Ekisodho 3:2-4
Ekisodho 3:2-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ikoko, mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumarimi omoto aiva mugwenzi. Mozisi akaona kuti kunyange zvazvo gwenzi rakanga richipfuta, rakanga risingatsvi. Saka Mozisi akafunga akati, “Ndichaenda apo ndinoona chishamiso ichi, kuti seiko gwenzi risingatsvi.” Jehovha akati aona kuti akanga aendako kuti andoona, Mwari akadana kwaari kubva mugwenzi akati, “Mozisi! Mozisi!” Uye Mozisi akati, “Ndiri pano hangu.”
Ekisodho 3:2-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumurazvo womoto pakati pegwenzi; akatarira, akaona gwenzi richipfuta nomoto, asi rakanga risingatsvi. Mosesi akati, “Regai, nditsaukire ndione chishamiso icho chikuru, kuti gwenzi haritsvi neiko.” Zvino Jehovha akati achiona kuti wotsaukira kuti aone, Mwari akadana ari mukati megwenzi, akati, “Mosesi, Mosesi!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.”
Ekisodho 3:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo mutumwa waTenzi akazviratidza ari murimi romoto raiva mugwenzi. Mosesi akatarira akaona kuti gwenzi raibvira moto, asi rakanga risingaroti. Mosesi ndokuti, “Regai ndiendepo ndione chishamiso chikuru chakadai chokuti seiko gwenzi richibvira moto asi risingabva rarota.” Tenzi paakaona kuti Mosesi ari kuswederapo kuzoona, Mwari akadaidzira kwaari ari mugwenzi iroro achiti, “Mosesi! Mosesi!” Iye akati, “Ndiri pano!”
Ekisodho 3:2-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo mutumŋa waJehova akaɀiratidza kwaari mumuraɀo womŋoto pakati pegwenzi; akatarira, akaʋona gwenzi ricipfuta nomŋoto, asi rakaŋga risiŋgatȿi. Mosesi akati: Regai, nditsaukire ndiʋone cishamiso ico cikuru, kuti gwenzi haritȿi neiko. Ɀino Jehova wakati aciʋona kuti wotsaukira kuti aʋone, Mŋari akaɗana ari mukati megwenzi, akati: Mosesi, Mosesi! Iye akati: Ndiri pano haŋgu.
Ekisodho 3:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)