Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 1:15-21 - Compare All Versions

Ekisodho 1:15-21 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mambo weIjipiti akati kuna vananyamukuta vechiHebheru vainzi Shifura naPua, “Pamunobatsira vakadzi vechiHebheru pakusununguka uye mukavacherechedza vachisununguka, kana ari mukomana, mumuuraye; kana ari musikana murege ari mupenyu.” Asi, vananyamukuta vakanga vachitya Mwari, uye havana kuita zvavakanga varayirwa namambo weIjipiti kuti vaite; vakarega vanakomana vari vapenyu. Ipapo mambo weIjipiti akadana vananyamukuta akavabvunza achiti, “Seiko maita izvi? Seiko marega vana vechikomana vari vapenyu?” Vananyamukuta vakapindura Faro vachiti, “Vakadzi vechiHebheru havana kufanana navakadzi veIjipiti; vane simba uye vanosununguka vananyamukuta vasati vasvika.” Saka Mwari akaitira vananyamukuta zvakanaka uye vanhu vakawedzerwa vakava vazhinji kwazvo. Uye nokuda kwokuti vananyamukuta vaitya Mwari, iye akavapa mhuri dzavo pachavo.

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 1 BDSC

Ekisodho 1:15-21 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino mambo weIjipiti akaudza madzimbuya avaHebheru, vainzi mumwe Shifura, mumwe Pua; akati, “Kana muchibatsira vakadzi vavaHebheru pabasa ramadzimbuya, muchivaona pakupona, kana ari mwanakomana mumuuraye kana ari mwanasikana, ngaararame hake.” Asi madzimbuya akanga achitya Mwari, akasaita sezvaakarairwa namambo weIjipiti, asi vakarega vanakomana vari vapenyu havo. Mambo weIjipiti akadana madzimbuya, akati kwavari, “Makaitireiko izvozvo, mukarega vanakomana vari vapenyu?” Madzimbuya akati kuna Farao, “Nokuti vakadzi vavaHebheru havana kufanana navakadzi vavaIjipiti, nokuti vane simba; mbuya vasati vasvika kwavari, vatopona havo.” Naizvozvo Mwari akaitira madzimbuya zvakanaka, vanhu vakawanda kwazvo, vakava nesimba kwazvo. Zvino madzimbuya zvaakanga achitya Mwari, iye akavapa mhuri.

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 1 SNA2002

Ekisodho 1:15-21 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mambo weIjipiti akataurira Shifura naPua vanyamukuta vaigamuchira vana paipona madzimai echiHebheru kuti, “Kana mava kubatsira madzimai echiHebheru anenge ava pakusununguka, mukaona kuti mwana wacho mukomana, ibvai mamuuraya. Asi kana ari musikana, musamuuraye.” Vananyamukuta ivava vaiva vanhu vaitya Mwari. Havana kuita zvavakanga vaudzwa namambo weIjipiti, asi vakarega vana vakomana vari vapenyu. Mambo weIjipiti akazodaidza vananyamukuta ava akati, “Nhai imi! Ko makaitirei zvakadai izvi? Makaregerereiko vana vakomana vari vapenyu?” Vananyamukuta ava vakapindura Farao vachiti, “Madzimai echiHebheru haana kufanana namadzimai echiIjipiti, nokuti madzimai echiHebheru akagwinya kwazvo zvokuti vananyamukuta vanozosara zvavo vosvika, ivo vatosununguka kare.” Naizvozvo Mwari akaitira vananyamukuta ava zvakanaka. VaIsiraeri vakaramba vachiwanda vakasimba. Pamusana pokuti vananyamukuta ivava vaitya Mwari, Mwari akavapa mhuri.

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 1 SCLBD

Ekisodho 1:15-21 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino mambo weEgipita akaʋudza madzimbuya aʋaHeberu, ʋainzi mumŋe Shifra, mumŋe Pua; akati: Kana muciɓatsira ʋakadzi ʋaʋaHeberu paɓasa ramadzimbuya, muciʋaʋona pakupona, kana ari mŋanakomana mumuʋuraye, kana ari mŋanasikana, ŋgaararame hake. Asi madzimbuya akaŋga acitya Mŋari, akasaita seɀaakarairwa namambo weEgipita, asi ʋakarega ʋanakomana ʋari ʋapenyu haʋo. Mambo weEgipita akaɗana madzimbuya, akati kwaʋari: Makaitireiko iɀoɀo, mukarega ʋanakomana ʋari ʋapenyu? Madzimbuya akati kunaFarao: Nokuti ʋakadzi ʋaʋaHeberu haʋana‐kufanana naʋakadzi ʋaʋaEgipita, nokuti ʋanesimba; mbuya ʋasati ʋaȿika kwaʋari, ʋatopona haʋo. Naiɀoɀo Mŋari akaitira madzimbuya ɀakanaka, ʋanhu ʋakawanda kwaɀo, ʋakaʋa nesimba kwaɀo. Ɀino madzimbuya ɀaakaŋga acitya Mŋari, iye akaʋapa mhuri.

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 1 SUB1949

Ekisodho 1:15-21 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mambo weIjipiti akataurira Shifura naPua vanyamukuta vaigamuchira vana paipona madzimai echiHebheru kuti, “Kana mava kubatsira madzimai echiHebheru anenge ava pakusununguka, mukaona kuti mwana wacho mukomana, ibvai mamuuraya. Asi kana ari musikana, musamuuraye.” Vananyamukuta ivava vaiva vanhu vaitya Mwari. Havana kuita zvavakanga vaudzwa namambo weIjipiti, asi vakarega vana vakomana vari vapenyu. Mambo weIjipiti akazodaidza vananyamukuta ava akati, “Nhai imi! Ko makaitirei zvakadai izvi? Makaregerereiko vana vakomana vari vapenyu?” Vananyamukuta ava vakapindura Farao vachiti, “Madzimai echiHebheru haana kufanana namadzimai echiIjipiti, nokuti madzimai echiHebheru akagwinya kwazvo zvokuti vananyamukuta vanozosara zvavo vosvika, ivo vatosununguka kare.” Naizvozvo Mwari akaitira vananyamukuta ava zvakanaka. VaIsiraeri vakaramba vachiwanda vakasimba. Pamusana pokuti vananyamukuta ivava vaitya Mwari, Mwari akavapa mhuri.

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 1 SCLB