Ekisodho 32:1
Ekisodho 32:1 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu vakati vaona kuti Mozisi akanga anonoka kwazvo kuburuka kubva mugomo, vakaungana pana Aroni vakati, “Uya, tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari munhu uyu Mozisi akatibudisa muIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari.”
Ekisodho 32:1 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vanhu vakati vachiona kuti Mosesi wononoka kuburuka mugomo, vakaungana kuna Aroni, vakati kwaari, “Simuka, utiitire vamwari vangatitungamirira, nokuti kana ari Mosesi uyu, uya munhu wakatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi chakaitika naye.”
Ekisodho 32:1 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaIsiraeri pavakaona kuti Mosesi agarisa muGomo reSinai anonoka kudzoka, vakaunganira Aroni vachiti, “Dai mukachitigadzirirawo vamwari vangatitungamirire nokuti zvaMosesi uyu, nyakutiburitsa muIjipiti, hatichamboziva kuti chii chakamuwira.”
Ekisodho 32:1 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋanhu ʋakati ʋaciʋona kuti Mosesi wononoka kuɓuruka mugomo, ʋakaʋuŋgana kunaAroni, ʋakati kwaari: Simuka, utiitire ʋamŋari ʋaŋgatituŋgamirira, nokuti kana ari Mosesi uyu, uya munhu wakatiɓuɗisa munyika yeEgipita, hatiziʋi cakaitika naye.
Ekisodho 32:1 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)