Esteri 9:3 - Enzanisa Shanduro Dzose
Esteri 9:3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye makurukota ose enyika, navakuru vehondo, vabati namachinda amambo vakabatsira vaJudha, nokuti vakanga vava kutya Modhekai.
Pakurirana nevamwe
Esteri 9 BDSCEsteri 9:3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Machinda ose amativi enyika, namachinda makuru, navabati, vaibata basa ramambo, vakabatsira vaJudha; nokuti vakatya Modhekai.
Pakurirana nevamwe
Esteri 9 SNA2002Esteri 9:3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Macinda ose amatiʋi enyika, namacinda makuru, naʋaɓati, ʋaiɓate‐ɓasa ramambo, ʋakaɓatsira ʋaJuda; nokuti ʋakatya Mordekai.
Pakurirana nevamwe
Esteri 9 SUB1949Esteri 9:3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Machinda ose zvawo edzinyika idzi namadzishe namasadunhu namakurukota okwamambo, vakayamurawo vaJudha pamusana pokuti kutya Modhekai kwakanga kwavawira.
Pakurirana nevamwe
Esteri 9 SCLBEsteri 9:3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Machinda ose zvawo edzinyika idzi namadzishe namasadunhu namakurukota okwamambo, vakayamurawo vaJudha pamusana pokuti kutya Modhekai kwakanga kwavawira.
Pakurirana nevamwe
Esteri 9 SCLBD