Ekisodho 3:7-8
Ekisodho 3:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mŋari akati: Ɀirokwaɀo, ndakaʋona kunetswa kwaʋanhu ʋaŋgu ʋari muEgipita, ndikanzwa kuɗanidzira kwaʋo nokuɗa kwaʋatariri ʋaʋo ʋamaɓasa; nokuti ndinoziʋa kucema kwaʋo; ndaɓuruka kuti ndiʋarwire mumaʋoko aʋaEgipita nokuʋaɓuɗisa munyika iyo, ndindoʋaisa kunyika yakanaka huru, kunyika inoyerera mukaka noʋuci; uko kunogara ʋaKanani, naʋaHeti, naʋaAmori, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi.
Ekisodho 3:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndaona kutambudzika kwavanhu vangu muIjipiti. Ndanzwa kuchema kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa, uye ndinoziva kutambudzika kwavo. Saka ndaburuka kuti ndivanunure vabve muruoko rwavaIjipita uye kuti ndivabudise munyika iyo ndivaise kunyika yakanaka uye yakakura, nyika inoyerera mukaka nouchi, nzvimbo yavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi.
Ekisodho 3:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mwari akati, “Zvirokwazvo, ndakaona kunetswa kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndikanzwa kudanidzira kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa; nokuti ndinoziva kuchema kwavo; ndaburuka kuti ndivarwire mumaoko avaIjipiti nokuvabudisa munyika iyoyo, ndindovaisa kunyika yakanaka huru, kunyika inoyerera mukaka nouchi; uko kunogara vaKenani, navaHeti, navaAmori, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi.
Ekisodho 3:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi ndokuti, “Ndanyatsoona kutambudzwa kwavanhu vangu vari muIjipiti. Ndanzwa kuchema kwavo nokuti vari kuoneswa nhamo navanhu vari kuvashandisa. Ndinoziva nhamo dzavo dzose. Zvino ndaburuka kuzovanunura mumaoko evaIjipiti. Ndichavabvisa muIjipiti ndichindovaisa kunyika huru yakanaka, nyika yomukaka nouchi, kunyika yavaKanani navaHiti navaAmori navaPerizi navaHivhi navaJebhusi.
Ekisodho 3:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mŋari akati: Ɀirokwaɀo, ndakaʋona kunetswa kwaʋanhu ʋaŋgu ʋari muEgipita, ndikanzwa kuɗanidzira kwaʋo nokuɗa kwaʋatariri ʋaʋo ʋamaɓasa; nokuti ndinoziʋa kucema kwaʋo; ndaɓuruka kuti ndiʋarwire mumaʋoko aʋaEgipita nokuʋaɓuɗisa munyika iyo, ndindoʋaisa kunyika yakanaka huru, kunyika inoyerera mukaka noʋuci; uko kunogara ʋaKanani, naʋaHeti, naʋaAmori, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi.
Ekisodho 3:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)