Ekisodho 3:1-6
Ekisodho 3:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Mozisi akanga achifudza makwai aJeturo tezvara wake, muprista weMidhiani, uye akatungamirira makwai kurutivi rwuri kure mugwenga akasvika kuHorebhi, gomo raMwari. Ikoko, mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumarimi omoto aiva mugwenzi. Mozisi akaona kuti kunyange zvazvo gwenzi rakanga richipfuta, rakanga risingatsvi. Saka Mozisi akafunga akati, “Ndichaenda apo ndinoona chishamiso ichi, kuti seiko gwenzi risingatsvi.” Jehovha akati aona kuti akanga aendako kuti andoona, Mwari akadana kwaari kubva mugwenzi akati, “Mozisi! Mozisi!” Uye Mozisi akati, “Ndiri pano hangu.” Mwari akati, “Usaswedera pedyo. Bvisa shangu dzako nokuti nzvimbo yaumire itsvene.” Ipapo akati, “Ndini Mwari wababa vako, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka naMwari waJakobho.” Uye Mozisi akafukidza chiso chake, nokuti akanga achitya kutarisa Mwari.

Ekisodho 3:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi akanga achifudza makwai aJeturo, mukarabwe wake, mupristi weMidhiani; akaisa makwai mberi murenje, akasvika kugomo raMwari rinonzi Horebi. Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumurazvo womoto pakati pegwenzi; akatarira, akaona gwenzi richipfuta nomoto, asi rakanga risingatsvi. Mosesi akati, “Regai, nditsaukire ndione chishamiso icho chikuru, kuti gwenzi haritsvi neiko.” Zvino Jehovha akati achiona kuti wotsaukira kuti aone, Mwari akadana ari mukati megwenzi, akati, “Mosesi, Mosesi!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.” Akati, “Usaswedera pano; bvisa shangu dzako patsoka dzako, nokuti paumire patsvene.” Akatiwo, “Ndini Mwari wababa vako, naMwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.” Mosesi akavanza chiso chake, nokuti akatya kutarira Mwari.
Ekisodho 3:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi aifudza hwai nembudzi dzavatezvara vake vainzi vaJetero vaiva mupristi wokuMidhiani. Rimwe zuva Mosesi akaenda nezvipfuwo izvozvo kumadokero kwerenje akandosvika kugomo raMwari rinonzi Horebhu. Ipapo mutumwa waTenzi akazviratidza ari murimi romoto raiva mugwenzi. Mosesi akatarira akaona kuti gwenzi raibvira moto, asi rakanga risingaroti. Mosesi ndokuti, “Regai ndiendepo ndione chishamiso chikuru chakadai chokuti seiko gwenzi richibvira moto asi risingabva rarota.” Tenzi paakaona kuti Mosesi ari kuswederapo kuzoona, Mwari akadaidzira kwaari ari mugwenzi iroro achiti, “Mosesi! Mosesi!” Iye akati, “Ndiri pano!” Mwari ndokuti, “Rega kuswedera pedyo. Chitobvisa shangu dzako nokuti paumire ipapo inzvimbo inoera. Ndini Mwari wamadzitateguru ako. Ndini Mwari waAbhurahamu, ndini Mwari waIsaki, ndini Mwari waJakobho.” Mosesi akabva afukidza chiso chake achitya kutarisa Mwari.
Ekisodho 3:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mosesi wakaŋga acifudza makwai aJetero, mukarabga wake, muprista weMidiani; akaisa makwai mberi murenje, akaȿika kugomo raMŋari rinonzi Horebi. Ipapo mutumŋa waJehova akaɀiratidza kwaari mumuraɀo womŋoto pakati pegwenzi; akatarira, akaʋona gwenzi ricipfuta nomŋoto, asi rakaŋga risiŋgatȿi. Mosesi akati: Regai, nditsaukire ndiʋone cishamiso ico cikuru, kuti gwenzi haritȿi neiko. Ɀino Jehova wakati aciʋona kuti wotsaukira kuti aʋone, Mŋari akaɗana ari mukati megwenzi, akati: Mosesi, Mosesi! Iye akati: Ndiri pano haŋgu. Akati: Usasweɗera pano; bvisa shaŋgu dzako patsoka dzako, nokuti paumire patȿene. Akati ʋo: Ndini Mŋari waɓaɓa ʋako, naMŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo. Mosesi akaʋanza ciso cake, nokuti wakatya kutarira Mŋari.
Ekisodho 3:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)