Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 10:12 - Compare All Versions

Ekisodho 10:12 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudza ruoko rwako pamusoro peIjipiti kuitira kuti mhashu dzigoita bute pamusoro dzigodya zvose zvinomera muminda, zvose zvakasiyiwa nechimvuramabwe.”

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 10 BDSC

Ekisodho 10:12 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro penyika yeIjipiti, mhashu dziuye pamusoro penyika yeIjipiti, dzidye miti yose yenyika yose yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe.”

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 10 SNA2002

Ekisodho 10:12 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudzira ruʋoko rwako pamsoro penyika yeEgipita, mhashu dziʋuye pamsoro penyika yeEgipita, dzidye miti yose yenyika yose yakaŋga yasiyiwa necimvuramabge.

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 10 SUB1949

Ekisodho 10:12 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudzira ruoko rwako pamusoro penyika yose yeIjipiti kuti mhashu dziuye, muIjipiti dzidye zvose zvisina kuparadzwa nechimvuramahwe.”

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 10 SCLB

Ekisodho 10:12 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudzira ruoko rwako pamusoro penyika yose yeIjipiti kuti mhashu dziuye, muIjipiti dzidye zvose zvisina kuparadzwa nechimvuramahwe.”

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 10 SCLBD