “Dai mukachitigadzirirawo vamwari vangatitungamirire nokuti zvaMosesi uyu, nyakutiburitsa muIjipiti, hatichamboziva kuti chii chakamuwira.” Aroni ndokuvati, “Endai mubvise mhete dzendarama dziri panzeve dzamadzimai enyu nedzavana venyu vakomana navasikana, muuye nadzo kwandiri.” Saka vanhu vose vakabvisa mhete dzavo dzendarama dzaiva panzeve dzavo vakauya nadzo kuna Aroni. Aroni akadzitambira akadzinyungurutsa, ndokugadzira nadzo chimhuru chendarama. Ivo ndokuti, “Onai vaIsiraeri! Havanoi vamwari venyu vakakuburitsai muIjipiti.” Aroni achiona izvi akavaka atari pamberi pechimhuru chiye, akadaidzira shoko rokuti, “Mangwana tichaitira Tenzi mabiko.” Mangwana acho vakafumouya nezvipfuwo, vakapira mipiro yokupisa, nemipiro yokuwadzana. Vanhu vakagara pasi vakadya, vakanwa, ndokusimuka votamba. Tenzi akati kuna Mosesi, “Chiburuka mugomo muno nokuti vanhu vako vawakaburitsa kunyika yeIjipiti vaipa, vaenda mutome; nokuti vachimbidzosiya gwara randakati vatevere. Vakatora ndarama vakagadzira chimhuru chavari kunamata. Vatopira handira yacho mipiro vachiti, ‘VaIsiraeri havanoi vamwari vedu vakatiburitsa munyika yeIjipiti.’ ”
Ekisodho 32:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu vakati vaona kuti Mozisi akanga anonoka kwazvo kuburuka kubva mugomo, vakaungana pana Aroni vakati, “Uya, tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari munhu uyu Mozisi akatibudisa muIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari.” Aroni akavapindura akati, “Bvisai mhete dzegoridhe dzakapfekwa navakadzi venyu, vanakomana venyu navanasikana venyu mugouya nadzo kwandiri.” Saka vanhu vose vakabvisa mhete dzavo vakauya nadzo kuna Aroni. Akatora zvavakamupa akaita nazvo chifananidzo chakaumbwa muchimiro chemhuru, achichiveza nembezo. Ipapo vakati, “Ava ndivo vamwari venyu, imi Israeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.” Aroni akati aona izvi, akavaka aritari pamberi pemhuru iya akazivisa vanhu kuti, “Mangwana kuchava nomutambo kuna Jehovha.” Saka zuva rakatevera vanhu vakamuka mangwanani vakabayira zvipiriso zvinopiswa uye vakapa zvipiriso zvokuwadzana. Shure kwaizvozvo vakagara pasi vakadya, vakanwa uye vakasimuka kuti vatambe. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Buruka, nokuti vanhu vako, vawakabudisa muIjipiti, vaora. Vakurumidza kutsauka pane zvandakavarayira uye vakazviitira chifananidzo chakavezwa muchimiro chemhuru. Vapfugamira pachiri uye vakabayira kwachiri uye vakati, ‘Ava ndivo vamwari venyu, imi vaIsraeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.’ ”
Ekisodho 32:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vanhu vakati vachiona kuti Mosesi wononoka kuburuka mugomo, vakaungana kuna Aroni, vakati kwaari, “Simuka, utiitire vamwari vangatitungamirira, nokuti kana ari Mosesi uyu, uya munhu wakatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi chakaitika naye.” Zvino Aroni akati kwavari, “Gurai zvindori zvendarama zviri panzeve dzavakadzi venyu nedzavanakomana venyu navanasikana venyu, muuye nazvo kwandiri.” Zvino vanhu vose vakagura zvindori zvendarama zvakanga zviri panzeve dzavo, vakauya nazvo kuna Aroni. Iye akazvigamuchira pamaoko avo, akazviveza nenhumbi yokuveza nayo, akaita nazvo mhuru yakaumbwa. Ivo vakati, “Ndivo vamwari venyu, imi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti.” Zvino Aroni wakati achizviona, akavaka atari pamberi payo, Aroni akadanidzira, akati, “Mangwana mutambo uchavapo kuna Jehovha.” Vakafumira mangwanani, vakapisira zvipiriso zvinopiswa, vakauyawo nezvipiriso zvokuyananisa, vanhu vakagara pasi, vakadya nokunwa, vakasimuka, vakatamba. Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, “Enda, buruka, nokuti vanhu vako, vawakabudisa munyika yeIjipiti, vazvitadzira. Vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira, vakazviitira mhuru yakaumbwa, vakainamata, vakaibayira zvibayiro, vachiti, ‘Ndivo vamwari venyu, imi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti.’ ”
Ekisodho 32:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaIsiraeri pavakaona kuti Mosesi agarisa muGomo reSinai anonoka kudzoka, vakaunganira Aroni vachiti, “Dai mukachitigadzirirawo vamwari vangatitungamirire nokuti zvaMosesi uyu, nyakutiburitsa muIjipiti, hatichamboziva kuti chii chakamuwira.” Aroni ndokuvati, “Endai mubvise mhete dzendarama dziri panzeve dzamadzimai enyu nedzavana venyu vakomana navasikana, muuye nadzo kwandiri.” Saka vanhu vose vakabvisa mhete dzavo dzendarama dzaiva panzeve dzavo vakauya nadzo kuna Aroni. Aroni akadzitambira akadzinyungurutsa, ndokugadzira nadzo chimhuru chendarama. Ivo ndokuti, “Onai vaIsiraeri! Havanoi vamwari venyu vakakuburitsai muIjipiti.” Aroni achiona izvi akavaka atari pamberi pechimhuru chiye, akadaidzira shoko rokuti, “Mangwana tichaitira Tenzi mabiko.” Mangwana acho vakafumouya nezvipfuwo, vakapira mipiro yokupisa, nemipiro yokuwadzana. Vanhu vakagara pasi vakadya, vakanwa, ndokusimuka votamba. Tenzi akati kuna Mosesi, “Chiburuka mugomo muno nokuti vanhu vako vawakaburitsa kunyika yeIjipiti vaipa, vaenda mutome; nokuti vachimbidzosiya gwara randakati vatevere. Vakatora ndarama vakagadzira chimhuru chavari kunamata. Vatopira handira yacho mipiro vachiti, ‘VaIsiraeri havanoi vamwari vedu vakatiburitsa munyika yeIjipiti.’ ”
Ekisodho 32:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋanhu ʋakati ʋaciʋona kuti Mosesi wononoka kuɓuruka mugomo, ʋakaʋuŋgana kunaAroni, ʋakati kwaari: Simuka, utiitire ʋamŋari ʋaŋgatituŋgamirira, nokuti kana ari Mosesi uyu, uya munhu wakatiɓuɗisa munyika yeEgipita, hatiziʋi cakaitika naye. Ɀino Aroni akati kwaʋari: Gurai ɀindori ɀendarama ɀiri panzeʋe dzaʋakadzi ʋenyu nedzaʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu, muʋuye naɀo kwandiri. Ɀino ʋanhu ʋose ʋakagura ɀindori ɀendarama ɀakaŋga ɀiri panzeʋe dzaʋo, ʋakaʋuya naɀo kunaAroni. Iye akaɀigamucira pamaʋoko aʋo, akaɀiʋeza nenhumbi yokuʋeza nayo, akaita naɀo mhuru yakaʋumbga. Iʋo ʋakati: Ndiʋo ʋamŋari ʋenyu, imi ʋaIsraeri, ʋakakuɓuɗisai munyika yeEgipita. Ɀino Aroni wakati aciɀiʋona, akaʋaka artari pamberi payo, Aroni akaɗanidzira, akati: Maŋgwana mutambo ucaʋa’po kunaJehova. Ʋakafumira maŋgwanani, ʋakapisira ɀipiriso ɀinopiswa, ʋakaʋuya ʋo neɀipiriso ɀokuyananisa, ʋanhu ʋakagara pasi, ʋakadya nokunwa, ʋakasimuka, ʋakatamba. Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: Enda, ɓuruka, nokuti ʋanhu ʋako, ʋawaɓuɗisa munyika yeEgipita, ʋaɀitadzira. Ʋakurumidza kutsauka panzira yandakaʋaraira, ʋakaɀiitira mhuru yakaʋumbga, ʋakainamata, ʋakaiɓayira ɀiɓayiro, ʋaciti: Ndiʋo ʋamŋari ʋenyu, imi ʋaIsraeri, ʋakakuɓuɗisai munyika yeEgipita.