Esteri 6:3 - Enzanisa Shanduro Dzose
Esteri 6:3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akabvunza akati, “Modhekai akagamuchira kukudzwa nerumbidzo yei nokuda kwaizvozvi.” Varanda vake vakati, “Hapana chaakaitirwa.”
Esteri 6:3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo akati, “Modhekai akakudzwa nokurumbidzwa seiko pamusoro pechinhu ichi?” Varanda vamambo vaimubatira vakati, “Haana chaakaitirwa.”
Esteri 6:3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ipapo mambo akati: Mordekai wakakudzwa nokurumbidzwa seiko pamsoro pecinhu ici? Ʋaranda ʋamambo ʋaimuɓatira ʋakati: Haana‐caakaitirwa.
Esteri 6:3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akati, “Chii chaizvo chakapiwa Modhekai kuitira nyaya iyoyi chokumuremekedza kana chokumukudzawo nacho?” Machinda amambo aimushandira akati, “Hapana chaakaitirwa uya!”
Esteri 6:3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Mambo akati, “Chii chaizvo chakapiwa Modhekai kuitira nyaya iyoyi chokumuremekedza kana chokumukudzawo nacho?” Machinda amambo aimushandira akati, “Hapana chaakaitirwa uya!”