Ekisodho 27:1-8
Ekisodho 27:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Uvake aritari yamatanda omuunga, makubhiti matatu pakukwirira kwayo; inofanira kuva namativi mana akaenzana, kureba kwayo makubhiti mashanu uye upamhi hwayo makubhiti mashanu. Uite runyanga pamakona ayo mana, kuti nyanga nearitari zvive chinhu chimwe, uye ufukidze aritari nendarira. Uite midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo dzokubvisisa madota, uye foshoro dzayo, mbiya dzokusasa nadzo, zvibayiso zvenyama nemakango apamoto. Uyiitire chiparo, sefa yendarira, uye ugoita mhete yendarira pakona imwe neimwe yesefa. Uchiise pasi pechitsiko chearitari kuitira kuti chive pakati nepakati pearitari. Uitire aritari matanda omuunga uye ugoafukidza nendarira. Matanda aya anofanira kupinzwa mukati memhete kuti agova kumativi maviri earitari painenge yotakurwa. Uite aritari namapuranga, isina chinhu mukati mayo. Inofanira kugadzirwa sokuratidzwa kwawakaitwa pagomo.
Ekisodho 27:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Unofanira kuita atari nomuakasia; kureba kwayo makubhiti mashanu, noupamhi hwayo makubhiti mashanu; atari ngaive nenhivi ina dzakaenzana; kukwirira kwayo ngakuve makubhiti matatu. Uitewo nyanga dzayo pamakona ayo mana; nyanga dzayo dzive chinhu chimwe nayo; uifukidze nendarira. Uiitire hari dzokubvisa madota ayo, nefoshoro dzayo, nemidziyo yayo, nezvikokonho zvenyama, nezvaenga zvomoto; midziyo yayo yose unofanira kuiita nendarira. Unofanira kuiitirawo chakarukwa chendarira chakarukwa samambure; pamambure uite zvindori zvina zvendarira pamakona awo mana. Uzviise pasi pechitsiko cheatari chakaipotedza nechenyasi, kuti mambure asvikire pakati peatari. Uitire atari matanda omuakasia, ugoafukidza nendarira. Matanda iwayo aiswe muzvindori, matanda agova panhivi mbiri dzeatari kana voitakura. Uiite namapuranga, isava nechinhu mukati, sezvawakaratidzwa mugomo, uiite saizvozvo.
Ekisodho 27:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Unofanira kuita atari namapango omuunga akavezwa. Kureba kwayo ngakuite mamita maviri ana masendimita makumi maviri, upamhi hwayo huve mamita maviri ane masendimita makumi maviri, kukwira kwayo kuve mita imwechete ina masendimita makumi matatu. Mativi mana eatari iyoyo ngaave akaenzana. Unofanira kuveza zvinenge nyanga zvina zvepamusoro pemakona mana eatari, izvozvo ngazvive zvakavezwa zvakabatana neatari iyoyo. Atari ngainamirirwe noutare hwendarira. Wozogadzirawo migomo yokubvisira dota, namafoshoro nembenge namaforogo okubayisa nyama namagwati okugokesa moto. Unofanira kugadzira midziyo iyoyi yose nendarira. Uyezve uigadzirire sefa yendarira. Pasefa iyoyo isa maringi mana endarira pamakona ayo mana, uiise nechepasi pomupendero wapamusoro peatari, irembere zvokusvika pakati napakati peatari. Unofanira kuveza mapango omuunga epaatari, anamirirwe nendarira. Pakutakura atari, mapango iwayo ndookuitakurisa, ngaapfekerwe mumaringi ari mumativi ayo maviri akati uku rimwe uku rimwe. Atari ngaigadzirwe namapuranga iine zimhango risina chinhu. Ngaiitwe sezvawaratidzwa mugomo.
Ekisodho 27:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unofanira kuita artari nomuakasia; kureɓa kwayo makubiti mashanu, noʋupamhi bgayo makubiti mashanu; artari ŋgaiʋe nenhiʋi inna dzakaenzana; kukwirira kwayo ŋgakuʋe makubiti matatu. Uite ʋo nyaŋga dzayo pamakona ayo manna; nyaŋga dzayo dziʋe cinhu cimŋe nayo; uifukidze nendarira. Uiitire hari dzokubvisa maɗota ayo, nefoshoro dzayo, nemidziyo yayo, neɀikokoʋonho ɀenyama, neɀaeŋga ɀomŋoto; midziyo yayo yose unofanira kuiita nendarira. Unofanira kuiitira ʋo cakarukwa cendarira cakarukwa samambure; pamambure uite ɀindori ɀinna ɀendarira pamakona awo manna. Uɀiise pasi pecitsiko ceartari cakaipotedza necenyasi, kuti mambure aȿikire pakati peartari. Uitire artari matanda omuakasia, ugoafukidza nendarira. Matanda iwayo aiswe muɀindori, matanda agoʋa panhiʋi mbiri dzeartari kana ʋoitakura. Uiite namapuraŋga, isaʋa necinhu mukati, seɀawakaratidzwa mugomo, uiite saiɀoɀo.
Ekisodho 27:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)