Ekisodho 3:9-14
Ekisodho 3:9-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye zvino kuchema kwavaIsraeri kwasvika kwandiri, uye ndaona nzira yavanotambudzwa nayo navaIjipita. Saka chienda, zvino, ndiri kukutuma kuna Faro kuti undobudisa vanhu vangu vaIsraeri kubva muIjipiti.” Asi Mozisi akati kuna Mwari, “Ndini aniko ini kuti ndiende kuna Faro kuti ndinobudisa vaIsraeri kubva muIjipiti?” Uye Mwari akati, “Ndichava newe. Uye ichi chichava chiratidzo kwauri chokuti ndini ndakutuma: Paunenge wabudisa vanhu kubva muIjipiti, muchanamata Mwari pagomo rino.” Mozisi akati kuna Mwari, “Ko, kana ndikaenda kuvaIsraeri uye ndikanoti kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri,’ uye ivo vakandibvunza kuti, ‘Zita rake ndiani?’ ipapo ndichavaudzeiko?” Mwari akati kuna Mozisi, “NDIRI WANDIRI. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuvaIsraeri: ‘NDIRI’ andituma kwamuri.”
Ekisodho 3:9-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino tarira, kuchema kwavana vaIsiraeri kwasvika kwandiri, ndaona kutambudzwa kwavanotambudzwa nako navaIjipiti. Naizvozvo zvino uya ndikutume kuna Farao, kuti undobudisa vanhu vangu, vana vaIsiraeri muIjipiti.” Zvino Mosesi akati kuna Mwari, “Ini ndini aniko, kuti ndiende kuna Farao, ndibudise vana vaIsiraeri muIjipiti here?” Akati, “Zvirokwazvo ndichava newe; hechi chiratidzo chokuti ndakutuma: Kana mabudisa vanhu vangu muIjipiti, muchanamata Mwari pagomo rino.” Ipapo Mosesi akati kuna Mwari, “Tarirai, kana ndikasvika kuvana vaIsiraeri, ndikati kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu akandituma kwamuri,’ ivo vakati kwandiri, ‘Ko zita rake ndiani?’ Ndichatiyi kwavari?” Mwari akati kuna Mosesi, “NDICHAVA IYE WANDICHAVA.” Akati, “Unoti kuvana vaIsiraeri, ‘NDICHAVA ndiye akandituma kwamuri.’ ”
Ekisodho 3:9-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino chinzwa, kuchema kwevaIsiraeri ndakunzwa, uye ndaona kutambudzwa kwavari kuitwa navaIjipiti. Saka zvino chiuya ndikutume kuna Farao, kundoburitsa vanhu vangu vaIsiraeri muIjipiti.” Asi Mosesi akati kuna Mwari, “Pangu pano! Ndiri aniwo zvangu ndingabva ndaenda kuna Farao kundoburitsa vaIsiraeri muIjipiti?” Mwari akati, “Ini ndichava newe. Hechino chiratidzo chinoratidza kuti ndini ndakutuma. Kana wandoburitsa vanhu vangu muIjipiti, muchauya monamateni Mwari pano pagomo rino irori.” Mosesi ndokuti kuna Mwari, “Hongu kuenda kuvaIsiraeri ndingaende zvangu ndichisvikovaudza kuti Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri. Ko vakandibvunza kuti, ‘Zita raMwari iyeyo ndiani?’ Ndichavapindura ndichiti kudii?” Mwari akapindura Mosesi achiti, “Ndiri iye wandiri. Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ndiri ndiye andituma kwamuri.”
Ekisodho 3:9-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino tarira, kucema kwaʋana ʋaIsraeri kwakaȿika kwandiri, ndaʋona kutambudzwa kwaʋanotambudzwa nako naʋaEgipita. Naiɀoɀo ɀino ʋuya ndikutume kunaFarao, kuti undoɓuɗisa ʋanhu ʋaŋgu, ʋana ʋaIsraeri muEgipita. Ɀino Mosesi akati kunaMŋari: Ini ndini aniko, kuti ndiende kunaFarao, ndiɓuɗise ʋana ʋaIsraeri muEgipita here? Akati: Ɀirokwaɀo ndicaʋa newe; heci ciratidzo cokuti ndakutuma: Kana maɓuɗisa ʋanhu ʋaŋgu muEgipita, mucanamata Mŋari pagomo rino. Ipapo Mosesi akati kunaMŋari: Tarirai, kana ndikaȿika kuʋana ʋaIsraeri, ndikati kwaʋari: Mŋari wamadziɓaɓa enyu wakandituma kwamuri, iʋo ʋakati kwandiri: Ko zita rake ndiani? ndicatiyi kwaʋari? Mŋari akati kunaMosesi: NDICAƲA IYE WANDICAƲA. Akati: Undoti kuʋana ʋaIsraeri: NDICAƲA ndiye wakandituma kwamuri.
Ekisodho 3:9-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)