Skip to content
Logo yeApp yeBhaibheri

Esteri 7:7 - Enzanisa Shanduro Dzose

Esteri 7:7 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mambo akaviruka nehasha, akasiya waini yake ndokuenda kubindu romuzinda. Asi Hamani, achiona kuti mambo akanga atoronga magumo ake, akasara achiti akumbire upenyu hwake kuna vaHosi Esteri.

Pakurirana nevamwe
Esteri 7 BDSC

Esteri 7:7 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Mambo akasimuka pamafundo ewaini akatsamwa, akaenda kumunda weimba yamambo; Hamani akasimukawo kuzokumbira upenyu hwake kuna vahosi Esiteri, nokuti akaona kuti mambo akafunga kumuitira zvakaipa.

Pakurirana nevamwe
Esteri 7 SNA2002

Esteri 7:7 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Mambo akasimuka pamafundo ewaini akatsamŋa, akaenda kumunda weimba yamambo; Hamani akasimuka ʋo kuzokumbira ʋupenyu bgake kunaʋahosi Estere, nokuti wakaʋona kuti mambo wakafuŋga kumuitira ɀakaipa.

Pakurirana nevamwe
Esteri 7 SUB1949

Esteri 7:7 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mambo akabva asumuka pakudya akabva aviruka nehasha akaenda mubindu romumuzinda. Asi Hamani akasara achiteterera kuna vahosi vamambo Esita kuti vangovararamisawo nokuti akanga atozviona kuti mambo akanga atoronga kumuita chimwe chinhu.

Pakurirana nevamwe
Esteri 7 SCLB

Esteri 7:7 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mambo akabva asumuka pakudya akabva aviruka nehasha akaenda mubindu romumuzinda. Asi Hamani akasara achiteterera kuna vahosi vamambo Esita kuti vangovararamisawo nokuti akanga atozviona kuti mambo akanga atoronga kumuita chimwe chinhu.

Pakurirana nevamwe
Esteri 7 SCLBD