Ekisodho 19:3-8
Ekisodho 19:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Mozisi akakwira kuna Mwari, uye Jehovha akadana kwaari ari mugomo akati, “Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuimba yaJakobho uye zvaunofanira kuudza vanhu veIsraeri: ‘Iwe pachako wakaona zvandakaita kuIjipiti, uye kuti ndakakutakurai sei pamapapiro egondo ndikakusvitsai kwandiri. Zvino kana muchinditeerera nomwoyo wose uye mukachengeta sungano yangu, ipapo muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose. Kunyange hazvo nyika yose iri yangu, muchava kwandiri umambo hwavaprista uye rudzi rutsvene.’ Aya ndiwo mashoko aunofanira kutaura kuvaIsraeri.” Saka Mozisi akadzokera akadana vakuru vavanhu akaisa pamberi pavo mashoko ose aakanga arayirwa naJehovha kuti ataure. Vanhu vose vakapindura pamwe chete vachiti, “Tichaita zvose zvakarehwa naJehovha.” Saka Mozisi akadzosera mhinduro yavo kuna Jehovha.
Ekisodho 19:3-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi akakwira kuna Mwari, Jehovha ari mugomo akamudana, akati, “Unofanira kutaura kudai kuna veimba yaJakobho, uudze vana Isiraeri, uti, ‘Makaona zvandakaitira vaIjipiti, uye kuti ndakakutakurai imi pamapapiro egondo, ndikakusvitsai kwandiri. Naizvozvo zvino kana mukateerera izwi rangu nomwoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyangu; muchava kwandiri ushe hwavapristi, norudzi rutsvene.’ Ndiwo mashoko aunofanira kundoudza vana vaIsiraeri.” Zvino Mosesi akadzoka, akadana vakuru vavanhu, akaisa pamberi pavo mashoko iwayo ose, aakanga arairwa naJehovha. Ipapo vanhu vose vakapindura pamwechete, vachiti, “Zvose zvataurwa naJehovha tichazviita.” Mosesi akandoudza Jehovha mashoko avanhu.
Ekisodho 19:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi akakwiramo kundosangana naMwari. Tenzi ari mugomo imomo akadaidzira kuna Mosesi achiti, “Taurira vanhu vemba yaJakobho, uudze vaIsiraeri kuti, ‘Makaonaka zvandakaita kuvaIjipiti, mukaonawo matakuriro andakakuitai segondo riri kubhururuka rine charakatakura ndichikuunzai kwandiri. Zvino mukanditeerera nomwoyo wose, muchichengeta chitenderano changu, pamarudzi ose muchava soupfumi hunokosha kwazvo kwandiri, nokuti pasi pose ndepangu. Kwandiri ini, imi muchava nyika yavapristi, rudzi runoera. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaurira vaIsiraeri.’ ” Mosesi akaburuka mugomo, akakokorodza vakuru vakuru vose vavaIsiraeri akavapirawo mashoko iwayo ose aakanga audzwa naTenzi. Ipapo vanhu vose vakapindura pamwechete vachiti, “Zvose zvarehwa naTenzi tichazviita.” Mosesi akandoudza Tenzi zvakanga zvataurwa navanhu.
Ekisodho 19:3-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mosesi akakwira kunaMŋari, Jehova ari mugomo akamuɗana, akati: Unofanira kutaura kuɗai kunaʋeimba yaJakobo, uʋudze ʋana ʋaIsraeri, uti: Makaʋona ɀandakaitira ʋaEgipita, ʋuye kuti ndakakutakurai imi pamapapiro egondo, ndikakuȿitsai kwandiri. Naiɀoɀo ɀino kana mukaterera inzwi raŋgu nomŋoyo wose, mukaceŋgeta suŋgano yaŋgu, mucaʋa fuma yaŋgu caiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyaŋgu; mucaʋa kwandiri ʋushe bgaʋaprista, norudzi rutȿene. Ndiwo mashoko aunofanira kundoʋudza ʋana ʋaIsraeri. Ɀino Mosesi akadzoka, akaɗana ʋakuru ʋaʋanhu, akaisa pamberi paʋo mashoko iwayo ose, aakaŋga arairwa naJehova. Ipapo ʋanhu ʋose ʋakapindura pamŋe cete, ʋaciti: Ɀose ɀataurwa naJehova ticaɀiita. Mosesi akandoʋudza Jehova mashoko aʋanhu.
Ekisodho 19:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)