Ekisodho 31:6 - Compare All Versions
Ekisodho 31:6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro paizvozvo ndakagadza Ohoriabhi mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, kuti amubatsire. “Uyezve ndapa unyanzvi kumhizha kuti vaite zvinhu zvose zvandakakurayira zvinoti
Ekisodho 31:6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye ini, tarira ndakagadza pamwechete naye Ohoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani; nomumwoyo yavose vane mwoyo yakangwara ndakaisa uchenjeri, kuti vaite zvose zvandakakuraira
Ekisodho 31:6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ʋuye ini, tarira ndakagadza pamŋe cete naye Ohoriabi, mŋanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDani; nomumŋoyo yaʋose ʋanemŋoyo yakaŋgwara ndakaisa ʋucenjeri, kuti ʋaite ɀose ɀandakakuraira
Ekisodho 31:6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndasarudzawo Ohoriabhu mwanakomana waAhisamaki, wedzinza rokwaDhani kuti abatsirane naBhezareri. Ndapa dzimwe mhizha ungwaru hwokuti dzigone kugadzira zvose zvandakarayira kuti zviitwe zvinoti
Ekisodho 31:6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Ndasarudzawo Ohoriabhu mwanakomana waAhisamaki, wedzinza rokwaDhani kuti abatsirane naBhezareri. Ndapa dzimwe mhizha ungwaru hwokuti dzigone kugadzira zvose zvandakarayira kuti zviitwe zvinoti