Skip to content
Logo yeApp yeBhaibheri

Esteri 7:8 - Enzanisa Shanduro Dzose

Esteri 7:8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mambo paakadzoka kubva kubindu romuzinda achidzokera kuimba yamabiko, Hamani akanga azviwisira pachigaro chakanga chigere Esteri. Mambo akati, “Asi otoda kuchinyira mambokadzi muno mumba ndinaye here?” Pakarepo shoko parakangobuda mumuromo wamambo, vakafukidza uso hwaHamani.

Pakurirana nevamwe
Esteri 7 BDSC

Esteri 7:8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ipapo mambo akadzoka achibva pamunda weimba yamambo akapinda panzvimbo yamafundo ewaini; zvino Hamani akanga azviwisira pachigaro pakanga pagere Esiteri. Mambo akati, “Zvino wotoda kuchinya vahosi muno mumba pamberi pangu kanhi?” Zvino shoko iro rakati rabuda mumuromo wamambo, vakafukidza chiso chaHamani.

Pakurirana nevamwe
Esteri 7 SNA2002

Esteri 7:8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ipapo mambo wakadzoka acibva pamunda weimba yamambo akapinda panɀimbo yamafundo ewaini; ɀino Hamani wakaŋga aɀiwisira pacigaro pakaŋga pagere Estere. Mambo akati: Ɀino wotoɗa kucinya ʋahosi muno mumba pamberi paŋgu kanhi? Ɀino shoko iro rakati raɓuɗa mumuromo wamambo, ʋakafukidza ciso caHamani.

Pakurirana nevamwe
Esteri 7 SUB1949

Esteri 7:8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mambo akazodzoka kubindu romumuzinda kuya akaenda kunzvimbo kwakanga kuchinwirwa waini kuya. Izvozvo Hamani akanga achitozviwisira pachigaro paiva naEsita, Mambo vakabva ati, “Ava kutobhinya vahosi vangu mumaziso mangu nhai, mumuzinda mangu muno?” Mambo achangopedza kutaura muromo iwoyu, akabva afukidza Hamani uso hwake.

Pakurirana nevamwe
Esteri 7 SCLB

Esteri 7:8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Esteri 7 SCLBD