Ekisodho 24:12-18
Ekisodho 24:12-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Kwira kuno kwandiri pamusoro pegomo ugare pano, ndigokupa mahwendefa amabwe, ane mirayiro nemitemo zvandanyora kuti varayirwe.” Ipapo Mozisi akasimuka naJoshua mubatsiri wake, uye Mozisi akakwira mugomo raMwari. Akati kuvakuru, “Timirirei pano kusvikira tadzoka kwamuri. Aroni naHuri vanemi, uye ani naani zvake anopesana nomumwe anogona kuenda kwavari.” Mozisi akati akwira mugomo, gore rakarifukidza, uye kubwinya kwaJehovha kwakagara pamusoro peGomo reSinai. Gore rakafukidza gomo iro kwamazuva matanhatu, uye pazuva rechinomwe, Jehovha akadana Mozisi ari mukati megore. KuvaIsraeri, kubwinya kwaJehovha kwairatidzika somoto unoparadza uri pamusoro pegomo. Ipapo akapinda mugore paakanga achikwira mugomo. Uye akagara mugomo kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana.
Ekisodho 24:12-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Kwira kwandiri muno mugomo, ugarepo; ndichakupa mahwendefa amabwe anomurayiro nomurau wandanyora, kuti uvadzidzise.” Mosesi akasimuka naJoshua, muranda wake, Mosesi akakwira mugomo raMwari, akati kuvakuru, “Timirirei pano, kusvikira tichadzokerazve kwamuri; tarirai Aroni naHuri vanemi; ani naani ane mhaka ngaaende kwavari.” Zvino Mosesi akakwira mugomo, gore rikafukidza gomo. Kubwinya kwaJehovha kukagara pagomo reSinai, gore rikarifukidza mazuva matanhatu; nezuva rechinomwe akadana Mosesi ari mukati megore. Kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navana vaIsiraeri kwakaita somoto unopisa kwazvo, uri pamusoro wegomo. Mosesi akapinda mukati megore, akakwira mugomo; Mosesi akagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku una makumi mana.
Ekisodho 24:12-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akati kuna Mosesi, “Kwira mugomo muno mandiri umbogaramo, ndizokupa mafendefa maviri amabwe ane mitemo nemirao yandakanyorera kudzidzisa vaIsiraeri.” Mosesi naJoshuwa, mubatsiri wake, vakasimuka. Mosesi akakwira mugomo raMwari. Akasiya audza vatungamiriri vaya kuti, “Imi imbotimirirai pano, kudzamara tadzoka kuno kwamuri. Zvavapo ndezvizvi, Aroni naHuri ndivo vamuchasara navo. Anenge ane chanyanya kunetsa ngaaende kundoona ivava.” Mosesi akakwira mugomo, gore ndokubva rati gude gude kufukidza gomo iroro. Kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakauya pagomo reSinai, gore rikafukidza gomo iroro kwamazuva matanhatu. Pazuva rechinomwe, iye ari mukati megore akadaidzira kuna Mosesi. Kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakanga kwakaita somoto wairirima pamusoro pegomo pakuona kwavaIsiraeri. Mosesi akapinda mugore muya, akakwira mugomo. Akagaramo siku nesikati, kwamazuva makumi mana.
Ekisodho 24:12-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Kwira kwandiri muno mugomo, ugare’po; ndicakupa mahwendefa amabge anomurairo nomurau wandanyora, kuti uʋadzidzise. Mosesi akasimuka naJoshua, muranda wake, Mosesi akakwira mugomo raMŋari, akati kuʋakuru: Timirirei pano, kuȿikira ticidzokera ɀe kwamuri; tarirai Aroni naHuri ʋanemi; aninani unemhaka ŋgaaende kwaʋari. Ɀino Mosesi akakwira mugomo, gore rikafukidza gomo. Kubginya kwaJehova kukagara pagomo reSinai, gore rikarifukidza mazuʋa matanhatu; nezuʋa recinomŋe wakaɗana Mosesi ari mukati megore. Kubginya kwaJehova kukaʋonekwa naʋana ʋaIsraeri kwakaita somŋoto unopisa kwaɀo, uri pamusoro wegomo. Mosesi akapinda mukati megore, akakwira mugomo; Mosesi akagara mugomo mazuʋa anamakumi manna noʋusiku ʋunamakumi manna.
Ekisodho 24:12-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)