Ekisodho 20:8-10
Ekisodho 20:8-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rangarira zuva reSabata kuti urichengete riri dzvene. Uchashanda mazuva matanhatu nokuita basa rako rose, asi zuva rechinomwe iSabata kuna Jehovha Mwari wako. Pazuva iroro hamufaniri kuita basa ripi zvaro, iwe kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, murandarume wako kana murandakadzi wako, uye zvipfuwo zvako kana mutorwa ari mukati mamasuo ako.
Ekisodho 20:8-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Rangarira zuva reSabata, kuti urichengete rive dzvene. Ubate mazuva matanhatu, uite mabasa ako ose; asi zuva rechinomwe iSabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana zvipfuwo zvako, kana mweni wako ari mukati mamasuo ako
Ekisodho 20:8-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Yeuka zuva reSabata urierese. Kwamazuva matanhatu shanda zvako, uite basa rako rose, asi zuva rechinomwe iSabata raTenzi, Mwari wako. Pazuva iroro usaite kana basa zvaro, iwe kana mwana wako mukomana kana musikana, kunyange munhu anokushandira murume kana mukadzi, kana chipfuwo chako, kunyange muuyi agere nemi.
Ekisodho 20:8-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Raŋgarira zuʋa resaɓata, kuti uriceŋgete riʋe dɀene. Uɓate mazuʋa matanhatu, uite maɓasa ako ose; asi zuʋa recinomŋe isaɓata raJehova Mŋari wako; usatoŋgoɓata maɓasa naro, iwe, kana mŋanakomana wako, kana mŋanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana ɀipfuwo ɀako, kana mŋeni wako uri mukati mamasuʋo ako
Ekisodho 20:8-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)