Ekisodho 25:16-22 - Compare All Versions
Ekisodho 25:16-22 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mugoisa muareka chipupuriro, chandichakupai. “Muite chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafu pakureba uye kubhiti nehafu paupamhi. Uye muite makerubhi maviri egoridhe rakapambadzirwa kumacheto echifunhiro. Muite kerubhi rimwe chete kuno rumwe rutivi uye kerubhi rechipiri kuno rumwe rutivi; muite bandi rimwe chete rekerubhi nechifukidzo, pamativi maviri. Mapapiro amakerubhi anofanira kutambanudzirwa kumusoro, akafukidzira chifunhiro. Makerubhi anofanira kutarisana, akatarira kuchifunhiro. Muise chifunhiro pamusoro peareka uye mugoisa muareka, Chipupuriro chandichakupai. Ipapo, pamusoro pechifunhiro chiri pakati pamakerubhi maviri ari pamusoro peareka yeChipupuriro, ndichasangana newe ndigokupa mirayiro yangu yose yavaIsraeri.
Ekisodho 25:16-22 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino unofanira kuisa mukati meareka chipupuriro chandichakupa. Uitewo chifunhiro chokuyananisa nendarama yakaisvonaka; kureba kwacho makubhiti maviri nehafu; noupamhi hwacho kubhiti rimwe nehafu. Uitewo makerubhi maviri endarama uaite nendarama yakapambadzirwa pamiromo miviri yechifunhiro chokuyananisa. Ita kerubhi rimwe pamuromo mumwe nerimwe kerubhi pano mumwe muromo; uite makerubhi pamiromo yacho miviri zvive chinhu chimwe nechifunhiro chokuyananisa. Makerubhi atambanudzire mapapiro avo kumusoro, akafukidza chifunhiro chokuyananisa. Uise chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka, ugoisa mukati meareka chipupuriro chandichakupa. Ndipo pandichasangana newe, nditaure newe, ndiri pamusoro pechifunhiro chokuyananisa, pamusoro peareka yechipupuriro, ndikuudze zvose zvandichakupa, kuti uraire vanhu vaIsiraeri.
Ekisodho 25:16-22 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Unozoisa mafendefa echitenderano andichakupa mubhokisi imomo. “Unofanirawo kugadzira hwidibiro yendarama chaiyo yakanakisisa. Urefu hwayo huite masendimita zana rine gumi. Upamhi hwayo huite masendimita makumi matanhatu ane matanhatu. Unofanira kutora ndarama wogadzira mifananidzo miviri yezvisikwa zvinonzi makerubhu, woita zvokuzvipfura wozviisa pamativi maviri ehwidibiro. Unoita makerubhu pahwidibiro iyoyo akati uku rimwe uku rimwe, uagadzire akabatana nayo ari kumapeto maviri ehwidibiro. Ndiko kuagadzira kwauchaaita. Makerubhu iwayo ngaasimudzire mapapiro awo kumusoro akafukidza hwidibiro namapapiro awo akatarisana iwo akatarisa pahwidibiro, woisa mafendefa echitenderano andichakupa mubhokisi, uripfige nehwidibiro. Ipapo ndipo pandichauya kuzosangana newe. Ndichataura newe ndiri pakati pamakerubhu maviri anenge ari pahwidibiro yebhokisi rechitenderano, ndichikuudza zvandinoda kuti vaIsiraeri vaite.
Ekisodho 25:16-22 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino unofanira kuisa mukati meareka cipupuriro candicakupa. Uite ʋo cifunhiro cokuyananisa nendarama yakaiȿo‐naka; kureɓa kwaco makubiti maʋiri nehafu, noʋupamhi bgaco kubiti rimŋe nehafu. Uite ʋo makerubi maʋiri endarama, uaite nendarama yakapambadzirwa pamiromo miʋiri yecifunhiro cokuyananisa. Ita kerubi rimŋe pamuromo mumŋ nerimŋe kerubi panomumŋe muromo; uite makerubi pamiromo yaco miʋiri ɀiʋe cinhu cimŋe necifunhiro cokuyananisa. Makerubi atambanudzire mapapiro awo kumsoro, akafukidza cifunhiro cokuyananisa namapapiro awo, ɀiso ɀawo ɀakatarisana; ɀiso ɀamakerubi ŋgaɀitarire kucifunhiro cokuyananisa. Uise cifunhiro cokuyananisa pamsoro peareka, ugoisa mukati meareka cipupuriro candicakupa. Ndi’po pandicasoŋgana newe, nditaure newe, ndiri pamsoro pecifunhiro cokuyananisa, ndiri pakati pamakerubi maʋiri ari pamsoro peareka yecipupuriro, ndikuʋudze ɀose ɀandicakupa, kuti uraire ʋanhu ʋaIsraeri.
Ekisodho 25:16-22 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)