Ekisodho 11:1 - Compare All Versions
Ekisodho 11:1 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Ndichauyisa rimwezve dambudziko pamusoro paFaro napamusoro peIjipiti. Shure kwaizvozvo, achakutenderai kubva muno, uye paanozviita, achakudzingirai kunze zvachose.
Ekisodho 11:1 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Ndichauyisa dambudziko rimwezve pamusoro paFarao napamusoro peIjipiti, ipapo achakutenderai kubva pano; musi waachakutenderai kuenda, zvirokwazvo achakudzingai chose pano.
Ekisodho 11:1 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Zvino kwasara dambudziko rimwechete randichaunzira Farao nenyika yeIjipiti ozokuregai zvenyu moenda. Farao paachanyatsoti muende achaita zvokukudzingai muno.
Ekisodho 11:1 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino Jehova wakati kunaMosesi: Ndicaʋuyisa ɗambudziko rimŋe ɀe pamsoro paFarao napamsoro peEgipita, ipapo ucakutenderai kubva pano; musi waacakutenderai kuenda, ɀirokwaɀo ucakudziŋgai cose pano.
Ekisodho 11:1 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Zvino kwasara dambudziko rimwechete randichaunzira Farao nenyika yeIjipiti ozokuregai zvenyu moenda. Farao paachanyatsoti muende achaita zvokukudzingai muno.