Ekisodho 14:2-4
Ekisodho 14:2-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Taurira vaIsraeri kuti vadzoke vagondodzika musasa pedyo nePi Hahiroti, pakati peMigidhori negungwa. Vanofanira kudzika misasa pedyo nepagungwa, pakatarisana neBhaari Zefoni. Faro achafunga kuti, ‘VaIsraeri vari kungodzungaira nenyika vakanganisika, vadzimira murenje.’ Uye ndichaomesa mwoyo waFaro, agovatevera. Asi ini ndichazviwanira kukudzwa kubudikidza naFaro nehondo yake yose, uye vaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha.” Saka vaIsraeri vakaita izvozvo.
Ekisodho 14:2-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Udza vana vaIsiraeri, kuti vadzoke, vavake misasa yavo pamberi paPihahiroti, pakati peMigodhori negungwa, pamberi peBhaarizefoni; muvake misasa yenyu pagungwa pakatarisana napo. Zvino Farao achati pamusoro pavana vaIsiraeri, ‘Varasa nzira panyika, renje ravadzivirira.’ Ndichaomesa mwoyo waFarao kuti avateverere; ini ndichakudzwa pamusoro paFarao napahondo yake yose; vaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha.” Vakaita saizvozvo.
Ekisodho 14:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Udza vaIsiraeri vadzoke mundodzika matendhe enyu pakatarisana neguta rePihahiroti, pakati peMigidhori negungwa, pedyo neguta reBhaarizefoni, mudzike matendhe enyu ipapo pedyo negungwa. Farao achafunga kuti vaIsiraeri vari kudzungaira munyika, rerenje ravakomberedza. Ini ndichaita kuti Farao aomese mwoyo akuteverei. Ini ndichawana mbiri nokukurira kwandichaita Farao nehondo yake yose. VaIjipiti ndipo pavachazoziva kuti ini ndini Tenzi.” VaIsiraeri vakabva vaita saizvozvo.
Ekisodho 14:2-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋudza ʋana ʋaIsraeri kuti ʋadzoke, ʋaʋake misasa yaʋo pamberi paPihahiroti, pakati peMigdori neguŋgwa, pamberi peBaari‐zefoni; muʋake misasa yenyu paguŋgwa pakatarisana napo. Ɀino Farao ucati pamsoro paʋana ʋaIsraeri: Ʋarasha nzira panyika, renje raʋadziʋirira. Ndicawomesa mŋoyo waFarao kuti aʋateʋerere; ini ndicakudzwa pamsoro paFarao napahondo yake yose; ʋaEgipita ʋacaziʋa kuti ndini Jehova. Ʋakaita saiɀoɀo.
Ekisodho 14:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)